VaEfeso
4 Naizvozvo, ini musungwa+ munaShe, ndinokutetererai kuti mufambe zvakakodzera+ kudanwa kwamakadanwa nako,+ 2 nepfungwa dzinozvininipisa+ zvakakwana nounyoro, nomwoyo murefu,+ muchishivirirana murudo,+ 3 muchivavarira nomwoyo wose kuchengeta kubatana kwomudzimu muchisungo chorugare.+ 4 Kune muviri mumwe chete,+ nomudzimu mumwe chete,+ sokudanwa kwamakaitwa mutariro imwe chete+ yamakadanirwa; 5 Ishe mumwe chete,+ kutenda kumwe chete,+ rubhabhatidzo rumwe chete;+ 6 Mwari mumwe chete+ uye Baba vevanhu vose, vari pamusoro pavose uye kuna vose uye muna vose.
7 Zvino mumwe nomumwe wedu akaitirwa mutsa usina kukodzera kuwanwa+ maererano nokuyera kwakaita Kristu chipo chepachena.+ 8 Saka iye anoti: “Paakakwira kumusoro akaenda nenhapwa; akapa zvipo zviri varume.”+ 9 Zvino mashoko okuti “akakwira,”+ anorevei kunze kwokuti akadzikawo munzvimbo dzakaderera, ipo panyika?+ 10 Iye wacho akadzika ndiyewo akakwira+ kumusoro kupfuura matenga ose,+ kuti azadzise+ zvinhu zvose.
11 Akapa vamwe kuti vave vaapostora,+ vamwe kuti vave vaprofita,+ vamwe kuti vave vaevhangeri,+ vamwe kuti vave vafudzi nevadzidzisi,+ 12 kuti vatsvene varuramiswe,+ nokuda kwebasa rokushumira, nokuda kwokuvakwa kwomuviri waKristu,+ 13 kusvikira tose tasvika pakubatana mukutenda nomuzivo yakarurama pamusoro poMwanakomana waMwari, tava munhu akura zvakakwana,+ tava nomwero wokukura kwakazara kwaKristu;+ 14 kuti tirege kuvazve vacheche, tichikandwa kwose kwose+ sokunge tinokandwa nemafungu uye tichitakurirwa kuno nokoko nemhepo yose yokudzidzisa+ nounyengeri+ hwevanhu, nemanomano okuruka mazano okukanganisa. 15 Asi nokutaura chokwadi,+ isu ngatikurei norudo+ muzvinhu zvose muna Kristu, uyo ari musoro.+ 16 Kubva kwaari, muviri+ wose uchinyatsobatanidzwa pamwe chete uye uchiitwa kuti ushandire pamwe chete pachishandiswa mapfundo ose anopa zvinodiwa, maererano nokushanda kwenhengo imwe neimwe mumwero wakakodzera unoita kuti muviri ukure kuti uzvivake murudo.+
17 Naizvozvo, ndinotaura nokupupurira izvi munaShe, kuti hamucharambi muchifambazve sokufamba kunoita mamwe marudzi+ mukusabatsira kwepfungwa dzawo,+ 18 paanenge ari murima mupfungwa,+ uye akaparadzaniswa+ noupenyu hwaMwari, nokuda kwokusaziva+ kuri maari, nokuda kwokuoma+ kwemwoyo yawo. 19 Asisina kana nepfungwa yose zvayo yetsika,+ akazviregerera asingazvibati+ kuti aite zvinhu zvisina kuchena+ zvemarudzi ose nokukara.+
20 Asi imi hamuna kudzidza Kristu kuti akadaro,+ 21 chokwadi, chero bedzi makamunzwa uye makadzidziswa naye,+ chokwadi+ zvachiri muna Jesu, 22 kuti munofanira kubvisa unhu hwekare+ hunotsinhirana nowaimbova mufambiro wenyu uye hunoodzwa+ maererano nokuchiva kwahwo kunonyengera;+ 23 asi kuti munofanira kuitwa vatsva musimba rinoita kuti pfungwa dzenyu dzishande,+ 24 uye munofanira kupfeka+ unhu hutsva+ hwakasikwa+ maererano nezvinodiwa naMwari mukururama kwechokwadi+ nokuvimbika.
25 Saka zvino, zvamakabvisa nhema,+ mumwe nomumwe wenyu ngaataure chokwadi nomuvakidzani wake,+ nokuti isu tiri nhengo yomumwe nomumwe.+ 26 Tsamwai henyu, asi musatadza;+ zuva ngarirege kuvira makatsamwa,+ 27 uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.+ 28 Anoba ngaachirega kubazve,+ asi ngaashande nesimba, achiita basa rakanaka nemaoko ake,+ kuti ave nechimwe chinhu chokupa mumwe munhu anoshayiwa.+ 29 Shoko rakaora ngarirege kubuda mumuromo menyu,+ asi shoko chero ripi zvaro rakanaka, kuti rivake sezvingava zvichidiwa, kuti ripe zvinofadza kune vanonzwa.+ 30 Uyewo, musashungurudza mudzimu mutsvene+ waMwari, wakakuisai chisimbiso+ nokuda kwezuva ramuchasunungurwa norudzikinuro.+
31 Pfini+ dzose nokutsamwa nehasha nokupopota nokutuka+ ngazvibviswe kwamuri pamwe chete nezvakaipa zvose.+ 32 Asi itiranai mutsa,+ muchinzwirana tsitsi kwazvo,+ muchikanganwirana nomwoyo wose Mwari zvaakakukanganwiraiwo nomwoyo wose achishandisa Kristu.+