Tito
2 Zvisinei, iwe ramba uchitaura zvinhu zvakakodzera kudzidzisa kunopa utano.+ 2 Varume vakura+ ngavave netsika dzine mwero, vomwoyo wose,+ vane pfungwa dzakanaka, vane kutenda,+ rudo, uye kutsungirira+ zvine utano. 3 Saizvozvowo vakadzi vakura+ ngavazvibate zvakakodzera vanhu vatsvene, vasingacheri vamwe,+ vasingaitwi varanda newaini zhinji, ngavave vadzidzisi vezvakanaka; 4 kuti vayeuchidze vakadzi vaduku kuti vade varume vavo,+ kuti vade vana vavo,+ 5 kuti vave nepfungwa dzakanaka, vakachena,+ vanoita mabasa epamba, vakanaka, vanozviisa pasi+ pevarume vavo, kuti shoko raMwari rirege kutukwa.+
6 Saizvozvowo ramba uchirayira majaya kuti ave nepfungwa dzakanaka,+ 7 uchiratidza kuti uri muenzaniso wemabasa akanaka muzvinhu zvose;+ uchiratidza kusava nouori+ pakudzidzisa kwako,+ uchiva womwoyo wose, 8 uchitaura zvakanaka zvisingapiwi mhosva;+ kuti munhu anopikisa anyare, ashaya chakaipa chokutaura pamusoro pedu.+ 9 Varanda+ ngavazviise pasi pavanatenzi vavo muzvinhu zvose,+ vavafadze kwazvo, vasingakakavari,+ 10 vasingabi,+ asi vachiratidza zvizere kuvimbika kwakanaka,+ kuti vashongedze dzidziso yoMuponesi wedu,+ iye Mwari, muzvinhu zvose.
11 Nokuti mutsa usina kukodzera kuwanwa+ waMwari unounza ruponeso+ kuvanhu vemarudzi ose+ wakaratidzwa pachena,+ 12 uchitirayiridza kuti tirambe zvinhu zvinopesana nezvinodiwa naMwari+ nokuchiva kwenyika+ uye kuti tirarame nepfungwa dzakanaka nokururama nokuzvipira kuna Mwari+ pakati pemamiriro ezvinhu epanguva ino,+ 13 tichimirira tariro inofadza+ nokuratidzwa pachena kunobwinya+ kwaMwari mukuru uye kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, 14 uyo akazvipa+ nokuda kwedu kuti atinunure+ pakusateerera mutemo kwemarudzi ose ozvichenesera+ vanhu vake,+ vanoshingairira mabasa akanaka.+
15 Ramba uchitaura zvinhu izvi, uchirayira nokutsiura maererano nesimba rokurayira rawakapiwa.+ Ngaparege kuva nomunhu anombokuzvidza.+