Zvakazarurwa
3 “Nyorera ngirozi+ yeungano iri muSadhisi kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura iye ane midzimu minomwe+ yaMwari nenyeredzi nomwe+ kuti, ‘Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rokuti uri mupenyu, asi iwe wakafa.+ 2 Rinda,+ usimbise+ zvinhu zvasara zvakanga zvava kuda kufa, nokuti handina kuwana mabasa ako akaitwa zvakakwana pamberi paMwari+ wangu. 3 Naizvozvo, ramba uchifunga nezvokugamuchira+ kwawakaita nokunzwa kwawakaita, uye ramba uchizvichengeta,+ upfidze.+ Chokwadi kunze kwokuti ukamuka,+ ndichauya sembavha,+ uye hauzombozivi kuti ndichauya kwauri paawa ipi.+
4 “‘Kunyange zvakadaro, une mazita+ mashomanana muSadhisi evasina kusvibisa+ nguo dzavo dzokunze, uye vachafamba neni vakapfeka nguo chena,+ nokuti vakakodzerwa nazvo.+ 5 Anokunda+ achashongedzwa nguo chena dzokunze+ saizvozvo; uye handingazombodzimi zita rake mubhuku roupenyu,+ asi ndichapupurira zita rake pamberi paBaba+ vangu nepamberi pengirozi+ dzavo. 6 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaurwa nomudzimu+ kuungano.’
7 “Nyorera ngirozi+ yeungano iri muFiradhefiya kuti: Izvi ndizvo zvaanotaura iye mutsvene,+ wechokwadi,+ ane kiyi yaDhavhidhi,+ anovhura zvokuti hapana anozovhara, nokuvhara zvokuti hapana anovhura, kuti, 8 ‘Ndinoziva mabasa ako+—tarira! ndaisa pamberi pako suo rakavhurika,+ risina anogona kuvhara—kuti une simba shoma, wakachengeta shoko rangu uye hauna kuramba zita rangu.+ 9 Tarira! Ndichapa vaya vanobva kusinagogi raSatani vanozviti vaJudha,+ kunyange vasiri asi vachireva nhema+—tarira! ndichaita kuti vauye, vapfugame+ pamberi petsoka dzako, ndoita kuti vazive kuti ndakakuda. 10 Zvawakachengeta shoko pamusoro pokutsungirira kwangu,+ ini ndichakuchengetawo+ paawa yokuedzwa, ichauya munyika yose inogarwa, kuzoedza vaya vanogara panyika.+ 11 Ndiri kukurumidza kuuya.+ Ramba wakabatisisa zvauinazvo,+ kuti parege kuva neangatora korona yako.+
12 “‘Munhu anokunda—ndichamuita mbiru+ mutemberi+ yaMwari wangu,+ uye haazombobudi mairi, uye ndichanyora paari zita raMwari wangu nezita reguta raMwari wangu, iro Jerusarema idzva+ rinoburuka kudenga richibva kuna Mwari wangu, uye zita rangu riya idzva.+ 13 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu+ kuungano.’
14 “Nyorera ngirozi yeungano iri muRaodhikiya,+ kuti: Izvi ndizvo zvinhu zvinotaura Ameni,+ chapupu+ chakatendeka+ nechechokwadi,+ wokutanga pane zvakasikwa naMwari,+ 15 ‘Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori kana kupisa. Ndinoshuva kuti kudai waitonhora kana zvimwe kupisa. 16 Naizvozvo, zvaunodziya usingapisi+ kana kutonhora,+ ndichakusvipa mumuromo mangu. 17 Nokuti unoti: “Ndakapfuma+ uye ndakawana pfuma uye hapana chandinomboshayiwa,” asi hauzivi kuti unosiririsa, uye unonzwisa tsitsi, uri murombo, uri bofu+ uye hauna kupfeka, 18 ndinokupa zano kuti utenge kwandiri ndarama+ yakanatswa nomoto kuti uve akapfuma, utenge nguo dzokunze chena kuti uve akapfeka, kuti kusapfeka kwako kunonyadzisa kurege kuoneka,+ uye utenge chizoro chemaziso chokuzora mumaziso+ ako kuti uone.
19 “‘Vose vandinoda kwazvo ndinovatsiura nokuvaranga.+ Naizvozvo shingaira upfidze.+ 20 Tarira! Ndakamira pasuo+ ndichigogodza. Kana munhu akanzwa inzwi rangu, akavhura suo,+ ndichapinda mumba make ndodya kudya kwemanheru naye, iye pamwe chete neni. 21 Ndichabvumira anokunda+ kuti agare neni pachigaro changu choumambo,+ ini zvandakakunda ndikagara+ naBaba vangu pachigaro chavo choumambo.+ 22 Ane nzeve ngaanzwe zvinotaura mudzimu+ kuungano.’”+