2 Petro
2 Zvisinei, kwakavawo nevaprofita venhema pakati pevanhu, sezvakuchavawo nevadzidzisi venhema pakati penyu.+ Ivava vachapinza chinyararire tumapoka tunoparadza uye vacharamba kunyange tenzi akavatenga,+ vachizviunzira kuparadzwa kunokurumidza. 2 Uyezve, vazhinji vachatevera+ mabasa avo okusazvibata,+ uye nzira yechokwadi ichatukwa nokuda kwaivava.+ 3 Uyewo, vachichochora, vachakunyengerai nemashoko enhema.+ Asi kwavari ivo, kutongwa kwakabvira kare+ hakusi kunonoka, uye kuparadzwa kwavo hakusi kukotsira.+
4 Chokwadi Mwari haana kurega kuranga ngirozi+ dzakatadza, asi, nokudzikanda muTatarosi,+ akadziisa mumakomba erima guru kuti dzichengeterwe kutongwa.+ 5 Haanawo kurega kuranga nyika yekare,+ asi akachengeta Noa, muparidzi wokururama,+ akachengeteka nevamwe vanomwe+ paakaunza mafashamo+ panyika yevanhu vakanga vasingadi Mwari. 6 Akaroromesawo maguta eSodhoma neGomora akaapa mhosva,+ achiisira vanhu vasingadi Mwari muenzaniso wezvinhu zvichauya.+ 7 Asi akanunura Roti akarurama,+ uyo akanga achitambudzika kwazvo nokusazvibata kwakanyanyisa kwevanhu vaizvidza mutemo.+ 8 Murume akarurama iyeye paakanga achigara pakati pavo, zuva nezuva akanga achirwadzisa mweya wake wakarurama nokuda kwemabasa avo okusateerera mutemo aakaona nokunzwa. 9 Naizvozvo Jehovha anoziva nzira yokununura nayo mumuedzo, vanhu vakazvipira kuna Mwari,+ uye kuchengetera vanhu vasina kururama zuva rokutongwa kuti vaparadzwe,+ 10 zvisinei, kunyanya vaya vanoramba vachitevera vamwe kuti vasvibise nyama yavo+ uye vanozvidza ushe.+
Vakatsunga, vane nharo, uye havadederi vanokudzwa asi vanovatuka,+ 11 asi ngirozi, kunyange zvazvo dzakagwinya uye dziine simba kuvapfuura, hadzivapomeri dzichitaura mashoko okutuka,+ hadziiti izvozvo nokuti dzinoremekedza Jehovha.+ 12 Asi vanhu ava, semhuka dzisingafungi dzakangoberekerwa kubatwa uye kuparadzwa, vachaparadzirwa zvinhu zvavasingazivi uye zvavanoshora,+ pavanenge vachiita zvinhu zvinoita kuti vaparadzwe, 13 vachizviitira zvakaipa+ somubayiro wokuita zvakaipa.+
Vanoona kurarama kwoumbozha munguva dzemasikati semafaro.+ Ivo mavara nemakwapa, vachifara zvisingadzorwi nedzidziso dzavo dzinonyengera pavanenge vachidya nemi.+ 14 Vane maziso akazara noupombwe+ uye havakwanisi kurega chivi,+ uye vanonyengera mweya isina kusimba. Vane mwoyo yakarovedzwa kuchochora.+ Ivo vana vakatukwa.+ 15 Ivo vakatsauswa, zvavakasiya nzira yakarurama. Vakatevera nzira yaBharami,+ mwanakomana waBheori, uyo akada mubayiro wokuita zvakaipa,+ 16 asi akatsiurirwa kudarika kwake zvinhu zvakanga zvakarurama.+ Mhuka isingatauri inotakuriswa zvinhu, ichitaura nenzwi romunhu,+ yakadzivisa nzira yokupenga yomuprofita wacho.+
17 Ivava matsime asina mvura,+ uye imhute inotakurwa nedutu rine simba, uye vakachengeterwa zarima.+ 18 Nokuti vanotaura mashoko okuzvikudza asingabatsiri, uye nokuchiva kwenyama+ nemiitiro yokusazvibata, vanonyengera+ vaya vanenge vachangopukunyuka+ pavanhu vanogara vachikanganisa. 19 Ivo vanovavimbisa rusununguko,+ asi ivo pachavo vari kurarama sevaranda vokuora.+ Nokuti munhu wose anokundwa nomumwe anoitwa muranda naiyeye.+ 20 Chokwadi, kana vakaitazve zvinhu izvi uye vakakundwa,+ pashure pokunge zivo yakarurama pamusoro paShe uye Muponesi Jesu Kristu, yambovabatsira kubva pakusvibisa kwenyika,+ kuguma kwavo kunova kwaipa kupfuura kutanga kwavo.+ 21 Nokuti zvaizova zviri nani kwavari kudai vakanga vasina kuziva zvakarurama nzira yokururama+ pane kuti pashure pokuiziva zvakarurama votsauka pamurayiro mutsvene wavakapiwa.+ 22 Shoko rechirevo chechokwadi rakaitika kwavari, rinoti: “Imbwa+ yakadzokera kumarutsi ayo, uye nguruve hadzi yakanga yashambidzwa kunoumburuka mumatope.”+