1 Timoti
6 Varanda vose vari pajoko ngavarambe vachifunga kuti vanatenzi vavo vakakodzera kukudzwa zvizere,+ kuti zita raMwari nedzidziso zvirege kutaurwa zvakaipa nezvazvo.+ 2 Zvakare, vaya vane vanatenzi vanotenda+ ngavarege kuvazvidza,+ nokuti ivo ihama.+ Asi, ngavatova varanda nomwoyo wose, nokuti vaya vari kubatsirwa nokushanda kwavo kwakanaka vatendi uye vanhu vanodiwa.
Ramba uchidzidzisa zvinhu izvi+ nokupa mirayiro iyi. 3 Kana munhu akadzidzisa imwe dzidziso+ uye asingabvumirani nemashoko anopa utano,+ aya aShe wedu Jesu Kristu, kana nokudzidzisa kunoenderana nokuzvipira kuna Mwari,+ 4 iye anozvitutumadza nokuda kwokudada,+ asinganzwisisi chero chinhu+ chipi zvacho, asi ane pfungwa dzinorwarira+ mibvunzo nenharo pamusoro pemashoko.+ Muzvinhu izvi munobva shanje,+ kukakavadzana, kutaura zvokutuka,+ kunyumwira kwakaipa, 5 nharo dzakasimba pamusoro pezvinhu zvisingakoshi zvevanhu vane pfungwa dzakaora+ uye vakatorerwa chokwadi,+ vachifunga kuti kuzvipira kuna Mwari inzira inopfumisa.+ 6 Chokwadi, kuzvipira kuna Mwari+ uku pamwe chete nokugutsikana+ inzira inopfumisa kwazvo.+ 7 Nokuti hatina kuuya nechinhu panyika, uye hapana chatingabuda nacho.+ 8 Naizvozvo, kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.+
9 Zvisinei, vaya vakatsunga kupfuma vanowira mumuedzo+ nomumusungo nomukuchiva zvinhu zvizhinji zvoupenzi nezvinokuvadza,+ zvinonyudza vanhu mukuparadzwa nomukurasikirwa.+ 10 Nokuti kuda+ mari ndiwo mudzi+ wezvinhu zvinokuvadza zvemarudzi ose,+ uye vachitevera rudo irworwo, vamwe vakatsauswa pakutenda, vakazvibaya pose pose nokurwadziwa kuzhinji.+
11 Zvisinei, haiwa iwe munhu waMwari, tiza zvinhu izvi.+ Asi tevera kururama, kuzvipira kuna Mwari, kutenda, rudo, kutsungirira, unyoro.+ 12 Irwa kurwa kwakanaka kwazvo kwokutenda,+ batisisa upenyu husingaperi hwawakadanirwa uye hwawakazivisa zvakanaka kwazvo+ pamberi pezvapupu zvizhinji.
13 Pamberi paMwari, anochengetedza zvinhu zvose zviri zvipenyu, uye paKristu Jesu, uyo sechapupu+ akazivisa zvakanaka kwazvo+ pamberi paPondiyo Pirato,+ ndinokurayira+ 14 kuti uchengete murayiro nenzira isina ruvara uye isina chainopomerwa kusvikira pakuoneka+ kwaShe wedu Jesu Kristu. 15 Kuoneka uku kucharatidzwa panguva yakwo yakatarwa+ naiye anofara, iye oga Mutongi Ane Simba,+ iye Mambo+ wevaya vanotonga semadzimambo uye Ishe+ wevaya vanotonga semadzishe, 16 iye oga asingafi,+ anogara muchiedza chisingasvikiki,+ asina munhu akambomuona kana anogona kumuona.+ Kukudzwa+ nesimba risingaperi ngazvive kwaari. Ameni.
17 Rayira vaya vakapfuma+ mumamiriro ezvinhu epanguva ino kuti varege kuzvikudza,+ uye kuti vasaise tariro yavo papfuma isingagoni kuvimbwa nayo,+ asi pana Mwari, anotipa zvinhu zvose kwazvo kuti tifare;+ 18 kuti vaite zvakanaka,+ kuti vapfume pamabasa akanaka,+ kuti vave norupo, vanoda kugovana,+ 19 vachizvichengetera+ nheyo yakanaka+ yenguva yemberi sepfuma yavo, kuti vabatisise upenyu chaihwo.+
20 Haiwa Timoti, rinda zvawakaronzeswa,+ uchifuratira kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene, nokupokanidzana pamusoro peinonzi “zivo” iyo iri yenhema.+ 21 Nokuti vachishamisira nezivo yakadaro, vamwe vakatsauka pakutenda.+
Mutsa usina kukodzera kuwanwa ngauve nemi.