1 Johani
1 Zviya zvakanga zviripo kubvira pakutanga,+ zvatakanzwa,+ zvatakaona nemaziso edu,+ zvatakanyatsotarira,+ maoko edu akabata,+ zvine chokuita neshoko roupenyu,+ 2 (chokwadi, upenyu hwakaratidzwa pachena,+ takahuona uye tiri kupupurira+ uye tiri kukuudzai upenyu husingaperi+ hwakabva kuna Baba uye hwakaratidzwa pachena kwatiri,) 3 tiri kukuudzaiwo zviya zvatakaona uye zvatakanzwa,+ kuti nemiwo mugovane nesu.+ Uyezve, kugovana+ kwedu uku tinokuita naBaba uye noMwanakomana wavo Jesu Kristu.+ 4 Naizvozvo tiri kunyora zvinhu izvi kuti mufaro wedu uzare.+
5 Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari uye tiri kukuzivisai,+ kuti Mwari chiedza+ uye maari hamuna kana rima.+ 6 Kana tichitaura kuti: “Tiri kugovana naye,” asi tichiramba tichifamba murima,+ tiri kureva nhema uye hatisi kuita zvinodiwa nechokwadi.+ 7 Zvisinei, kana tiri kufamba muchiedza iye zvaari muchiedza,+ tinogovana isu pachedu,+ uye ropa+ raJesu Mwanakomana wake rinotichenesa+ pazvivi zvose.+
8 Kana tichitaura kuti: “Hatina chivi,”+ tiri kuzvinyengera+ uye chokwadi hachisi matiri. 9 Kana tikareurura zvivi zvedu,+ iye akatendeka uye akarurama zvokuti anotikanganwira zvivi zvedu nokutichenesa pakusarurama kwose.+ 10 Kana tichitaura kuti: “Hatina kutadza,” tiri kumuita murevi wenhema, uye shoko rake harisi matiri.+