1 Timoti
3 Shoko iri rakatendeka.+ Kana murume chero upi zvake achitsvaka kuva mutariri,+ ari kuda basa rakanaka. 2 Naizvozvo mutariri anofanira kuva asina chaanopomerwa,+ murume ane mudzimai mumwe chete, ane tsika dzine mwero,+ ane pfungwa dzakanaka,+ akarongeka,+ anogamuchira vaeni zvakanaka,+ anokwanisa kudzidzisa,+ 3 asiri chidhakwa chinokakavara,+ asingarovi,+ asi anonzwisisa,+ asingarwi,+ asingadi mari,+ 4 murume anotungamirira imba yake zvakanaka,+ ane vana vanozviisa pasi nomwoyo wose;+ 5 (chokwadi kana murume chero upi zvake asingagoni kutungamirira imba yake, achatarisira sei ungano yaMwari?) 6 kwete murume achangobva kutendeuka,+ kuti arege kuzvitutumadza nokudada,+ akawira mukutongwa kwaDhiyabhorosi.+ 7 Zvakare, anofanirawo kupupurirwa zvakanaka kwazvo nevanhu vari kunze,+ kuti arege kuzvidzwa uye kupinda mumusungo+ waDhiyabhorosi.
8 Vashumiri vanoshumira+ vanofanirawo kuva vomwoyo wose, vasina mashoko maviri, vasinganyanyonwisi waini, vasingakari pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka,+ 9 vanochengeta chakavanzika chitsvene+ chokutenda vaine hana yakachena.+
10 Uyewo, ivava ngavatange vaedzwa+ kuti vanokodzera here, vozoshanda sevashumiri, zvavasina chavanopomerwa.+
11 Vakadzi vanofanirawo kuva vomwoyo wose, vasingacheri vamwe,+ vane tsika dzine mwero,+ vakatendeka muzvinhu zvose.+
12 Vashumiri vanoshumira ngavave varume vane mudzimai mumwe chete,+ vanotungamirira vana nedzimba dzavo zvakanaka kwazvo.+ 13 Nokuti varume vanoshumira zvakanaka vari kuzviwanira zita rakanaka+ norusununguko rukuru rwokutaura+ pakutenda muna Kristu Jesu.
14 Ndiri kukunyorera zvinhu izvi, kunyange ndiri kutarisira kuti ndichakurumidza kuuya kwauri,+ 15 asi kana ndikanonoka, kuti uzive kuti unofanira kuzvibata sei muimba yaMwari,+ iyo iri ungano yaMwari mupenyu, mbiru nechinhu chinotsigira+ chokwadi. 16 Chokwadi, chakavanzika chitsvene+ chokuzvipira kuna Mwari uku, zvechokwadi chikuru, chokuti: ‘Iye akaratidzwa pachena panyama,+ akanzi akarurama mumudzimu,+ akazviratidza kungirozi,+ akaparidzwa pakati pemamwe marudzi,+ akatendwa munyika,+ akagamuchirwa kudenga mukubwinya.’+