1 Petro
4 Naizvozvo Kristu zvaakatambura panyama,+ imiwo ivai nemafungiro akafanana;+ nokuti munhu anenge atambura panyama arega zvivi,+ 2 kuti nguva yake yasara panyama,+ arege kuiraramira kuchiva kwevanhu, asi kuda kwaMwari.+ 3 Nokuti munguva+ yakapfuura makapedza nguva yakakwana muchiita zvaidiwa nemamwe marudzi+ pamairamba muri pamabasa okusazvibata,+ pakuchiva kwazvo, pakunyanyisa kunwa waini,+ pamitambo yemafaro akanyanyisa, panguva dzokunwira kudhakwa, pakunamata zvidhori kusingabvumirwi nomutemo.+ 4 Zvamusingarambi muchifambidzana navo kusvikira manyura mumatope ezvakaipa kufanana navo,+ ivo vanoshamiswa uye vanoramba vachikutukai.+ 5 Asi vanhu ava vachazvidavirira kune uya+ akagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.+ 6 Chokwadi, mashoko akanaka akaziviswawo kune vakafa+ nokuda kwaizvozvi, kuti vatongwe panyama sokuona kunoita vanhu+ asi vararame mumudzimu+ sokuona kunoita Mwari.
7 Asi kuguma kwezvinhu zvose kwaswedera pedyo.+ Naizvozvo, ivai nepfungwa dzakanaka,+ uye ivai vakasvinurira kunyengetera.+ 8 Kupfuura zvinhu zvose, dananai kwazvo,+ nokuti rudo runofukidza zvivi zvizhinji.+ 9 Gamuchiranai zvakanaka musinganyunyuti.+ 10 Maererano nokugamuchira chipo kwakaita mumwe nomumwe, chishandisei pakushumirana sevatariri vakanaka kwazvo vomutsa usina kukodzera kuwanwa waMwari unoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.+ 11 Kana munhu achitaura, ngaataure sokunge kuti mashoko matsvene+ aMwari; kana munhu achishumira,+ ngaashumire seanovimba nesimba rinopiwa naMwari;+ kuti muzvinhu zvose Mwari akudzwe+ nomuna Jesu Kristu. Kukudzwa+ nesimba ndezvake nokusingaperi-peri. Ameni.
12 Vadiwa, musashamiswa nomoto uri kubvira pakati penyu, zviri kuitika kwamuri kuti muedzwe,+ sokunge kuti chinhu chitsva chiri kukuwirai. 13 Asi, rambai muchifara+ zvamunogoverana kutambura kuzhinji kwaKristu,+ kuti mufare uye mufarisisewo pakuratidzwa+ kwokubwinya kwake. 14 Kana muri kuzvidzirwa zita raKristu,+ munofara,+ nokuti mudzimu wokubwinya, iwo mudzimu waMwari, uri pamuri.+
15 Zvisinei, ngaparege kuva nomumwe wenyu anotambura+ nokuti imhondi kana mbavha kana munhu anoita zvakaipa kana munhu anopindira+ munyaya dzevamwe vanhu. 16 Asi kana iye achitambura+ nokuti muKristu, ngaarege kunyara,+ asi ngaarambe achikudza Mwari nezita iri. 17 Nokuti yava nguva yakatarwa yokuti kutonga kutange neimba yaMwari.+ Zvino kana kukatanga nesu,+ kuguma kwevaya vasingateereri mashoko akanaka aMwari kuchange kwakadini?+ 18 “Kana munhu akarurama achiponeswa nenzira yakaoma,+ munhu asingadi Mwari nomutadzi vachaoneka kupi?”+ 19 Naizvozvo, vaya vanotambura maererano nokuda kwaMwari, ngavarambe vachiisa mweya yavo kuMusiki akatendeka pavanenge vachiita zvakanaka.+