1 Petro
3 Saizvozvowo,+ imi madzimai, zviisei pasi+ pevarume venyu, kuti kana paine vasingateereri+ shoko, muvawane+ nomufambiro wenyu pasina shoko rinotaurwa,+ 2 nokuva kwavo zvapupu zvakaona mufambiro wenyu+ wakachena pamwe chete noruremekedzo rukuru. 3 Kushonga kwenyu ngakurege kuva kwokunze, kwokuruka bvudzi+ uye kwokupfeka zvishongo zvendarama+ kana kwokupfeka nguo dzokunze, 4 asi ngakuve munhu akavanzika+ womwoyo akapfeka chipfeko chisingaori+ chomudzimu wakanyarara uye munyoro,+ uyo unokosha kwazvo pamberi paMwari. 5 Nokuti, kare vakadzi vatsvene vakanga vaine tariro muna Mwari vaizvishongedza saizvozvowo, vachizviisa pasi pevarume vavo, 6 saSara aiteerera Abrahamu, achimuti “ishe.”+ Zvino mava vana vake, kana mukaramba muchiita zvakanaka uye musingatyi chero chinhu chipi zvacho chinovhundutsa.+
7 Imi varume, rambai muchigara nemadzimai enyu saizvozvo+ maererano nokuziva,+ muchikudza+ mukadzi sezvamunoita mudziyo usina simba, zvamuchagarawo nhaka+ nyasha dzoupenyu dzisina kukodzera kuwanwa pamwe chete navo, kuti minyengetero yenyu irege kudziviswa.+
8 Pakupedzisira, imi mose ivai nokufunga kwakafanana,+ muchinzwirana ngoni, muchidanana kwazvo sehama, muchinzwirana tsitsi kwazvo,+ muchizvininipisa,+ 9 musingatsivi zvinokuvadza nezvinokuvadza+ kana kutuka nokutuka,+ asi, panzvimbo paizvozvo mukomborere,+ nokuti makadanirwa izvozvo, kuti mugare nhaka yokukomborerwa.
10 Nokuti, “iye anoda upenyu nokuona mazuva akanaka,+ ngaadzore rurimi+ rwake pane zvakaipa nemiromo yake pakutaura zvokunyengera,+ 11 asi ngaabve pane zvakaipa+ aite zvakanaka; ngaatsvake rugare arutevere.+ 12 Nokuti maziso+ aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuteterera kwavo;+ asi chiso chaJehovha chinovenga vaya vanoita zvinhu zvakaipa.”+
13 Chokwadi, ndiani angakukuvadzai kana mukashingairira zvakanaka?+ 14 Asi kunyange kana mukatamburira kururama, muchafara.+ Zvisinei, musatya chinhu chavanotya,+ uyewo musadedera.+ 15 Asi tsvenesai Kristu saShe mumwoyo menyu,+ muchigara makagadzirira kuzvidzivirira+ kune munhu wose anokubvunzai chikonzero chetariro iri mamuri, asi muchiita izvozvo nounyoro+ noruremekedzo rukuru.
16 Ivai nehana yakanaka,+ kuti pachinhu chavanokupomerai, vaya vanozvidza mufambiro wenyu wakanaka sevateveri vaKristu+ vanyare.+ 17 Nokuti zviri nani kuti mutambure nokuti muri kuita zvakanaka,+ kana kuri kuda kwaMwari, pane kuti mutambure nokuti muri kuita zvakaipa.+ 18 Chokwadi, kunyange Kristu akafira zvivi kamwe chete zvachose,+ iye munhu akarurama nokuda kwevasina kururama,+ kuti akutungamirirei kuna Mwari,+ iye achiurayiwa panyama,+ asi achiitwa mupenyu mumudzimu.+ 19 Nokudaro iye akaenda, akaparidzira midzimu yaiva mujeri,+ 20 yakanga isina kuteerera+ kare kushivirira kwaMwari+ pakwakanga kuchiri kumirira mumazuva aNoa, areka payakanga ichiri kuvakwa,+ umo vanhu vashoma, iyo mweya misere, yakatakurwa yakachengeteka nomumvura.+
21 Chinhu chakafanana neichi chiri kukuponesaiwo+ zvino, irwo rubhabhatidzo, (rusiri kubviswa kwetsvina yenyama, asi kukumbira hana yakanaka kunoitwa kuna Mwari,)+ pachishandiswa rumuko rwaJesu Kristu.+ 22 Iye akaenda kudenga uye iye zvino ari kuruoko rworudyi rwaMwari;+ uye ngirozi+ nevane chiremera nevane masimba zvakaiswa pasi pake naMwari.+