Dheuteronomi
21 “Kana munhu akawanikwa akaurayiwa ari panyika yauchapiwa naJehovha Mwari wako kuti uitore ive yako, akawira musango, zvikasazivikanwa kuti ndiani akamuuraya,+ 2 varume vakuru vako nevatongi+ vako vanofanira kubuda, voyera kusvika kumaguta akapoteredza munhu wacho akaurayiwa; 3 uye rinofanira kuva guta riri pedyo neakaurayiwa wacho. Varume vakuru veguta iroro vanofanira kutora tsiru paboka remombe, risati ramboshandiswa, risati rakweva pajoko; 4 varume vakuru veguta iroro vanofanira kuenda netsiru racho kumupata une rukova une mvura inoyerera maisarimwa kana kudyarwa mbeu, uye vanofanira kutyora mutsipa wetsiru racho imomo mumupata une rukova.+
5 “Zvino vapristi, ivo vanakomana vaRevhi vanofanira kuswedera, nokuti ndivo vakasarudzwa naJehovha Mwari wako kuti vamushumire+ uye kuti vakomborere+ vachishandisa zita raJehovha, uye ndivo vanofanira kupedza nharo dzose pamusoro pemabasa ose echisimba nezvavanotaura.+ 6 Varume vakuru vose veguta iroro vari pedyo nomunhu wacho akaurayiwa vanofanira kubva vagezera maoko avo+ pamusoro petsiru racho, rine mutsipa unenge watyorerwa mumupata une rukova; 7 vanofanira kupindura vachiti, ‘Maoko edu haana kuteura ropa iri, uyewo maziso edu haana kuriona richiteurwa.+ 8 Haiwa Jehovha, musariverengera kuvanhu venyu vaIsraeri, vamakadzikinura,+ uye musaisa mhosva yeropa risina mhaka+ pakati pevanhu venyu vaIsraeri.’ Zvino havafaniri kuverengerwa mhosva yacho yeropa. 9 Asi iwe—uchabvisa mhosva yeropa risina mhaka pakati pako,+ nokuti uchaita zvakarurama pamberi paJehovha.+
10 “Kana ukaenda kunorwa nevavengi vako, Jehovha Mwari wako akavaisa muruoko rwako,+ iwe ukavatapa;+ 11 uye ukaona mukadzi ane chimiro chakanaka pakati penhapwa, ukamuda+ uye ukamutora kuti ave mudzimai wako, 12 unofanira kubva wamuunza pakati peimba yako. Zvino ngaaveure musoro wake+ nokucheka nzara dzake, 13 abvise jasi raakatapwa akapfeka, agare muimba yako, acheme baba vake naamai vake kwomwedzi wose;+ pashure paizvozvo unofanira kurara naye, umutore kuti ave mwenga wako, uye iye anofanira kuva mudzimai wako. 14 Kana usina kumufarira, unofanira kubva wamurega achienda+ sezvinodiwa nomweya wake; asi haufaniri kumbomutengesa hako nemari. Haufaniri kumudzvinyirira+ pashure pokunge wamunyadzisa.
15 “Kana murume aine madzimai maviri, mumwe anodiwa nomumwe anovengwa, uye ivo, uya anodiwa nouya anovengwa, vakamuberekera vanakomana, mwanakomana wedangwe wova wouya anovengwa,+ 16 pazuva raanopa vanakomana vake nhaka yezvaainazvo, haazobvumirwi kuita kuti mwanakomana weanodiwa ave dangwe rake, zvichiita kuti mwanakomana weanovengwa, dangwe racho, arasikirwe.+ 17 Nokuti anofanira kubvuma mwanakomana weanovengwa kuti ndiye dangwe nokumupa zvikamu zviviri pazvinhu zvose zvaanenge ainazvo,+ nokuti iyeye ndiye kutanga kwesimba rake rokubereka.+ Udangwe ndohwake.+
18 “Kana munhu aine mwanakomana akasindimara uye anopandukira,+ asingateereri inzwi rababa vake kana inzwi raamai vake,+ uye ivo vakamururamisa asi iye asingavateereri,+ 19 baba vake naamai vake vanofanira kumubata, vaende naye kuvarume vakuru veguta rake, kugedhi renzvimbo yake,+ 20 uye ngavaudze varume vakuru veguta rake kuti, ‘Uyu mwanakomana wedu akasindimara uye anopandukira; haasi kuteerera inzwi redu,+ anokara+ uye chidhakwa.’+ 21 Varume vose veguta rake ngavabve vamutema nematombo, uye anofanira kufa. Naizvozvo unofanira kubvisa zvakaipa pakati pako, uye vaIsraeri vose vachazvinzwa uye chokwadi vachatya.+
22 “Kana munhu akaita chivi chakakodzera kutongerwa rufu, akaurayiwa,+ ukamuturika padanda,+ 23 chitunha chake hachifaniri kurara usiku hwose chiri padanda;+ asi unotofanira kumuviga zuva iroro nokuti munhu akaturikwa chinhu chakatukwa naMwari;+ uye usasvibisa nyika yako yauchapiwa naJehovha Mwari wako kuti ive nhaka yako.+