RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Kusikwa kwedenga nenyika (1, 2)

      • Mazuva matanhatu ekusikwa kwezvinhu (3-31)

        • Zuva rekutanga: chiedza; masikati neusiku (3-5)

        • Zuva rechipiri: nzvimbo huru inoparadzanisa mvura (6-8)

        • Zuva rechitatu: pasi pakaoma uye zvinomera (9-13)

        • Zuva rechina: zvinovheneka zvekudenga (14-19)

        • Zuva rechishanu: hove neshiri (20-23)

        • Zuva rechitanhatu: mhuka dzepanyika nevanhu (24-31)

Genesisi 1:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 102:25; Isa 42:5; 45:18; VaR 1:20; VaH 1:10; Zva 4:11; 10:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/1/2015, p. 5

    2/15/2011, map. 6-7

    2/15/2007, map. 5-6

    Bhaibheri Rinombotaura Nezvei?, p. 4

    Mukai!,

    10/2006, p. 11

    Shamwari yaMwari, p. 7

    “Rugwaro Rwose,” p. 14

Genesisi 1:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya mutsvene waMwari waitenderera uri pamusoro pemvura.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 8:27, 28
  • +Pis 33:6; Isa 40:26
  • +Pis 104:5, 6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2007, map. 5-6

Genesisi 1:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 45:7; 2VaK 4:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2011, map. 7-8

    2/15/2007, p. 6

    1/1/2004, p. 28

Genesisi 1:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:22

Genesisi 1:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:20
  • +2Pe 3:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    9/1/2008, map. 27-28

Genesisi 1:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:11; Zvi 8:27, 28

Genesisi 1:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Job 38:8, 11; Pis 104:6-9; 136:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2007, p. 6

Genesisi 1:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 95:5
  • +Zvi 8:29
  • +Dhe 32:4

Genesisi 1:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2007, p. 6

Genesisi 1:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 104:14

Genesisi 1:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 4:19
  • +Pis 104:19
  • +Ge 8:22

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2011, map. 7-8

    2/15/2007, p. 6

Genesisi 1:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 136:7, 8
  • +Pis 8:3; Jer 31:35

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/15/2007, p. 6

    1/1/2004, p. 28

Genesisi 1:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 74:16

Genesisi 1:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya mipenyu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:19

Genesisi 1:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya yese mipenyu inofamba.”

Genesisi 1:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 9:6; Pis 104:25

Genesisi 1:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:19

Genesisi 1:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Zvi 8:30; Joh 1:3; VaK 1:16
  • +1VaK 11:7
  • +Ge 5:1; Jak 3:9
  • +Ge 9:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    10/1/2008, p. 15

    1/1/2004, p. 30

    2/15/2002, p. 4

    11/15/2000, p. 25

    Mudzidzisi, p. 22

Genesisi 1:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 139:14; Mt 19:4; Mk 10:6; 1VaK 11:7, 9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Bhaibheri Rinombodzidzisei, map. 48-49

    Nharireyomurindi,

    5/1/2013, p. 3

    9/1/2012, p. 4

    2/15/2011, p. 9

    10/1/2008, p. 15

    7/1/2005, map. 4-5

    6/1/2002, p. 9

    Mukai!,

    9/2013, p. 5

    7/2013, p. 14

    “Rugwaro Rwose”, p. 18

Genesisi 1:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:1
  • +Ge 2:15
  • +Pis 8:4, 6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi

    (Yekudzidza),

    8/2016, p. 9

    Nharireyomurindi,

    5/15/2006, map. 4-5

    4/15/2004, p. 4

    11/15/2000, p. 25

Genesisi 1:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:3; Pis 104:14; Mab 14:17

Genesisi 1:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 147:9; Mt 6:26

Genesisi 1:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 32:4; Pis 104:24; 1Ti 4:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rudo rwaMwari”, p. 172

    Nharireyomurindi,

    1/1/2011, p. 13

    1/1/2008, map. 14-15

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 1:1Pis 102:25; Isa 42:5; 45:18; VaR 1:20; VaH 1:10; Zva 4:11; 10:6
Gen. 1:2Zvi 8:27, 28
Gen. 1:2Pis 33:6; Isa 40:26
Gen. 1:2Pis 104:5, 6
Gen. 1:3Isa 45:7; 2VaK 4:6
Gen. 1:5Ge 8:22
Gen. 1:6Ge 1:20
Gen. 1:62Pe 3:5
Gen. 1:7Ge 7:11; Zvi 8:27, 28
Gen. 1:9Job 38:8, 11; Pis 104:6-9; 136:6
Gen. 1:10Pis 95:5
Gen. 1:10Zvi 8:29
Gen. 1:10Dhe 32:4
Gen. 1:12Pis 104:14
Gen. 1:14Dhe 4:19
Gen. 1:14Pis 104:19
Gen. 1:14Ge 8:22
Gen. 1:16Pis 136:7, 8
Gen. 1:16Pis 8:3; Jer 31:35
Gen. 1:18Pis 74:16
Gen. 1:20Ge 2:19
Gen. 1:22Ne 9:6; Pis 104:25
Gen. 1:24Ge 2:19
Gen. 1:26Zvi 8:30; Joh 1:3; VaK 1:16
Gen. 1:261VaK 11:7
Gen. 1:26Ge 5:1; Jak 3:9
Gen. 1:26Ge 9:2
Gen. 1:27Pis 139:14; Mt 19:4; Mk 10:6; 1VaK 11:7, 9
Gen. 1:28Ge 9:1
Gen. 1:28Ge 2:15
Gen. 1:28Pis 8:4, 6
Gen. 1:29Ge 9:3; Pis 104:14; Mab 14:17
Gen. 1:30Pis 147:9; Mt 6:26
Gen. 1:31Dhe 32:4; Pis 104:24; 1Ti 4:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 1:1-31

Genesisi

1 Pakutanga Mwari akasika denga nenyika.+

2 Nyika yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu, rima riri pamusoro pemvura yakadzika,+ uye simba raMwari raanoshandisa+ raitenderera riri pamusoro pemvura.*+

3 Uye Mwari akati: “Chiedza ngachivepo.” Chiedza chakabva chavapo.+ 4 Pashure paizvozvo Mwari akaona kuti chiedza chakanga chakanaka, uye Mwari akatanga kuparadzanisa chiedza nerima. 5 Mwari akatumidza chiedza kuti Masikati, asi rima akaritumidza kuti Usiku.+ Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rekutanga.

6 Mwari akabva ati: “Ngapave nenzvimbo huru+ inoparadzanisa mvura, uye ngapave nemuganhu pakati pemvura nemvura.”+ 7 Mwari akatanga kugadzira nzvimbo huru uye akaparadzanisa mvura iri pasi penzvimbo huru nemvura iri pamusoro penzvimbo huru.+ Uye zvakaitika saizvozvo. 8 Mwari akatumidza nzvimbo yacho huru kuti Denga. Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechipiri.

9 Mwari akabva ati: “Mvura iri pasi pedenga ngaiungane munzvimbo imwe, uye pasi pakaoma ngapaoneke.”+ Uye zvakaitika saizvozvo. 10 Mwari akatumidza pasi pakaoma kuti Nyika,+ asi mvura yakaungana akaitumidza kuti Makungwa.+ Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.+ 11 Mwari akabva ati: “Nyika ngaimere uswa, zvinomera zvinobereka mbeu, nemiti yemichero maererano nemarudzi ayo, ichibereka michero nemhodzi dzayo panyika.” Uye zvakaitika saizvozvo. 12 Nyika yakatanga kumera uswa, zvinomera zvinobereka mbeu,+ nemiti inobereka michero nemhodzi dzayo, maererano nemarudzi azvo. Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 13 Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechitatu.

14 Mwari akabva ati: “Zvinovheneka+ ngazvive munzvimbo huru yekudenga kuti zviparadzanise masikati neusiku,+ uye zvichashanda sezviratidzo zvekuziva nazvo mwaka, mazuva, nemakore.+ 15 Zvichava zvinovheneka munzvimbo huru yekudenga kuti zvivhenekere nyika.” Uye zvakaitika saizvozvo. 16 Mwari akabva aita zvinovheneka zvikuru zviviri, chikuru chacho kuti chitonge masikati+ uye chidiki chacho kuti chitonge usiku, uye akaitawo nyeredzi.+ 17 Saka Mwari akazviisa munzvimbo huru yekudenga kuti zvivhenekere nyika 18 uye kuti zvitonge masikati neusiku nekuparadzanisa chiedza nerima.+ Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 19 Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechina.

20 Mwari akabva ati: “Mvura ngaizare nezvisikwa zvipenyu,* uye zvisikwa zvinobhururuka ngazvibhururuke pamusoro penyika munzvimbo huru yekudenga.”+ 21 Uye Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvemugungwa, nezvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba* uye zvinogara zvakawanda mumvura, nezvisikwa zvese zvine mapapiro zvinobhururuka. Akazvisika zvese maererano nemarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. 22 Mwari akabva azvikomborera, achiti: “Berekai muwande, muzadze mvura yemumakungwa,+ uye zvisikwa zvinobhururuka ngazviwande panyika.” 23 Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechishanu.

24 Mwari akabva ati: “Nyika ngaibudise zvisikwa zvipenyu maererano nemarudzi azvo, zvipfuwo nemhuka dzinokambaira uye mhuka dzemusango dzepanyika, zvese maererano nemarudzi azvo.”+ Uye zvakaitika saizvozvo. 25 Mwari akatanga kuita mhuka dzemusango panyika maererano nemarudzi adzo, nezvipfuwo maererano nemarudzi azvo, nemhuka dzese dzinokambaira panyika maererano nemarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.

26 Mwari akabva ati: “Ngatiitei+ munhu nemufananidzo wedu,+ akafanana nesu,+ uye ngavave nesimba pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvipfuwo uye panyika yese nepamhuka dzese dzinokambaira dzinofamba panyika.”+ 27 Mwari akatanga kusika munhu nemufananidzo wake, akamusika nemufananidzo waMwari; akavasika munhurume nemunhukadzi.+ 28 Uyezve, Mwari akavakomborera, akati kwavari: “Berekai muwande, muzadze nyika,+ muitonge,+ muve nesimba+ pahove dzegungwa, nepazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, nepazvisikwa zvese zvipenyu zvinofamba panyika.”

29 Mwari akabva ati: “Ndakupai zvinomera zvese zvinobereka mbeu zviri panyika yese, nemiti yese yemichero inoita mhodzi. Ngazvive zvekudya zvenyu.+ 30 Uye mhuka dzese dzemusango dzepanyika, nezvisikwa zvese zvinobhururuka zvekudenga, nezvinhu zvese zvinofamba panyika zvine upenyu mazviri, ndazvipa zvinomera zvese zvakasvibirira kuti zvive zvekudya zvazvo.”+ Uye zvakaitika saizvozvo.

31 Pashure pacho Mwari akaona zvinhu zvese zvaakanga aita, uye zvakanga zvakanaka chaizvo.+ Uye manheru akavapo nemangwanani akavapo, zuva rechitanhatu.

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2022 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe