Jakobho
3 Hama dzangu, havasi vazhinji venyu vanofanira kuva vadzidzisi,+ zvatinoziva kuti tichawana mutongo mukuru.+ 2 Nokuti tose tinokanganisa kazhinji.+ Kana munhu asingakanganisi pakutaura,+ iyeyu munhu akakwana,+ anokwanisawo kudzora muviri wake wose. 3 Kana tichiisa matomu+ mumiromo yemabhiza kuti atiteerere,+ tinodzorawo miviri yawo yose. 4 Tarirai! Zvikepe, kunyange zvakakura kwazvo uye zvichifambiswa nemhepo dzine simba, zvinodzorwa nechidzoreso+ chidukuduku kuti zviende kunoda munhu anenge achidzora.
5 Saizvozvowo, rurimi inhengo duku asi runozvikudza kwazvo.+ Tarirai! Zvinoda moto muduku sei kupisa sango guru kwazvo! 6 Naizvozvo, rurimi moto.+ Rurimi rwakafanana nenyika izere nezvinhu zvisina kururama pakati penhengo dzedu, nokuti runosvibisa muviri wose+ rwopisa mararamiro enguva dzose uye irwo rwozopiswa neGehena. 7 Nokuti marudzi ose emhuka dzomusango neeshiri neezvinhu zvinokambaira nezvisikwa zvomugungwa angapingudzwa uye akapingudzwa nevanhu.+ 8 Asi pavanhu hapana kana mumwe chete anogona kupingudza rurimi. Irwo chinhu chisingadzoreki chinokuvadza, chakazara nouturu hunouraya.+ 9 Narwo tinorumbidza Jehovha,+ ivo Baba,+ asi narwo tinotuka+ vanhu vakavapo “vakafanana naMwari.”+ 10 Mumuromo mumwe chete munobuda kurumbidza nokutuka.
Hama dzangu, hazvina kukodzera kuti zvinhu izvi zvirambe zvichiitika saizvozvi.+ 11 Chitubu+ chinoita kuti mvura inonaka neinovava itubuke pamuromo mumwe chete here? 12 Hama dzangu, muonde ungabereka maorivhi kana kuti muzambiringa ungabereka maonde here?+ Uyewo mvura ine munyu haigoni kubudisa mvura inotapira.
13 Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa+ ake nounyoro hwouchenjeri. 14 Asi kana muine godo rinovava+ nokukakavara+ mumwoyo menyu, musazvikudza+ muchirevera chokwadi nhema.+ 15 Uhwu hahusi uchenjeri hunobva kumusoro,+ asi ndohwepanyika,+ hwemhuka, hwoudhimoni.+ 16 Nokuti pane godo+ nokukakavara, ndipo pane nyonganyonga nezvinhu zvose zvakaipa.+
17 Asi uchenjeri+ hunobva kumusoro, kutanga, hwakachena,+ uyewo hune rugare,+ hunonzwisisa,+ hunoda kuteerera, huzere nengoni nezvibereko zvakanaka,+ hahusaruri,+ hahunyengeri.+ 18 Zvakare, mbeu yechibereko+ chokururama+ inodyarwa murugare+ nokuda kwevaya vanoita kuti pave norugare.+