1 Samueri
10 Samueri akabva atora chinu+ chemafuta, akaadira pamusoro wake, akamutsvoda,+ akati: “Jehovha haana kukuzodza kuti uve mutungamiriri+ wenhaka yake here?+ 2 Paunobva kwandiri nhasi uchawana varume vaviri vari pedyo neguva raRakeri+ munharaunda yaBhenjamini paZeriza, uye vachati kwauri, ‘Mbongoro hadzi dzawakaenda kunotsvaka dzawanikwa, asi zvino baba vako varega nyaya yembongoro hadzi dzacho,+ vava kuzvidya mwoyo pamusoro penyu, vachiti: “Ndichaitei pamusoro pomwanakomana wangu?”’+ 3 Pfuurira uchibva ipapo uende mberi, usvike pedyo nomuti mukuru weTabhori, uye ipapo varume vatatu vachasangana newe vachikwira kuna Mwari wechokwadi kuBheteri,+ mumwe akatakura mbudzana+ nhatu uye mumwe akatakura zvingwa zvitatu zveraundi+ uye mumwe akatakura chirongo chikuru chewaini.+ 4 Vachabvunza kuti wakadini+ vokupa zvingwa zviviri, uzvigamuchire paruoko rwavo. 5 Pashure paizvozvo uchasvika kuchikomo chaMwari wechokwadi,+ kune boka revarwi+ revaFiristiya. Pauchasvika ikoko kuguta racho, uchasangana neboka revaprofita+ richiburuka munzvimbo yakakwirira,+ uye mberi kwavo kuine chinoridzwa chine tambo+ negandira+ nenyere+ norudimbwa,+ pavanenge vachitaura sevaprofita. 6 Mudzimu+ waJehovha uchashanda pauri, uye uchataura somuprofita+ pamwe navo wochinjwa kuva mumwe munhu. 7 Zviratidzo+ izvi pazvinoitika kwauri, ita zvinogona kuitwa noruoko rwako,+ nokuti Mwari wechokwadi anewe.+ 8 Uburukire kuGirigari+ uri mberi kwangu; tarira! ndiri kuburukira kwauri kuti ndipe zvibayiro zvinopiswa, ndipe zvibayiro zvokugoverana.+ Urambe wakamirira kwemazuva manomwe+ kusvikira ndasvika kwauri, uye ndichakuudza zvauchaita.”
9 Paakangofuratira kuti abve pana Samueri, Mwari akatanga kuchinja mwoyo wake kuva mumwe;+ zviratidzo+ zvose izvi zvikaitika zuva iroro. 10 Naizvozvo vachibva ipapo vakaenda kuchikomo chacho, vakaona boka revaprofita raiuya kuzosangana naye; mudzimu waMwari ukabva watanga kushanda paari,+ akatanga kutaura somuprofita+ pakati pavo. 11 Vose vaimuziva pavakamuona, tarira! akanga achiprofita nevaprofita. Naizvozvo vanhu vacho vakataurirana vachiti: “Chii ichi chaitika kumwanakomana waKishi? Sauro mumwewo wevaprofita here?”+ 12 Mumwe murume waikoko akabva apindura akati: “Asi baba vavo ndiani?” Ndokusaka zvazova chirevo+ chinoti: “Sauro mumwewo wevaprofita here?”
13 Kuzoti apedza kutaura somuprofita, akasvika kunzvimbo yakakwirira. 14 Gare gare hama yababa vake yakati kwaari nokumushandi wake: “Makaendepi?” Iye akati: “Kunotsvaka mbongoro hadzi,+ takaramba tichienda kunotsvaka, asi dzakanga dzisiko. Nokudaro takasvika kuna Samueri.” 15 Hama yababa vaSauro ikati: “Ndapota, ndiudzei, Samueri akatii kwamuri?” 16 Sauro akati kuhama yababa vake: “Chokwadi akatiudza kuti mbongoro hadzi dzakanga dzawanikwa.” Asi haana kumuudza nyaya youmambo yakanga yataurwa naSamueri.+
17 Zvino Samueri akaunganidza vanhu pamberi paJehovha kuMizpa,+ 18 akati kuvanakomana vaIsraeri: “Zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri,+ ‘Ndini ndakabudisa vaIsraeri muIjipiti uye ndini ndakakununurai paruoko rweIjipiti+ neparuoko rwoumambo hwose hwakanga huchikudzvinyirirai.+ 19 Asi imi—nhasi maramba Mwari+ wenyu akanga ari muponesi wenyu mune zvakaipa zvenyu zvose nokutambudzika kwenyu, uye mati: “Aiwa, asi gadza mambo angatitonga.” Zvino mirai pamberi paJehovha maererano nemadzinza+ enyu uye maererano nezviuru zvenyu.’”
20 Naizvozvo Samueri akaita kuti madzinza ose aIsraeri aswedere pedyo,+ dzinza raBhenjamini rikabatwa.+ 21 Akabva aita kuti dzinza raBhenjamini riswedere pedyo maererano nemhuri dzaro, mhuri yevaMatiri ikabatwa.+ Sauro mwanakomana waKishi akazobatwa.+ Vakamutsvaka, asi haana kuwanikwa. 22 Nokudaro vakabvunzazve+ Jehovha vakati: “Murume wacho ati asvika kuno here?” Jehovha akati: “Hoyu, akavanda+ pakati penhumbi.” 23 Nokudaro vakamhanya, vakanomutora ipapo. Paakamira pakati pevanhu, akanga akareba kupfuura vamwe vanhu vose kubvira pamapfudzi ake zvichikwira.+ 24 Samueri akabva ati kuvanhu vose: “Maona munhu asarudzwa naJehovha+ here, kuti hapana akafanana naye pakati pevanhu vose?” Vanhu vose vakatanga kushevedzera vachiti: “Mambo ngaararame!”+
25 Zvino Samueri akataura nevanhu nezvekodzero youmambo+ hwacho uye akainyora mubhuku akariisa pamberi paJehovha. Samueri akabva arega vanhu vose vachienda, mumwe nomumwe kumba kwake. 26 Asi Sauro, akaenda kumba kwake kuGibhiya,+ varume vakashinga vakanga vabayiwa mwoyo naMwari vakaenda naye.+ 27 Asi varume pasina,+ vakati: “Uyu achatiponesa sei?”+ Naizvozvo vakamuzvidza,+ uye havana kumuunzira chipo chero chipi zvacho.+ Asi iye akaramba achiita somunhu asisatauri.+