Dheuteronomi
7 “Jehovha Mwari wako paanozokupinza munyika yauri kuenda kuti uitore ive yako,+ achabvisawo marudzi ane vanhu vazhinji pamberi pako,+ vaHiti+ nevaGigashi+ nevaAmori+ nevaKenani+ nevaPerizi+ nevaHivhi+ nevaJebhusi,+ marudzi manomwe ane vanhu vazhinji uye ane simba kukupfuura.+ 2 Jehovha Mwari wako achavaisa kwauri, uye uchavakunda.+ Unotofanira kuvaparadza chose.+ Usaita sungano navo kana kumbovanzwira nyasha.+ 3 Usaroorerana navo. Usapa mwanakomana wake mwanasikana wako, uye usatorera mwanakomana wako mwanasikana wake.+ 4 Nokuti achatsausa mwanakomana wako kuti arege kunditevera, uye vachashumira vamwe vanamwari;+ Jehovha achakutsamwirai kwazvo, uye achakurumidza kukutsakatisai.+
5 “Asi munofanira kuvaitira izvi: Munofanira kuputsa atari dzavo,+ uye munofanira kuputsa shongwe dzavo tsvene,+ uye munofanira kutema+ matanda avo matsvene,+ uye munofanira kupisa nomoto zvifananidzo zvavo zvakavezwa.+ 6 Nokuti iwe uri rudzi rutsvene kuna Jehovha Mwari wako.+ Ndiwe wakasarudzwa naJehovha Mwari wako kuti uve rudzi rwake, pfuma chaiyo, pakati pemarudzi ose ari pamusoro penyika.+
7 “Jehovha haana kukudai, akabva akusarudzai nokuti makanga muri vanhu vazhinji kupfuura marudzi ose,+ nokuti ndimi makanga muri vashomanana pamarudzi ose.+ 8 Asi Jehovha akakubudisai noruoko rune simba,+ kuti akudzikinurei muimba yevaranda,+ muruoko rwaFarao mambo weIjipiti, nokuti Jehovha aikudai,+ uye nokuti aichengeta mhiko yaakapikira madzitateguru enyu.+ 9 Unonyatsoziva kuti Jehovha Mwari wako ndiMwari wechokwadi,+ Mwari akatendeka,+ anochengeta sungano+ nokuva nomutsa worudo kune vaya vanomuda nevaya vanochengeta mirayiro yake kusvikira kuzvizvarwa zvine chiuru,+ 10 asi anotsiva uya anomuvenga nokumuparadza.+ Haazozenguriri kuzviita kune uya anomuvenga; achamutsiva. 11 Uchengete murayiro nemirau nezvakatongwa zvandiri kukurayira nhasi nokuzviita.+
12 “Zvino kana mukaramba muchiteerera zvakatongwa izvi, mukazvichengeta uye mukazviita,+ Jehovha Mwari wenyu achakuchengeterai sungano+ nomutsa worudo zvaakapikira madzitateguru enyu.+ 13 Achakuda, okukomborera,+ oita kuti uwande,+ okomborera zvibereko zvedumbu rako+ nezvibereko zvevhu rako,+ zviyo zvako newaini yako itsva nemafuta ako, mhuru dzemombe dzako nemakwayana emakwai ako,+ paivhu raakapikira madzitateguru ako kuti achakupa.+ 14 Uchava rudzi rwakakomborerwa kwazvo pane mamwe marudzi ose.+ Pakati pako hapazovi nomunhurume kana munhukadzi anenge asina mwana, kana pazvipfuwo zvako.+ 15 Jehovha achakubvisira zvirwere zvose; uye hosha dzose dzakaipa dzeIjipiti dzaunoziva,+ haazodziisi pauri, asi achadziisa pane vose vaya vanokuvenga. 16 Unofanira kuparadza marudzi ose auri kupiwa naJehovha Mwari wako.+ Ziso rako harifaniri kuanzwira tsitsi;+ uye usashumira vanamwari+ vawo, nokuti izvozvo zvichava musungo kwauri.+
17 “Kana ukati mumwoyo mako, ‘Marudzi aya ane vanhu vazhinji kundipfuura. Ndichakwanisa kuadzinga sei?’+ 18 haufaniri kuatya.+ Unotofanira kuyeuka zvakaitwa naJehovha Mwari wako kuna Farao nokuIjipiti yose,+ 19 miedzo mikuru yawakaona nemaziso ako,+ uye zviratidzo nezvishamiso+ noruoko rune simba+ noruoko rwakatambanudzwa+ rwawakabudiswa narwo naJehovha Mwari wako.+ Ndizvo zvichaita Jehovha Mwari wako kumarudzi ose auri kutya.+ 20 Jehovha Mwari wako achatumawo kusuruvara+ pavari, kusvikira vose vakasara+ uye vakanga vakakuvanda vaparara. 21 Usavhundutswa navo, nokuti Jehovha Mwari wako ari pakati pako,+ ndiMwari mukuru uye anotyisa.+
22 “Jehovha Mwari wako achadzinga marudzi aya pamberi pako zvishoma nezvishoma.+ Hauzobvumirwi kukurumidza kuaparadza, kuti zvikara zvirege kukuwandira. 23 Jehovha Mwari wako achavaisa muruoko rwako, ovanyonganisa nokunyongana kukuru, kusvikira vatsakatiswa.+ 24 Achaisa madzimambo avo muruoko rwako,+ uye unofanira kuparadza mazita avo pasi pematenga.+ Hapana munhu achamirisana newe,+ kusvikira wavatsakatisa.+ 25 Munofanira kupisa mifananidzo yakavezwa yavanamwari vavo mumoto.+ Usachiva sirivha nendarama zviri pairi,+ uyewo usaitora kuti ive yako,+ kuti urege kuteyiwa nayo;+ nokuti iyo chinhu chinosemesa+ Jehovha Mwari wako. 26 Usaunza chinhu chinosemesa mumba mako kuti urege kuva chinhu chinofanira kuparadzwa chose saicho. Unofanira kuchisema kwazvo nokuchivenga zvachose,+ nokuti icho chinhu chinofanira kuparadzwa chose.+