Vatongi
10 Zvino shure kwaAbhimereki kwakamuka Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, murume wokwaIsakari, aigara muShamiri munzvimbo ine makomo yaEfremu,+ kuti aponese+ Israeri. 2 Akaramba achitonga Israeri kwemakore makumi maviri nematatu, achibva afa, akavigwa muShamiri.
3 Pashure pake Jairi muGiriyedhi+ akamuka, akaramba achitonga Israeri kwemakore makumi maviri nemaviri. 4 Akava nevanakomana makumi matatu vaitasva mbongoro dzanyatsokura+ makumi matatu, uye vaiva nemaguta makumi matatu. Aya achiri kunzi Havhoti-jairi+ kusvikira nhasi; ari munyika yeGiriyedhi. 5 Pashure paizvozvo Jairi akafa, akavigwa muKamoni.
6 Zvino vanakomana vaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha,+ vakatanga kushumira vanaBhaari+ nemifananidzo yaAshtoreti+ navanamwari veSiriya+ navanamwari veSidhoni+ navanamwari veMoabhi+ navanamwari vevanakomana vaAmoni+ navanamwari vevaFiristiya.+ Naizvozvo vakasiya Jehovha uye havana kumushumira.+ 7 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo,+ zvokuti akavatengesera+ muruoko rwevaFiristiya+ nomuruoko rwevanakomana vaAmoni.+ 8 Nokudaro vakaparadza, vakadzvinyirira kwazvo vanakomana vaIsraeri mugore iroro—vanakomana vaIsraeri vose vaiva kudivi raJodhani munyika yevaAmori yaiva muGiriyedhi kwemakore gumi nemasere. 9 Vanakomana vaAmoni vaiyambuka Jodhani kuti varwe kunyange naJudha naBhenjamini neimba yaEfremu; uye Israeri akatambudzika kwazvo.+ 10 Zvino vanakomana vaIsraeri vakatanga kushevedzera kuna Jehovha kuti vabatsirwe,+ vachiti: “Takakutadzirai,+ nokuti takasiya Mwari wedu uye tinoshumira vanaBhaari.”+
11 Jehovha akabva ati kuvanakomana vaIsraeri: “Hakusi kuIjipiti+ nokuvaAmori+ nokuvanakomana vaAmoni+ nokuvaFiristiya+ 12 nevaSidhoni+ naAmareki+ naMidhiyani,+ kwandakakuponesai paruoko rwavo here, pavakakudzvinyirirai+ mukatanga kuchema kwandiri? 13 Asi imi makandisiya,+ mukatanga kushumira vamwe vanamwari.+ Ndokusaka ndisingazokuponeseizve.+ 14 Endai munoshevedzera kuna vanamwari+ vamakasarudza+ kuti mubatsirwe. Ivo ngavakuponesei munguva yokutambudzika kwenyu.” 15 Asi vanakomana vaIsraeri vakati kuna Jehovha: “Takatadza.+ Imi tiitirei chero chinhu chipi zvacho chakanaka pamberi penyu.+ Tapota, chingotinunuraiwo nhasi.”+ 16 Vakatanga kubvisa vanamwari vokune dzimwe nyika pakati pavo,+ vakashumira Jehovha,+ zvokuti mweya wake+ hauna kushivirira nokuda kwokunetseka kwaIsraeri.+
17 Kwapera nguva yakati, vanakomana vaAmoni+ vakaungana, vakadzika musasa muGiriyedhi.+ Naizvozvo vanakomana vaIsraeri vakaungana, vakadzika musasa muMizpa.+ 18 Vanhu nemachinda okuGiriyedhi vakatanga kutaurirana vachiti: “Murume achatungamirira mukurwa nevanakomana vaAmoni ndiani?+ Ngaave mukuru wevagari vose vokuGiriyedhi.”+