2 VaTesaronika
3 Pakupedzisira, hama, rambai muchitinyengeterera,+ kuti shoko raJehovha+ rirambe richikurumidza+ kufamba uye richikudzwa sezvariri kuita kwamuri; 2 kuti tinunurwe pavanhu vanokuvadza uye vakaipa,+ nokuti kutenda hakusi kwevanhu vose.+ 3 Asi Ishe akatendeka, uye achakusimbisai, okudzivirirai pane akaipa.+ 4 Zvakare, tine chivimbo+ munaShe pamusoro penyu, kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatinorayira.+ 5 Ishe ngaarambe achitungamirira mwoyo yenyu zvinobudirira, kuti mude+ Mwari uye kuti mutsungirire+ nokuda kwaKristu.
6 Zvino, hama, tiri kukurayirai+ muzita raShe Jesu Kristu, kuti mubve+ pahama imwe neimwe inofamba zvisina kukodzera+ uye zvisingaenderani netsika yamakagamuchira kwatiri.+ 7 Nokuti imi munoziva nzira yamunofanira kutitevedzera nayo,+ nokuti hatina kuzvibata zvisina kukodzera pakati penyu+ 8 uyewo hatina kudya zvokudya zvomumwe munhu tisingabhadhari.+ Asi, taiita basa uye taishanda zvakaoma+ usiku nemasikati, kuti tirege kuisa mutoro unorema pana ani naani wenyu.+ 9 Hakusi kuti hatina simba,+ asi kuti isu tive muenzaniso wenyu kuti mutitevedzere.+ 10 Chokwadi, pataivawo nemi, taikupai murayiro uyu, wokuti:+ “Kana paine munhu asingadi kushanda, ngaaregewo kudya.”+ 11 Nokuti tinonzwa kuti vamwe vari kufamba zvisina kukodzera+ pakati penyu, vasingamboshandi asi vari kupindira mune zvisinei navo.+ 12 Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira munaShe Jesu Kristu, kuti vachishanda vakanyarara vadye zvokudya zvavanozvishandira.+
13 Kana muri imi, hama, musaneta kuita zvakanaka.+ 14 Asi kana paine munhu asingateereri shoko redu+ riri kuuya netsamba ino, rambai muchimucherechedza,+ regai kushamwaridzana naye,+ kuti anyare.+ 15 Regai kumuona somuvengi, asi rambai muchimurayira+ sehama.
16 Zvino Ishe worugare ngaakupei rugare nguva dzose munzira dzose.+ Ishe ngaave nemi mose.
17 Heino kwaziso yangu, ini Pauro, yandanyora noruoko rwangu,+ chinova ndicho chiratidzo mutsamba dzose; aya ndiwo manyorero andinoita.
18 Mutsa usina kukodzera kuwanwa+ waShe wedu Jesu Kristu ngauve nemi mose.