VaGaratiya
5 Kristu akatisunungura+ nokuda kworusununguko rwakadaro. Naizvozvo mirai makasimba,+ uye musazvirega muchisungwazve pajoko rouranda.+
2 Onai! ini, Pauro, ndiri kukuudzai kuti kana mukadzingiswa,+ Kristu haazovi nezvaanobatsira kwamuri. 3 Zvakare, ndinopupurirazve munhu wose anodzingiswa kuti anosungirwa kuti achengete Mutemo wose.+ 4 Imi makaparadzaniswa naKristu, pasinei hapo nokuti muri vanaani, imi munoedza kunzi makarurama pachishandiswa mutemo;+ mabva pamutsa wake usina kukodzera kuwanwa.+ 5 Kana tiri isu nomudzimu tiri kumirira nomwoyo wose kururama kunotarisirwa nokuda kwokutenda.+ 6 Nokuti kuna Kristu Jesu kudzingiswa kana kusadzingiswa hazvimbokoshi,+ asi kutenda+ kunoshanda norudo+ ndiko kunokosha.
7 Makanga muchimhanya zvakanaka.+ Ndiani akakudzivisai kuti murambe muchiteerera chokwadi?+ 8 Kunyengetedza kworudzi urwu hakubvi kuna Iye anokudanai.+ 9 Mbiriso shomanana inovirisa mukanyiwa wose.+ 10 Ndinovimba+ nemi imi muri pamwe+ naShe kuti hamuzosviki pakufunga neimwe nzira; asi uya ari kukunetsai+ achatakura mutongo wake,+ pasinei nokuti angava ani. 11 Kana ndiri ini, hama, kana ndichiri kuparidza kudzingiswa, ndichiri kutambudzirwei? Saka, chokwadi, chinhu chinogumbura+ chedanda rokutambudzikira+ chabviswa.+ 12 Ndaizoda hangu kuti kudai vanhu vari kuedza kukukanganisai+ vaizoita kuti vachekwe havo.+
13 Chokwadi, hama, makadanirwa rusununguko;+ asi musashandisa rusununguko urwu sechinhu chokuzvipembedza nacho chenyama inotadza,+ asi shandiranai norudo.+ 14 Nokuti Mutemo wose unozadzika+ neshoko rimwe chete, rinoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+ 15 Asi kana muchiramba muchirumana nokudyana,+ chenjerai kuti hamupedzani.+
16 Asi ndinoti, Rambai muchifamba maererano nomudzimu+ uye hamuzomboiti zvinodiwa nenyama.+ 17 Nokuti nyama inorwisana nomudzimu+ pakuchiva kwayo, uye mudzimu unorwisana nenyama; nokuti izvi zvinorwisana, zvokuti zvinhu chaizvo zvamaizoda kuita hamuzviiti.+ 18 Uyezve, kana muchitungamirirwa nomudzimu,+ hamusi pasi pomutemo.+
19 Zvino mabasa enyama anooneka,+ uye ndeaya, ufeve,+ kusachena, kusazvibata,+ 20 kunamata zvidhori, tsika yokuita zvemidzimu,+ kuvengana, kupopotedzana, godo, kufufutirwa nehasha, kukakavadzana, kupesana, kuita tumapoka, 21 shanje, kunwira kudhakwa,+ mitambo yemafaro akanyanyisa, nezvinhu zvakaita seizvi. Ndiri kufanokunyeverai pamusoro pezvinhu izvi, sokufanokunyeverai kwandakamboita, kuti vane tsika yokuita+ zvinhu zvakadai havazogari nhaka youmambo hwaMwari.+
22 Asi chibereko+ chomudzimu rudo, mufaro, rugare, mwoyo murefu, mutsa, runako,+ kutenda, 23 unyoro, kuzvidzora.+ Hapana mutemo unorambidza zvinhu zvakadai.+ 24 Zvakare, vaya vari vanhu vaKristu Jesu vakaroverera nyama pamwe chete nezvido zvayo nokuchiva kwayo.+
25 Kana tichirarama maererano nomudzimu, ngatirambei tichifambawo zvakanaka maererano nomudzimu.+ 26 Ngatiregei kuzvikudza, tichimutsa makwikwi+ pakati pedu, tichiitirana shanje.+