RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 24
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Kutsvagira Isaka mudzimai (1-58)

      • Ribheka anoenda kuna Isaka (59-67)

Genesisi 24:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 13:2

Genesisi 24:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:2, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1997, p. 30

    7/1/1989, pp. 25, 27

Genesisi 24:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:1; Dhe 7:1, 3; 2VaK 6:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 14

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

    Nharireyomurindi,

    7/1/1989, pp. 25, 27

Genesisi 24:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 22:20-23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1999, p. 7

    1/1/1997, p. 30

    7/1/1989, pp. 25, 27

Genesisi 24:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 11:27, 28; 15:7

Genesisi 24:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:15

Genesisi 24:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:1; VaH 11:8
  • +Mik 7:20; Ru 1:72, 73; VaH 6:13, 14
  • +VaH 11:18
  • +Ge 13:14, 15; 26:3, 4; Dhe 34:4; Mab 7:4, 5
  • +VaH 1:7, 14
  • +Ge 12:5

Genesisi 24:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:2, 3

Genesisi 24:10

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2011, pp. 16-17

    7/1/1989, pp. 25, 27

    ‘Nyika Yakanaka’, pp. 6-7

Genesisi 24:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/1/2000, p. 3

Genesisi 24:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1997, p. 30

    7/1/1989, pp. 25-26

Genesisi 24:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 22:23
  • +Ge 11:29
  • +Ge 11:26

Genesisi 24:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 12

Genesisi 24:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 12

Genesisi 24:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, pp. 12-13

    Nharireyomurindi,

    2/1/2010, pp. 24-25

    1/1/1997, p. 30

Genesisi 24:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, pp. 12-13

    Nharireyomurindi,

    2/1/2010, pp. 24-25

    1/1/1997, p. 30

    7/1/1989, pp. 25-27

    Mukai!,

    7/8/1989, p. 15

Genesisi 24:21

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, pp. 12-13

Genesisi 24:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/1/1997, pp. 30-31

    7/1/1989, p. 26

Genesisi 24:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ndapota ndiudze, uri mwanasikana waani?”

  • *

    Kana kuti “kwababa vako.”

Genesisi 24:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 22:23
  • +Ge 11:29

Genesisi 24:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:20; 29:10

Genesisi 24:32

Mashoko Emuzasi

  • *

    Zvichida dzakasunungurwa naRabhani.

Genesisi 24:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:2, 3

Genesisi 24:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:15, 16; 13:2; 24:1

Genesisi 24:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 21:1, 2; VaR 4:19; VaH 11:11
  • +Ge 25:5

Genesisi 24:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:2, 3; 28:1

Genesisi 24:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 22:20-23
  • +Ge 24:4

Genesisi 24:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:5

Genesisi 24:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 48:15
  • +VaH 1:7, 14
  • +Ge 11:25

Genesisi 24:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:9

Genesisi 24:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:16

Genesisi 24:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:14

Genesisi 24:45

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:15, 17

Genesisi 24:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:18

Genesisi 24:47

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:22, 23

Genesisi 24:48

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:27

Genesisi 24:49

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nditsaukire kurudyi kana kuruboshwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:8

Genesisi 24:50

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “hatigoni kutaura newe zvakaipa kana zvakanaka; hatigoni kuti hongu kana kuti kwete.”

Genesisi 24:53

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/1989, pp. 26-27

Genesisi 24:58

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 14

    Nharireyomurindi,

    10/15/2012, p. 29

    4/15/2004, p. 10

    7/1/1989, pp. 26-27

Genesisi 24:59

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, mushandi wake uyo aimbova mureri wake.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:5
  • +Ge 35:8

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 15

Genesisi 24:60

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ukava mai vezviuru nezviuru.”

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

  • *

    Kana kuti “varidzi vemaguta evaya vanovavenga.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 22:15, 17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Zvakazarurwa, p. 151

Genesisi 24:61

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 15

    Nharireyomurindi,

    7/1/1989, pp. 26-28

Genesisi 24:62

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 16:14; 25:11
  • +Ge 12:9; 20:1; Nu 13:22; Vat 1:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 12

    ‘Nyika Yakanaka’, pp. 6-7

Genesisi 24:63

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 77:12; 143:5

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Mukai!,

    9/8/2000, p. 29

Genesisi 24:64

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 15

    ‘Nyika Yakanaka’, pp. 6-7

Genesisi 24:65

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 15

Genesisi 24:67

Magwaro Ari Kumucheto

  • +VaH 11:9
  • +Ge 26:8
  • +Ge 23:2, 19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi (Yeveruzhinji),

    nha. 3 2016, p. 15

    Nharireyomurindi,

    7/1/1989, p. 28

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 24:1Ge 13:2
Gen. 24:2Ge 15:2, 3
Gen. 24:3Ge 28:1; Dhe 7:1, 3; 2VaK 6:14
Gen. 24:4Ge 22:20-23
Gen. 24:5Ge 11:27, 28; 15:7
Gen. 24:6VaH 11:15
Gen. 24:7Ge 12:1; VaH 11:8
Gen. 24:7Mik 7:20; Ru 1:72, 73; VaH 6:13, 14
Gen. 24:7VaH 11:18
Gen. 24:7Ge 13:14, 15; 26:3, 4; Dhe 34:4; Mab 7:4, 5
Gen. 24:7VaH 1:7, 14
Gen. 24:7Ge 12:5
Gen. 24:9Ge 24:2, 3
Gen. 24:15Ge 22:23
Gen. 24:15Ge 11:29
Gen. 24:15Ge 11:26
Gen. 24:24Ge 22:23
Gen. 24:24Ge 11:29
Gen. 24:29Ge 25:20; 29:10
Gen. 24:34Ge 15:2, 3
Gen. 24:35Ge 12:15, 16; 13:2; 24:1
Gen. 24:36Ge 21:1, 2; VaR 4:19; VaH 11:11
Gen. 24:36Ge 25:5
Gen. 24:37Ge 24:2, 3; 28:1
Gen. 24:38Ge 22:20-23
Gen. 24:38Ge 24:4
Gen. 24:39Ge 24:5
Gen. 24:40Ge 48:15
Gen. 24:40VaH 1:7, 14
Gen. 24:40Ge 11:25
Gen. 24:41Ge 24:9
Gen. 24:43Ge 24:16
Gen. 24:44Ge 24:14
Gen. 24:45Ge 24:15, 17
Gen. 24:46Ge 24:18
Gen. 24:47Ge 24:22, 23
Gen. 24:48Ge 24:27
Gen. 24:49Ge 24:8
Gen. 24:59Ge 28:5
Gen. 24:59Ge 35:8
Gen. 24:60Ge 22:15, 17
Gen. 24:62Ge 16:14; 25:11
Gen. 24:62Ge 12:9; 20:1; Nu 13:22; Vat 1:9
Gen. 24:63Pis 77:12; 143:5
Gen. 24:67VaH 11:9
Gen. 24:67Ge 26:8
Gen. 24:67Ge 23:2, 19
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
  • 50
  • 51
  • 52
  • 53
  • 54
  • 55
  • 56
  • 57
  • 58
  • 59
  • 60
  • 61
  • 62
  • 63
  • 64
  • 65
  • 66
  • 67
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 24:1-67

Genesisi

24 Abrahamu akanga akwegura, ava nemakore mazhinji, uye Jehovha akanga akomborera Abrahamu pazvinhu zvese.+ 2 Abrahamu akati kumuranda wake, mukuru weimba yake, aichengeta zvinhu zvake zvese:+ “Ndinokumbira kuti uise ruoko rwako pasi pechidya changu, 3 uye ndichaita kuti upike naJehovha, Mwari wedenga uye Mwari wenyika, kuti hauzotsvagiri mwanakomana wangu mudzimai pavanasikana vevaKenani, vandiri kugara pakati pavo.+ 4 Asi unofanira kuenda kunyika yangu nekuhama dzangu,+ wonotsvagira mwanakomana wangu Isaka, mudzimai.”

5 Asi muranda wacho akati kwaari: “Ko kana mukadzi wacho asingadi kuuya neni kunyika ino? Ndinofanira kubva ndadzorera mwanakomana wenyu kunyika yamakabva here?”+ 6 Abrahamu akabva ati kwaari: “Usatomboendesa mwanakomana wangu ikoko.+ 7 Jehovha Mwari wedenga, uyo akandibvisa kumba kwababa vangu nekunyika yehama dzangu,+ uye akataura neni akandipikira, achiti:+ ‘Ndichapa mwana*+ wako nyika ino,’+ achatuma ngirozi yake pamberi pako,+ uye uchatorera mwanakomana wangu mudzimai ikoko.+ 8 Asi kana mukadzi wacho asingadi kuuya newe, uchange wasunungurwa pamhiko iyi. Asi usaendesa mwanakomana wangu ikoko.” 9 Muranda wacho akabva aisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbrahamu tenzi wake akamupikira pamusoro penyaya iyi.+

10 Saka mushandi wacho akatora ngamera gumi dzatenzi wake, ndokuenda, aine zvinhu zvakanaka zvakasiyana-siyana zvaakapiwa natenzi wake. Akabva apinda munzira ndokuenda kuMesopotamiya, kuguta reNahori. 11 Akaita kuti ngamera dzipfugame patsime remvura kunze kweguta racho. Zuva rakanga rodoka, panguva yaiwanzoenda vakadzi kunochera mvura. 12 Akabva ati: “Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahamu, ndapota itai kuti ndibudirire nhasi, uye ratidzai tenzi wangu Abrahamu rudo rwenyu rusingachinji. 13 Iye zvino ndakamira patsime remvura, uye vasikana vemuguta vari kuuya kuzochera mvura. 14 Ngazviitike kuti musikana wandichati, ‘Ndinokumbirawo kuti uture chirongo chako chemvura, undipewo mvura yekunwa,’ opindura kuti, ‘Inwai zvenyu, uye ndichanwisawo ngamera dzenyu,’ iyeye ndiye wamuchasarudza kuti ave wemushumiri wenyu Isaka; uye itai kuti izvi zvindiratidze kuti maratidza tenzi wangu rudo rwenyu rusingachinji.”

15 Asati atombopedza kutaura, Ribheka, mwanasikana waBhetueri+ mwanakomana waMirika+ mudzimai waNahori,+ mukoma waAbrahamu, akauya akatakura chirongo chemvura papfudzi. 16 Musikana wacho akanga akanaka chaizvo, ari mhandara; hapana murume akanga amborara naye. Akadzika kutsime, akazadza chirongo chake chemvura, ndokudzoka. 17 Muranda wacho akabva amhanya kunosangana naye akati: “Ndinokumbirawo kumbodzvuta zvishomanana mvura iri muchirongo chako.” 18 Iye akabva ati: “Inwai henyu ishe wangu.” Akabva akurumidza kudzikisa chirongo chaiva papfudzi rake, akamubatira achinwa. 19 Paakanga apedza kumupa mvura, akati: “Regai ndichererewo ngamera dzenyu, dzinwe kusvikira dzaguta.” 20 Saka akakurumidza kudurura mvura yaiva muchirongo chake muchinwiro chezvipfuwo, ndokutanga kumhanya kutsime kunochera mvura achidzoka, uye akacherera ngamera dzese dzemurume wacho. 21 Nguva yese iyi murume wacho akanga akanyarara hake akamutarisa achishamisika, achifunga kuti Jehovha ainge aita kuti rwendo rwake rubudirire here kana kuti kwete.

22 Ngamera padzakanga dzapedza kunwa, murume wacho akabva atora rin’i yepamhino yegoridhe yairema hafu yeshekeri* nezvishongo zvegoridhe zviviri zvemuruoko zvairema mashekeri* gumi akamupa, 23 uye akati: “Saka uri mwanasikana waani?* Tingawanawo pekurara kumba kwenyu* here?” 24 Akapindura kuti: “Ndiri mwanasikana waBhetueri+ mwanakomana waNahori+ waakabereka nemudzimai wake Mirika.” 25 Akawedzera kuti: “Tine uswa hwakaoma nechikafu chakawanda chezvipfuwo, uyewo pekurara.” 26 Murume wacho akabva apfugama akadzikisa musoro wake pamberi paJehovha 27 akati: “Jehovha ngaarumbidzwe, Mwari watenzi wangu Abrahamu, nekuti aramba achiratidza tenzi wangu rudo rusingachinji uye kutendeka. Jehovha anditungamirira kumba kwehama dzatenzi wangu.”

28 Musikana wacho akamhanya, akanoudza amai vake nevamwe vese zvakanga zvaitika. 29 Ribheka aiva nehanzvadzi yainzi Rabhani.+ Saka Rabhani akamhanyira kutsime kwaiva nemurume wacho. 30 Paakaona hanzvadzi yake iine rin’i yepamhino uye iine zvishongo mumaoko uye paakanzwa hanzvadzi yake Ribheka ichiti, “Murume wacho ataura neni zvakati nezvakati,” akabva aenda kunoona murume wacho akanga achakamira pedyo nengamera patsime. 31 Akabva ati: “Uya iwe wakakomborerwa naJehovha. Unorambirei wakamira kunze kuno? Ndakugadzirira imba uye nzvimbo yengamera.” 32 Saka murume wacho akapinda mumba, uye ngamera dzakasunungurwa,* dzikapiwa uswa nechikafu chadzo uye murume wacho pamwe nevaaiva navo vakaunzirwa mvura yekugeza tsoka. 33 Asi paakaisirwa zvekudya pamberi pake akati: “Handisi kuzodya kusvikira ndakuudzai zvandafambira.” Saka Rabhani akati: “Taura hako!”

34 Akabva ati: “Ndiri muranda waAbrahamu.+ 35 Jehovha akakomborera tenzi wangu zvikuru, uye akaita kuti apfume chaizvo nekumupa makwai nemombe, sirivha negoridhe, varandarume nevarandakadzi, nengamera nemadhongi.+ 36 Uyewo, Sara mudzimai watenzi wangu paakanga achembera+ akaberekera tenzi wangu mwanakomana, uyo achapiwa natenzi wangu zvese zvaainazvo.+ 37 Saka tenzi wangu akaita kuti ndipike, achiti: ‘Haufaniri kutsvagira mwanakomana wangu mudzimai pavanasikana vevaKenani, vane nyika yandiri kugara.+ 38 Kwete. Asi enda kuimba yababa vangu nekumhuri yangu,+ unotorera mwanakomana wangu mudzimai.’+ 39 Asi ndakati kuna tenzi wangu: ‘Ko kana mukadzi wacho asingadi kuuya neni?’+ 40 Akati kwandiri: ‘Jehovha, wandakafamba pamberi pake,+ achatuma ngirozi yake+ ichaenda newe uye achaita kuti rwendo rwako rubudirire, uye unofanira kutorera mwanakomana wangu mudzimai kumhuri yangu nekuimba yababa vangu.+ 41 Kana ukaenda kumhuri yangu, voramba kukupa mukadzi wacho, unenge wasunungurwa pamhiko yawakaita neni. Izvi zvichakusunungura pamhiko yako.’+

42 “Pandasvika patsime nhasi, ndati: ‘Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahamu, itai kuti rwendo rwangu rubudirire. 43 Onai ndamira patsime remvura. Ngazviitike kuti pakauya musikana+ kuzochera mvura ini ndichati, “Ndinokumbirawo kunwa mvura muchirongo chako,” 44 uye iye achati kwandiri, “Inwai henyu, uye ndichachererawo ngamera dzenyu mvura.” Iyeye ngaave mukadzi asarudzirwa mwanakomana watenzi wangu+ naJehovha.’

45 “Ndisati ndapedza kutaura mumwoyo mangu, ndaona Ribheka achiuya aine chirongo chake papfudzi, uye adzika kutsime, akatanga kuchera mvura. Ndabva ndati kwaari: ‘Ndinokumbirawo mvura yekunwa.’+ 46 Saka abva akurumidza kudzikisa chirongo chake ndokuti: ‘Inwai henyu,+ uye ndichanwisawo ngamera dzenyu.’ Ndabva ndanwa, uye anwisawo ngamera. 47 Pashure paizvozvo ndamubvunza kuti, ‘Uri mwanasikana waani?’ iye akati, ‘Ndiri mwanasikana waBhetueri mwanakomana waNahori waakabereka nemudzimai wake Mirika.’ Saka ndabva ndaisa rin’i pamhino yake uye zvishongo mumaoko ake.+ 48 Ndapfugama ndikadzikisa musoro wangu pamberi paJehovha, ndikarumbidza Jehovha, Mwari watenzi wangu Abrahamu,+ anditungamirira panzira yakarurama kuti nditore mwanasikana wehama yatenzi wangu, kuti ave mudzimai wemwanakomana wake. 49 Chindiudzaiwo kana muchida kuratidza tenzi wangu rudo rusingachinji uye kutendeka; asi kana musiri, ndiudzei, kuitira kuti ndizive zvekuita.”*+

50 Rabhani naBhetueri vakabva vapindura kuti: “Izvi zvabva kuna Jehovha. Hatigoni kuzviramba.* 51 Ribheka wacho ndiyeyu. Mutore uende naye, ave mudzimai wemwanakomana watenzi wako, sezvataurwa naJehovha.” 52 Muranda waAbrahamu paakangonzwa mashoko avo, akabva apfugama pamberi paJehovha. 53 Muranda wacho akatanga kubudisa zvinhu zvesirivha nezvegoridhe uye zvipfeko, akazvipa Ribheka, uye akapa hanzvadzi yake naamai vake zvinhu zvakanaka kwazvo. 54 Pashure paizvozvo iye nevarume vaaiva navo vakadya, vakanwa, uye vakarara ikoko.

Paakamuka mangwanani akati: “Chiregai ndiende kuna tenzi wangu.” 55 Hanzvadzi yake naamai vake vakati: “Regai timbogara nemusikana wacho kwemamwe mazuva gumi, ozoenda hake.” 56 Asi akati kwavari: “Musandinonotsa, sezvo Jehovha aita kuti rwendo rwangu rubudirire. Regai ndiende kuna tenzi wangu.” 57 Saka vakati: “Ngatishevedze musikana wacho tinzwe zvaanotaura.” 58 Vakashevedza Ribheka vakati kwaari: “Unoda here kuenda nemurume uyu?” Iye akati: “Ndinoda.”

59 Saka vakarega Ribheka+ hanzvadzi yavo nemureri*+ wake nemushandi waAbrahamu nevarume vaaiva navo vachienda. 60 Uye vakakomborera Ribheka vakati kwaari: “Hanzvadzi yedu, dai ukava zviuru zvemakumi ezviuru,* uye vana* vako ngavave varidzi vegedhi revaya vanovavenga.”*+ 61 Ribheka nevashandikadzi vake vakabva vasimuka, vakatasva ngamera, ndokutevera murume wacho. Saka muranda wacho akatora Ribheka akaenda naye.

62 Isaka akanga achibva nechekuBheeri-rahai-roi,+ nekuti aigara munyika yeNegebhu.+ 63 Isaka akanga ari kusango panguva yemanheru achidzamisa pfungwa.+ Paakasimudza musoro, akabva aona kuti kwaiva nengamera dzaiuya! 64 Ribheka paakasimudza musoro, akaona Isaka, akakurumidza kuburuka pangamera. 65 Akabva abvunza muranda wacho kuti: “Murume uyo ari musango ari kuuya kuzosangana nesu ndiani?” Muranda wacho akati: “Nditenzi wangu.” Saka akatora jira remumusoro akazvifukidza. 66 Uye muranda wacho akaudza Isaka zvese zvaakanga aita. 67 Pashure paizvozvo Isaka akamupinza mutende raSara amai vake.+ Saka akatora Ribheka, akava mudzimai wake; akamuda,+ uye Isaka akanyaradzwa pakufirwa kwaakanga aitwa naamai vake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe