2 VaKorinde
6 Zvatinoshanda pamwe chete naye,+ tinokutetereraiwo kuti murege kugamuchira mutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari motadza kunzwisisa chinangwa chawo.+ 2 Nokuti iye anoti: “Ndakakunzwa panguva yakakodzera, uye ndakakubatsira pazuva roruponeso.”+ Tarirai! Ino ndiyo nguva yakakodzera chaizvo.+ Tarirai! Rino ndiro zuva roruponeso.+
3 Hatimbopi chero chikonzero chipi zvacho chokugumbuka,+ kuti ushumiri hwedu hurege kuwanirwa mhosva;+ 4 asi munzira dzose tinoratidza+ kuti tiri vashumiri vaMwari, nokutsungirira zvizhinji, nokutambudzika, nokushayiwa zvinhu, nokunetseka,+ 5 nokurohwa, nokuva mujeri,+ nokunyongana kwezvinhu, nemabasa, nokusarara usiku, nenguva dzokusava nezvokudya,+ 6 nokuva vakachena, nezivo, nomwoyo murefu,+ nomutsa,+ nomudzimu mutsvene, norudo rusina unyengeri,+ 7 nokutaura kwechokwadi, nesimba raMwari;+ tichishandisa zvombo+ zvokururama muruoko rworudyi nerworuboshwe, 8 nokukudzwa nokuzvidzwa, nemashoko akaipa nemashoko akanaka; sevanyengeri+ asi tiri vechokwadi, 9 setisingazivikanwi asi tichizivikanwa,+ setiri kufa asi, tarirai! tiri vapenyu,+ setinorangwa+ asi tisingaurayiwi,+ 10 setakasuruvara asi tichigara tichifara, sevarombo asi tichipfumisa vazhinji, setisina chinhu asi tiine zvinhu zvose.+
11 Muromo wedu wakashamira imi vaKorinde, mwoyo+ yedu yakawedzera. 12 Hamuna kumanikidzika matiri,+ asi makamanikidzika murudo rwenyu rukuru.+ 13 Naizvozvo, kuti mudzorerewo—ndinotaura sendiri kutaura nevana+—imiwo, wedzerai.
14 Musasungwa zvisina kukodzera pajoko nevasingatendi.+ Nokuti kururama kune ushamwari hwei nokusateerera mutemo?+ Kana kuti chiedza chine mugove wei nerima?+ 15 Uyezve, Kristu naBheriari vanotsinhirana pachii?+ Kana kuti munhu akatendeka ane mugove wei+ nomunhu asingatendi? 16 Temberi yaMwari inobvumirana nezvidhori pachii?+ Nokuti tiri temberi+ yaMwari mupenyu; sokutaura kwakaita Mwari kuti: “Ndichagara pakati pavo+ nokufamba pakati pavo, ndichava Mwari wavo, uye ivo vachava vanhu vangu.”+ 17 “‘Naizvozvo ibvai pakati pavo, muzviparadzanise,’ anodaro Jehovha, ‘musabata chinhu chisina kuchena’”;+ “‘uye ini ndichakugamuchirai.’”+ 18 “‘Ndichava baba venyu,+ uye imi muchava vanakomana nevanasikana vangu,’+ anodaro Jehovha Wemasimbaose.”+