Vatongi
2 Zvino ngirozi yaJehovha+ yakabva kuGirigari+ ikaenda kuBhokimu,+ ikati: “Ndakakubudisai muIjipiti, ndikakuunzai munyika yandakapikira madzitateguru enyu.+ Uyezve, ndakati, ‘Handizomboputsi sungano yangu nemi.+ 2 Imi musaita sungano nevagari vomunyika ino.+ Putsai atari dzavo.’+ Asi hamuna kuteerera inzwi rangu.+ Nei maita izvi?+ 3 Naizvozvo, iniwo ndati, ‘Handichavadzingi pamberi penyu, vachava misungo kwamuri,+ uye vanamwari vavo vachava sehwambo kwamuri.’”+
4 Zvino ngirozi yaJehovha yangotaurira vanakomana vaIsraeri vose mashoko aya, vanhu vakatanga kuchema kwazvo, vakasvimha misodzi.+ 5 Nokudaro vakatumidza nzvimbo iyoyo kuti Bhokimu. Vakabayira kuna Jehovha ipapo.
6 Joshua paakarega vanhu vachienda, vanakomana vaIsraeri vakabva vaenda, mumwe nomumwe kunhaka yake, kuti vaite kuti nyika yacho ive yavo.+ 7 Vanhu vakaramba vachishumira Jehovha mazuva ose aJoshua nemazuva ose evarume vakuru vakanga vachiri kurarama Joshua afa uye vakanga vaona basa rose guru raJehovha raakaitira Israeri.+ 8 Joshua mwanakomana waNuni, mushumiri waJehovha, akazofa ava nemakore zana negumi.+ 9 Naizvozvo vakamuviga munharaunda yenhaka yake muTimnati-heresi+ munzvimbo ine makomo yaEfremu, kuchamhembe kweGomo reGaashi.+ 10 Chizvarwa chose ichochowo chakaiswa kwakaiswa madzibaba acho,+ chimwe chizvarwa chikatanga kumuka pashure pavo chakanga chisingazivi Jehovha kana basa raakanga aitira Israeri.+
11 Zvino vanakomana vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha,+ vakashumira vanaBhaari.+ 12 Nokudaro vakasiya Jehovha Mwari wemadzibaba avo uyo akanga avabudisa munyika yeIjipiti,+ vakatevera vamwe vanamwari pakati pavanamwari vemarudzi aiva akavapoteredza,+ vakatanga kuvakotamira, zvokuti vakagumbura Jehovha.+ 13 Nokudaro vakasiya Jehovha, vakashumira Bhaari nemifananidzo yaAshtoreti.+ 14 Jehovha akabva atsamwira vaIsraeri kwazvo,+ zvokuti akavaisa mumaoko evapambi, vakatanga kuvapamba;+ akavatengesera muruoko rwevavengi vavo vakanga vakavapoteredza,+ uye vakanga vasingachakwanisi kumira pamberi pevavengi vavo.+ 15 Kwose kwose kwavaienda, ruoko rwaJehovha rwaivaunzira dambudziko,+ sezvakanga zvataura Jehovha uye sokupika kwakanga kwaita Jehovha kwavari;+ uye vakatambudzika kwazvo.+ 16 Naizvozvo Jehovha aimutsa vatongi,+ uye ivo vaivaponesa muruoko rwevapambi vavo.+
17 Havana kuteerera kunyange vatongi vavo, asi vakaita unzenza+ nevamwe vanamwari,+ vakavakotamira. Vakakurumidza kutsauka panzira yakanga yafamba madzitateguru avo achiteerera mirayiro yaJehovha.+ Ivo havana kuita saizvozvo. 18 Jehovha paaivamutsira vatongi,+ Jehovha aiva nomutongi wacho, uye aivaponesa paruoko rwevavengi vavo mazuva ose omutongi wacho; nokuti Jehovha aizvidemba+ nokuti vaigomera nokuda kwevadzvinyiriri+ vavo nevaya vaivanetsa.
19 Zvino paifa mutongi wacho, vaitendeuka voita zvakashata kupfuura madzibaba avo nokutevera vamwe vanamwari kuti vavashumire nokuvakotamira.+ Havana kurega mabasa avo nokusindimara kwavo.+ 20 Jehovha akazotsamwira Israeri kwazvo,+ akati: “Rudzi urwu zvarwakadarika sungano+ yangu yandakarayira madzitateguru avo, rukasateerera inzwi rangu,+ 21 iniwo handichadzingizve pamberi pavo rumwe rwemarudzi akasiyiwa naJoshua paakafa,+ 22 kuti ndiedze+ vaIsraeri nawo, kana vachizochengeta nzira yaJehovha nokufamba mairi sokuichengeta kwakaita madzibaba avo, kana kuti kwete.” 23 Naizvozvo Jehovha akasiya marudzi aya nokusakurumidza kuadzinga,+ uye haana kuaisa muruoko rwaJoshua.