Zvakazarurwa
9 Zvino ngirozi yechishanu yakaridza bhosvo+ rayo. Ndakaona nyeredzi+ yakanga yadonha panyika ichibva kudenga, uye yakapiwa kiyi+ yegomba rakadzikadzika.+ 2 Yakavhura gomba rakadzikadzika, utsi+ hukabuda mugomba huchikwira soutsi hwevira guru,+ zuva pamwe chete nemhepo, zvikasvibiswa+ noutsi hwegomba racho. 3 Mhashu+ dzakabuda dzichienda panyika dzichibva muutsi; uye dzikapiwa simba, simba rakafanana nerezvinyavada+ zvepanyika. 4 Dzakaudzwa kuti dzirege kukuvadza zvinomera zvepanyika kana zvinhu zvose zvakasvibirira kana muti chero upi zvawo, asi vanhu vaya chete vasina chisimbiso chaMwari pahuma dzavo.+
5 Mhashu dzakabvumirwa kuti dzirege kuvauraya, asi kuti ava vanofanira kurwadziswa+ mwedzi mishanu, uye kurwadziwa kwavo kwakanga kwakaita sokurwadza kunoita chinyavada+ pachinoruma munhu. 6 Mumazuva iwayo vanhu vachatsvaka rufu+ asi havangamboruwani, uye vachada kufa asi rufu rucharamba ruchivatiza.
7 Mhashu dzacho dzakanga dzakafanana nemabhiza+ akagadzirira hondo; uye pamisoro yadzo pakanga paine zvaiita sekorona dzakafanana nendarama, uye zviso zvadzo zvakanga zvakaita sezviso zvevanhu,+ 8 asi dzaiva nebvudzi rakafanana nebvudzi revakadzi.+ Mazino adzo akanga akaita seaya eshumba;+ 9 uye dzakanga dziine zvinhu zvinovhariridza chipfuva+ zvakafanana nezvinhu zvinovhariridza chipfuva zvesimbi. Kutinhira kwemapapiro adzo kwakanga kwakaita sokutinhira kwengoro+ dzemabhiza mazhinji ari kumhanyira muhondo.+ 10 Uyewo, dzine miswe netumiromo tunoruma kufanana nezvinyavada;+ uye mumiswe yadzo ndimo mune simba radzo rokukuvadza vanhu kwemwedzi mishanu. 11 Dzinamambo wadzo, iyo ngirozi yegomba rakadzikadzika.+ MuchiHebheru anonzi Abhadhoni, asi muchiGiriki anonzi Aporiyoni.+
12 Nhamo imwe chete yapfuura. Tarira! Dzimwe nhamo mbiri+ dziri kuuya pashure pezvinhu izvi.
13 Ngirozi yechitanhatu+ yakaridza bhosvo rayo.+ Naizvozvo ndakanzwa inzwi+ rimwe chete richibuda munyanga dzeatari yendarama+ iri pamberi paMwari, 14 richiti kungirozi yechitanhatu, yakanga iine bhosvo: “Sunungura ngirozi+ ina dzakasungwa+ parwizi rukuru rwaYufratesi.”+ 15 Ngirozi dzacho ina dzakasunungurwa, dzakanga dzakagadzirira nokuda kweawa iyoyo nezuva nomwedzi negore, kuti dziuraye chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvevanhu.
16 Kuwanda kwemauto anotasva mabhiza kwakanga kuri makumi ezviuru maviri emakumi ezviuru: Ndakanzwa kuwanda kwawo. 17 Aya ndiwo maonero andakaita mabhiza pane zvandakaratidzwa, nevaya vakanga vakaatasva: vakanga vaine zvinhu zvinovhariridza chipfuva zvakatsvuka somoto uye zvebhuruu sehiyasindi uye zvakaita yero sesarufa; misoro yemabhiza yakanga yakaita semisoro yeshumba,+ uye mumiromo yawo makabuda moto noutsi nesarufa.+ 18 Nematambudziko matatu aya chikamu chimwe chete pazvikamu zvitatu zvevanhu chakaurayiwa nomoto noutsi nesarufa zvakabuda mumiromo yawo. 19 Nokuti simba remabhiza riri mumiromo yawo nomumiswe yawo; nokuti miswe yawo yakafanana nenyoka+ uye ine misoro, uye anokuvadza naiyoyi.
20 Asi vamwe vanhu vose vasina kuurayiwa nematambudziko iwaya havana kupfidza mabasa emaoko avo,+ kuti varege kunamata madhimoni+ nezvidhori zvendarama nezvesirivha+ nezvemhangura nezvematombo nezvematanda, zvisingagoni kuona kana kunzwa kana kufamba;+ 21 uye havana kupfidza umhondi+ hwavo kana tsika yavo yokuita zvemidzimu+ kana ufeve hwavo kana umbavha hwavo.