Jakobho
2 Hama dzangu, munotenda muna Ishe wedu Jesu Kristu, iko kukudzwa kwedu,+ nemabasa okusarura+ here? 2 Nokuti, kana munhu ane marin’i endarama paminwe yake uye akapfeka zvipfeko zvakanaka kwazvo akapinda mamunenge makaungana,+ uye murombo akapfeka zvipfeko zvine tsvina akapindawo,+ 3 munofarira+ uya akapfeka zvipfeko zvakanaka kwazvo moti: “Iwe gara pano apa panzvimbo yakanaka,” asi kumurombo moti: “Iwe ramba wakamira,” kana kuti: “Gara apo pedyo nechitsiko chetsoka dzangu,” 4 hamusi kusarurana+ uye hamuna kuva vatongi+ vanoita zvisarudzo zvakaipa+ here?
5 Teererai, hama dzangu dzinodiwa. Mwari haana kusarudza varombo+ mune zvenyika kuti vapfume+ mukutenda uye vave vagari venhaka youmambo, hwaakapikira vaya vanomuda+ here? 6 Asi imi, makazvidza murombo. Vapfumi havakudzvinyiririi,+ uye havakuzvuzvurudzirii pamberi pematare+ here? 7 Havamhuri+ zita rakanaka ramakadanwa naro+ here? 8 Zvino, kana imi muchichengeta mutemo wamambo+ maererano norugwaro runoti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita,”+ muri kuita zvakanaka kwazvo. 9 Asi kana muchiramba muchisarurana,+ muri kutadza, nokuti munopiwa mhosva nomutemo+ sevadariki.
10 Nokuti munhu wose anochengeta Mutemo wose asi odarika chimwe chinhu, ava mudariki wayo yose.+ 11 Nokuti iye akati: “Usaita upombwe,”+ akatiwo: “Usaponda.”+ Zvino, kana, usingaiti upombwe asi uchiponda, wava mudariki womutemo. 12 Rambai muchitaura saizvozvo uye rambai muchiita saizvozvo sezvinoita vaya vachazotongwa nomutemo wevanhu vakasununguka.+ 13 Nokuti uya asingaratidzi ngoni achatongwa pasina ngoni.+ Ngoni dzinofara kwazvo nokukunda pakutongwa.
14 Hama dzangu, zvinobatsirei kana mumwe munhu achiti ane kutenda+ asi asina mabasa?+ Kutenda ikoko kungamuponesa here?+ 15 Kana hama kana kuti hanzvadzi isina chokupfeka uye ichishayiwa zvokudya zvakakwanira zuva racho,+ 16 mumwe wenyu oti kwavari: “Endai norugare, mudziyirwe, mugute,” asi musingavapi zvinodiwa nemiviri yavo, zvinobatsirei?+ 17 Saizvozvowo, kutenda, kana kusina mabasa,+ kwakafa.
18 Kunyange zvakadaro, mumwe munhu angati: “Iwe une kutenda, ini ndine mabasa. Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, ini ndichakuratidza kutenda kwangu nemabasa angu.”+ 19 Hautendi here kuti kuna Mwari mumwe chete?+ Unoita zvakanaka kwazvo. Asi madhimoni anotendawo achidedera.+ 20 Asi unoda kuziva here, haiwa iwe munhu asingafungi, kuti kutenda kusina mabasa hakuna zvakunobatsira? 21 Abrahamu baba vedu+ havana kunzi vakarurama here nemabasa pashure pokunge vabayira Isaka mwanakomana wavo paatari?+ 22 Unoona kuti kutenda kwavo kwakashanda pamwe chete nemabasa avo uye kutenda kwavo kwakaitwa kwakakwana nemabasa avo,+ 23 uye rugwaro rwakazadzika runoti: “Abrahamu akatenda muna Jehovha, akanzi akarurama,”+ uye akasvika pakunzi “shamwari yaJehovha.”+
24 Munoona kuti munhu achanzi akarurama+ nemabasa,+ kwete nokutenda chete.+ 25 Saizvozvowo Rakabhi+ hure, haana kunziwo akarurama nemabasa here, pashure pokunge agamuchira nhume zvakanaka, akadzibudisa neimwe nzira?+ 26 Chokwadi, muviri usina simba roupenyu zvawakafa,+ saizvozvowo kutenda kusina mabasa kwakafa.+