VaGaratiya
4 Zvino ndinoti chero bedzi mugari wenhaka ari mucheche, iye haana kumbosiyana nomuranda,+ kunyange zvazvo ari ishe wezvinhu zvose, 2 asi ari pasi pevachengeti+ uye pasi pevatariri kusvikira pazuva rakafanotarwa nababa vake. 3 Saizvozvo isuwo, pataiva vacheche, tairamba tichiitwa varanda nezvinhu zvokutanga+ zvenyika. 4 Asi nguva yacho payakanyatsokwana,+ Mwari akatuma Mwanakomana wake,+ akazoberekwa nomukadzi+ uye akava pasi pomutemo,+ 5 kuti asunungure nokutenga+ vaya vaiva pasi pomutemo,+ kuti isuwo, tigamuchirwe sevanakomana.+
6 Zvino zvamuri vanakomana, Mwari akatumira mudzimu+ woMwanakomana wake mumwoyo medu uye unoshevedzera kuti: “Abha, Baba!”+ 7 Saka, iwe hausisiri muranda asi wava mwanakomana; uye kana wava mwanakomana, wavawo mugari wenhaka nokuna Mwari.+
8 Kunyange zvakadaro, pamakanga musingazivi Mwari,+ panguva iyoyo maiva varanda vevaya vakasikwa vasiri vanamwari.+ 9 Asi zvino zvamakasvika pakuziva Mwari, kana kuti zvino zvamakasvika pakuzivikanwa naMwari,+ sei mava kudzokerazve kuzvinhu zvokutanga zvisina simba+ nezvisina basa,+ muchidazve kuva varanda vazvo?+ 10 Muri kunyatsochengeta mazuva+ nemwedzi+ nemwaka nemakore. 11 Ndinokutyirai, kuti zvimwe ndakakushandirai zvakaoma pasina.+
12 Hama, ndinokukumbirai, Ivai sezvandiri,+ nokuti ndaimbovawo sezvamuri.+ Hapana chakaipa chamakandiitira.+ 13 Asi munoziva kuti ndakakuzivisai mashoko akanaka nguva yokutanga nokuda kwokurwara kwangu panyama.+ 14 Hamuna kuzvidza kana kupfira mate muchisema chaiva muedzo kwamuri munyama yangu; asi makandigamuchira sengirozi+ yaMwari, saKristu Jesu.+ 15 Saka, mufaro uya wamaiva nawo uri kupi?+ Nokuti ndinokupupurirai kuti, kudai zvaibvira, mungadai makasvokonora maziso enyu mukandipa.+ 16 Saka, ndava muvengi+ wenyu nokuti ndinokuudzai chokwadi+ here? 17 Vanoshingairira kukutsvakai,+ kwete nenzira yakanaka, asi vanoda kukuvharirai kunze kuti murege kuva neni, kuti mushingairire kutsvaka ivo.+ 18 Zvisinei, zvakanaka kuti mumwe munhu ashingairire kukutsvakai nokuda kwechikonzero chakanaka+ nguva dzose, kwete chete pandinenge ndiripo+ pamwe chete nemi, 19 vana vangu vaduku,+ vandiri kurwadziwa zvakare nokusununguka kusvikira Kristu achiumbwa mamuri.+ 20 Asi ndingada kuti ndivepo pamwe chete nemi iye zvino chete+ uye kuti nditaure neimwe nzira, nokuti ndavhiringidzika+ pamusoro penyu.
21 Ndiudzei, imi munoda kuva pasi pomutemo,+ Imi munoteerera Mutemo here?+ 22 Somuenzaniso, zvakanyorwa kuti Abrahamu akava nevanakomana vaviri, mumwe nomushandikadzi+ uye mumwe nomukadzi akasununguka;+ 23 asi chokwadi uya akaberekwa nomushandikadzi akaberekwa nenzira yenyama,+ uye mumwe akaberekwa nomukadzi akasununguka akaberekwa pachishandiswa chipikirwa.+ 24 Zvinhu izvi zvinhu zvokufananidzira;+ nokuti vakadzi ava vanomirira sungano mbiri,+ imwe yakabva paGomo reSinai,+ iya inobereka vana vouranda, uye iyo ndiHagari. 25 Zvino Hagari uyu anomirira Sinai,+ gomo riri muArabhiya, uye akafanana neJerusarema ranhasi, nokuti ari muuranda+ nevana vake. 26 Asi Jerusarema+ riri kumusoro rakasununguka, uye iro ndiro amai vedu.+
27 Nokuti zvakanyorwa kuti: “Fara, iwe mukadzi ngomwa isingabereki; pururudza uye shevedzera nenzwi guru, iwe mukadzi asingarwadziwi nokusununguka; nokuti vana vomukadzi akasiyiwa vazhinji kupfuura vouya ane murume.”+ 28 Zvino isu, hama, tiri vana vechipikirwa sezvakanga zvakaita Isaka.+ 29 Asi zvazvakanga zvakaita panguva iyoyo uya akaberekwa nenzira yenyama paakatanga kutambudza+ uya akaberekwa nenzira yomudzimu, ndizvo zvazvakaitawo zvino.+ 30 Kunyange zvakadaro, Rugwaro runotii? “Dzinga mushandikadzi nomwanakomana wake, nokuti mwanakomana womushandikadzi haangambovi mugari wenhaka pamwe chete nomwanakomana womukadzi akasununguka.”+ 31 Saka, hama, isu hatisi vana vomushandikadzi,+ asi vomukadzi akasununguka.+