2 Timoti
3 Asi ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira+ nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo dzichasvika.+ 2 Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, vanomhura, vasingateereri vabereki,+ vasingaongi, vasina kuvimbika,+ 3 vasina rudo rukuru rwokuzvarwa narwo,+ vasingambodi kubvumirana,+ vanochera vamwe,+ vasingazvidzori, vanotyisa,+ vasingadi zvakanaka,+ 4 vatengesi,+ vakaoma musoro, vanozvitutumadza nokuda kwokudada,+ vanoda mafaro panzvimbo pokuda Mwari,+ 5 vane mufananidzo wokuzvipira kuna Mwari,+ asi vachikundikana kurarama maererano nesimba rakwo;+ usiyane naivava.+ 6 Nokuti pakati paava panomuka vanhu vaya vanoverevedza mudzimba,+ vachitapa vakadzi vasina simba, vakaremerwa nezvivi, vanotungamirirwa nokuchiva kwakasiyana-siyana,+ 7 vanogara vachidzidza, asi vasingambokwanisi kusvika pakuwana zivo yakarurama pamusoro pechokwadi.+
8 Zvino sokushora Mosesi kwakaitwa naJanesi naJambresi,+ saizvozvo avawo vanoramba vachishora chokwadi,+ vanhu vane pfungwa dzakaora chose,+ vasingatenderwi pakutenda.+ 9 Kunyange zvakadaro, havazofambiri mberi, nokuti kupenga kwavo kuchava pachena kwazvo kuna vose, sezvakaita kupenga kwevarume vaviri ivavo.+ 10 Asi iwe wakanyatsotevera kudzidzisa kwangu, mararamiro angu,+ chinangwa changu, kutenda kwangu, mwoyo murefu wangu, rudo rwangu, kutsungirira kwangu, 11 kutambudzwa kwangu, nhamo dzangu, zvinhu zvakaitika kwandiri muAndiyoki,+ muIkoniyumu,+ muRistra,+ kutambudzwa kwandakatsungirira; asi Ishe akandinunura mazviri zvose.+ 12 Chokwadi, vose vaya vanoda kurarama vachizvipira kuna Mwari muna Kristu Jesu vachatambudzwawo.+ 13 Asi vanhu vakaipa nevanyengeri vachabva pakuipa vachienda pakuipisisa, vachitsausa vamwe uye ivo vachitsauswawo.+
14 Zvisinei, iwe rambira pazvinhu zvawakadzidza uye zvawakaitwa kuti uve nechokwadi nazvo,+ uchiziva kuti wakazvidzidza kuna vanaani+ 15 uye kuti kubvira paucheche+ wakaziva zvinyorwa zvitsvene, zvinokwanisa kuita kuti uve akachenjera kuti uwane ruponeso+ uchishandisa kutenda muna Kristu Jesu.+ 16 Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari+ uye runobatsira pakudzidzisa,+ pakutsiura,+ pakururamisa zvinhu,+ pakuranga+ nokururama, 17 kuti munhu waMwari akwanise zvizere,+ akashongedzerwa zvakakwana kuita mabasa ose akanaka.+