Zvakazarurwa
10 Zvino ndakaona imwe ngirozi yakasimba+ ichiburuka kudenga, yakashonga gore,+ muraraungu wakanga uri pamusoro payo, chiso chayo chakanga chakaita sezuva,+ tsoka+ dzayo dzakanga dzakaita sembiru dzomoto, 2 uye muruoko rwayo yaiva nomupumburu muduku wakavhurika. Yakaisa tsoka yayo yokurudyi pagungwa, asi yokuruboshwe panyika,+ 3 uye yakashevedzera nenzwi guru sezvinoita shumba+ painodzvova. Payakashevedzera, kutinhira+ kunomwe kwakabudisa manzwi akwo.
4 Zvino pakataura kutinhira kunomwe, ndakanga ndava kutoda kunyora; asi ndakanzwa inzwi richibva kudenga+ richiti: “Isa chisimbiso pazvinhu+ zvataurwa nokutinhira kunomwe, uye usazvinyora.” 5 Ngirozi yandakaona imire pagungwa nepanyika yakasimudzira ruoko rwayo rworudyi kudenga,+ 6 uye yakapika naIye anorarama+ nokusingaperi-peri,+ akasika denga nezvinhu zviri mariri nenyika+ nezvinhu zviri mairi negungwa nezvinhu zviri mariri,+ ikati: “Hapazovizve nokunonoka;+ 7 asi mumazuva okuridza kwengirozi yechinomwe,+ painenge yava kuda kuridza bhosvo rayo,+ chokwadi, chakavanzika chitsvene+ chaMwari chichapedziswa maererano nemashoko akanaka aakazivisa kuvaranda vake ivo vaprofita.”+
8 Inzwi+ randakanzwa richibva kudenga rakataurazve neni richiti: “Enda utore mupumburu wakavhurika uri muruoko rwengirozi imire pagungwa nepanyika.”+ 9 Ndakaenda kungirozi yacho, ndikaiudza kuti indipe mupumburu wacho muduku. Iyo yakati kwandiri: “Utore uudye+ wose, iwo uchavavisa mudumbu mako, asi mumuromo mako uchatapira souchi.” 10 Ndakatora mupumburu wacho muduku muruoko rwengirozi, ndikaudya wose,+ uye mumuromo mangu wakanga uchitapira souchi;+ asi pandakanga ndaudya wose, mudumbu mangu makavaviswa. 11 Ivo vakati kwandiri: “Unofanira kuprofitazve pamusoro pevanhu nemarudzi nendimi nemadzimambo mazhinji.”+