Zvakazarurwa
20 Zvino ndakaona ngirozi ichiburuka kudenga iine kiyi yegomba rakadzikadzika+ uye cheni huru iri muruoko rwayo. 2 Yakabata dhiragoni,+ nyoka yepakutanga,+ iye Dhiyabhorosi+ uye Satani,+ ikamusunga kwemakore ane chiuru. 3 Yakamukanda mugomba rakadzikadzika,+ ikarivhara, ikariisa chisimbiso iye ari mukati, kuti arege kutsausa marudzi kusvikira makore ane chiuru apera. Pashure pezvinhu izvi anofanira kusunungurwa kwenguva duku.+
4 Zvino ndakaona zvigaro zvoumambo,+ uye pakanga paine vaya vakanga vakagara pazviri, uye vakapiwa simba rokutonga.+ Chokwadi, ndakaona mweya yevaya vakaurayiwa nedemo nokuda kwouchapupu hwavakapupurira Jesu uye nokuda kwokutaura pamusoro paMwari, nevaya vakanga vasina kunamata chikara+ kana mufananidzo wacho+ uye vakanga vasina kugamuchira chiratidzo pahuma dzavo nepamaoko avo.+ Vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo+ naKristu kwemakore ane chiuru. 5 (Vamwe vose vakafa+ havana kuva vapenyu kusvikira makore acho ane chiuru apera.)+ Uku ndiko kumuka kwokutanga.+ 6 Munhu ane mugove pakumuka kwokutanga anofara+ uye mutsvene;+ rufu rwechipiri+ haruna simba+ pana ivava, asi vachava vapristi+ vaMwari nevaKristu, uye vachatonga naye semadzimambo kwemakore acho ane chiuru.+
7 Zvino makore acho ane chiuru paanenge angopera, Satani achasunungurwa mujeri rake, 8 uye achabuda kuti anotsausa marudzi iwayo ari kumakona mana enyika, iye Gogi naMagogi, kuti avaunganidze nokuda kwehondo. Ivava vazhinji sejecha regungwa.+ 9 Vakaenda kwose kwose panyika vakakomba musasa wevatsvene+ neguta rinodiwa.+ Asi moto wakaburuka kudenga ukavaparadza.+ 10 Dhiyabhorosi+ akanga achivatsausa akakandwa mugungwa romoto nesarufa, makanga muchitova nechikara+ nomuprofita wenhema;+ uye vacharwadziswa masikati nousiku nokusingaperi-peri.
11 Ndakaona chigaro choumambo chikuru chichena naiye akanga agere pachiri.+ Denga nenyika zvakatiza pamberi pake,+ uye hazvina kuwanirwa nzvimbo. 12 Ndakaona vakafa, vakuru nevaduku,+ vamire pamberi pechigaro choumambo, uye mipumburu yakavhurwa. Asi mumwe mupumburu wakavhurwa; ndiwo mupumburu woupenyu.+ Vakafa vakatongwa nezvinhu zviya zvakanga zvakanyorwa mumipumburu maererano nemabasa avo.+ 13 Gungwa rakabudisa vaya vakafa vakanga vari mariri, uye rufu neHadhesi zvakabudisa vakafa+ vakanga vari mazviri, uye vakatongwa mumwe nomumwe maererano nemabasa ake.+ 14 Rufu+ neHadhesi zvakakandwa mugungwa romoto. Iri gungwa romoto+ rinomirira rufu rwechipiri.+ 15 Uyezve, munhu wose akawanikwa asina kunyorwa mubhuku roupenyu+ akakandwa mugungwa romoto.+