2 Johani
1 Murume mukuru,+ kuna amai vakasarudzwa+ uye kuvana vavo, vandinoda zvechokwadi,+ kwete ini ndoga, asiwo vaya vose vakasvika pakuziva chokwadi,+ 2 nokuda kwechokwadi chinoramba chiri matiri,+ uye chichava nesu nokusingaperi.+ 3 Mutsa usina kukodzera kuwanwa,+ ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba+ uye zvinobva kuna Jesu Kristu Mwanakomana waBaba zvichava nesu, pamwe chete nechokwadi uye rudo.+
4 Ndinofara kwazvo nokuti ndakawana kuti vamwe vana venyu+ vari kufamba muchokwadi,+ sokugamuchira kwatakaita murayiro kubva kuna Baba.+ 5 Naizvozvo zvino ndinokukumbirai, amai, somunhu asiri kukunyorerai murayiro mutsva,+ asi uya wataiva nawo kubvira pakutanga,+ wokuti tidanane.+ 6 Izvi ndizvo zvinoreva rudo,+ kuti tirambe tichifamba maererano nemirayiro yake.+ Uyu ndiwo murayiro wacho, sokunzwa kwamakaita kubvira pakutanga, kuti munofanira kuramba muchifamba maruri.+ 7 Nokuti vanyengeri vazhinji vakaoneka munyika,+ vanhu vasingabvumi kuti Jesu Kristu akauya ari munhu wenyama.+ Uyu ndiye munyengeri+ uye munhu anopesana naKristu.+
8 Zvichenjererei, kuti murege kurasikirwa nezvinhu zvatakashanda kuti tiwane, asi kuti muwane mubayiro wakazara.+ 9 Munhu wose anomhanyira mberi+ asingarambi+ ari mudzidziso yaKristu haasi pamwe naMwari.+ Anoramba ari mudzidziso iyi ndiye ari pamwe navose vari vaviri Baba noMwanakomana.+ 10 Kana munhu akauya kwamuri, akasaunza dzidziso iyi, musambomugamuchira mudzimba dzenyu+ kana kumukwazisa.+ 11 Nokuti uyo anomukwazisa anogoverana naye mumabasa ake akaipa.+
12 Kunyange ndiine zvinhu zvizhinji zvokukunyorerai, handidi kuita izvozvo nepepa neingi,+ asi ndinotarisira kuuya kwamuri uye kutaura nemi zviso zvakatarisana,+ kuti mufaro wenyu+ uzare.+