Jakobho
4 Hondo dzinobvepi nokurwa kuri pakati penyu kunobvepi? Hazvibvi pane izvi, iko kuchiva+ kwenyu kwokuti mufadze nyama kunorwisana nenhengo dzenyu here?+ 2 Munochiva, asi hamuna chamuinacho. Munoramba muchiponda+ uye muchichochora,+ asi hapana chamunokwanisa kuwana. Munoramba muchirwa+ uye muchiita hondo. Hamuna chamuinacho nokuti hamukumbiri Mwari. 3 Munokumbira, asi hamugamuchiri, nokuti munokumbirira chinangwa chisina kururama,+ kuti mushandise zvinhu zvacho pakuchiva kwenyu kuti mufadze nyama.+
4 Imi mhombwekadzi,+ hamuzivi here kuti kushamwaridzana nenyika kuvengana naMwari?+ Naizvozvo, munhu wose anoda kuva shamwari+ yenyika anozviita muvengi waMwari.+ 5 Munoti rugwaro runotaura pasina here, kuti: “Mafungiro+ akagara matiri anoramba achipanga kuita shanje”? 6 Zvisinei, mutsa usina kukodzera kuwanwa waanoratidza mukuru kwazvo.+ Nokudaro rugwaro rwacho runoti: “Mwari anoshora vanozvikudza,+ asi anoratidza mutsa usina kukodzera kuwanwa kune vanozvininipisa.”+
7 Naizvozvo, zviisei pasi+ paMwari; asi rwisanai naDhiyabhorosi,+ uye iye achakutizai.+8 Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.+ Chenesai maoko enyu, imi vatadzi,+ munatse mwoyo yenyu,+ imi mune mwoyo miviri.+ 9 Suwai mucheme, musvimhe misodzi.+ Kuseka kwenyu ngakuchinje kuve kuchema, mufaro wenyu uve kusuruvara.+ 10 Zvininipisei pamberi paJehovha,+ uye iye achakukwidziridzai.+
11 Hama, regai kureverana zvakaipa.+ Iye anorevera hama yake zvakaipa kana anotonga+ hama yake anorevera mutemo zvakaipa uye anotonga mutemo. Zvino kana uchitonga mutemo, hauiti zvinodiwa nomutemo, asi uri mutongi.+ 12 Kune munhu mumwe chete anopa mitemo uye mutongi,+ iye anokwanisa kuponesa nokuparadza.+ Asi iwe, ndiwe ani kuti utonge muvakidzani wako?+
13 Chinzwai, zvino, imi munoti: “Nhasi kana mangwana tichaenda kuguta iri uye tichapedza gore tiri ikoko, uye tichaita bhizimisi towana mubereko,”+ 14 imi musingazivi zvichange zvakaita upenyu hwenyu mangwana.+ Nokuti muri mhute inooneka nguva duku yobva yanyangarika.+ 15 Panzvimbo paizvozvo, munofanira kuti: “Kana Jehovha achida,+ tichararama toitawo ichi kana icho.”+ 16 Asi zvino munodada pakuzvikudza kwenyu kwokuzvitutumadza.+ Kudada kwose kwakadaro kwakaipa. 17 Naizvozvo, kana munhu achiziva kuita zvakarurama asi asingazviiti,+ iye ari kuita chivi.+