RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 28
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Isaka anotuma Jakobho kuPadhani-aramu (1-9)

      • Hope dzakarotwa naJakobho ari kuBheteri (10-22)

        • Vimbiso yaMwari inodzokororwa kuna Jakobho (13-15)

Genesisi 28:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:34, 37; Eks 34:15, 16; 1Mad 11:1-3; 2VaK 6:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/15/1995, p. 13

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

Genesisi 28:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:16

Genesisi 28:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:5; 46:15, 19; 1Mak 2:1, 2

Genesisi 28:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:2, 3
  • +Ge 12:7; 15:13; 17:1, 8; VaH 11:9

Genesisi 28:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:20
  • +Ge 24:29

Genesisi 28:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:1; 2VaK 6:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

Genesisi 28:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:43

Genesisi 28:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:46

Genesisi 28:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 36:2, 3

Genesisi 28:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 11:31; 27:43

Genesisi 28:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:18, 19

Genesisi 28:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Joh 1:51; VaH 1:7, 14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    1/15/2004, p. 28

    10/15/2003, pp. 28-29

    “Rugwaro Rwose,” p. 18

Genesisi 28:13

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 26:24, 25
  • +Ge 12:7; 28:4; Pis 105:9-11

Genesisi 28:14

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

  • *

    Kana kuti “dzichazviwanira chikomborero.”

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 13:14, 16; 1Mad 4:20
  • +Ge 18:18; 22:15, 18

Genesisi 28:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:6
  • +Ge 31:3; Nu 23:19; Jos 23:14; VaH 6:18

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2013, pp. 20-21

Genesisi 28:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 47:2
  • +Ge 35:1

Genesisi 28:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:13

Genesisi 28:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Imba yaMwari.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:6; Jos 16:1, 2

Genesisi 28:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “ndodzoka nerugare.”

Genesisi 28:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 28:1Ge 24:34, 37; Eks 34:15, 16; 1Mad 11:1-3; 2VaK 6:14
Gen. 28:2Ge 29:16
Gen. 28:3Ge 17:5; 46:15, 19; 1Mak 2:1, 2
Gen. 28:4Ge 12:2, 3
Gen. 28:4Ge 12:7; 15:13; 17:1, 8; VaH 11:9
Gen. 28:5Ge 25:20
Gen. 28:5Ge 24:29
Gen. 28:6Ge 28:1; 2VaK 6:14
Gen. 28:7Ge 27:43
Gen. 28:8Ge 27:46
Gen. 28:9Ge 36:2, 3
Gen. 28:10Ge 11:31; 27:43
Gen. 28:11Ge 28:18, 19
Gen. 28:12Joh 1:51; VaH 1:7, 14
Gen. 28:13Ge 26:24, 25
Gen. 28:13Ge 12:7; 28:4; Pis 105:9-11
Gen. 28:14Ge 13:14, 16; 1Mad 4:20
Gen. 28:14Ge 18:18; 22:15, 18
Gen. 28:15Ge 35:6
Gen. 28:15Ge 31:3; Nu 23:19; Jos 23:14; VaH 6:18
Gen. 28:17Pis 47:2
Gen. 28:17Ge 35:1
Gen. 28:18Ge 31:13
Gen. 28:19Ge 35:6; Jos 16:1, 2
Gen. 28:22Ge 35:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 28:1-22

Genesisi

28 Saka Isaka akashevedza Jakobho, akamukomborera, ndokumurayira achiti: “Usatora mudzimai pavanasikana veKenani.+ 2 Enda kuPadhani-aramu kuimba yaBhetueri, baba vaamai vako, utore mudzimai ikoko pavanasikana vaRabhani,+ hanzvadzi yaamai vako. 3 Mwari Wemasimbaose achakukomborera, oita kuti ubereke, uve nevana vakawanda, uye uchava ungano yemarudzi.+ 4 Uye achakupa chikomborero chaAbrahamu,+ iwe nemwana* wako, kuti uite kuti nyika yawanga uchigara uri mutorwa ive yako, yakapiwa Abrahamu naMwari.”+

5 Saka Isaka akaita kuti Jakobho aende, uye Jakobho akasimuka akananga kuPadhani-aramu, kwaRabhani mwanakomana waBhetueri muAramu,+ hanzvadzi yaRibheka,+ amai vaJakobho naIsau.

6 Isau akaona kuti Isaka akanga akomborera Jakobho akamuendesa kuPadhani-aramu kuti anotora mudzimai ikoko, uye kuti paakamukomborera akamurayira achiti: “Usatora mudzimai pavanasikana veKenani,”+ 7 uye kuti Jakobho akateerera baba vake naamai vake akaenda kuPadhani-aramu.+ 8 Isau akabva aziva kuti vanasikana veKenani vakanga vasingafadzi Isaka baba vake,+ 9 saka Isau akaenda kuna Ishmaeri akatora Maharati mwanasikana waIshmaeri mwanakomana waAbrahamu, hanzvadzi yaNebhayoti, kuti ave mudzimai wake, kuwedzera pamadzimai aakanga agara ainawo.+

10 Jakobho akabva kuBheeri-shebha ndokunanga kuHarani.+ 11 Akazosvika pane imwe nzvimbo akagadzirira kuti arare ipapo nekuti zuva rakanga ravira. Saka akatora rimwe dombo ipapo kuti atsamire, akabva arara panzvimbo iyoyo.+ 12 Akarota achiona manera akanga akamiswa panyika achisvika kudenga; uye akaona ngirozi dzaMwari dzichikwira nekudzika nawo.+ 13 Uye akatarisa akaona Jehovha akamira pamusoro pawo, achibva ati:

“Ndini Jehovha Mwari waAbrahamu baba vako naMwari waIsaka.+ Ndichapa iwe nemwana*+ wako nyika yaurere pairi. 14 Uye vana* vako vachawanda seguruva renyika,+ vachapararira kwese kwese kumabvazuva nekumavirira uye kuchamhembe nekumaodzanyemba, uye mhuri dzese dzepanyika dzichakomborerwa* nekwauri uye nekumwana* wako.+ 15 Ndinewe, uye ndichakuchengetedza kwese kwaunoenda, uye ndichakudzosa kunyika ino.+ Handisi kuzokusiya kusvikira ndaita zvandakuvimbisa.”+

16 Jakobho akabva apepuka akati: “Chokwadi Jehovha ari munzvimbo ino, asi ndanga ndisina kuzviziva.” 17 Akatya akabva awedzera kuti: “Nzvimbo ino inoshamisa chaizvo! Iyi inofanira kunge iri imba yaMwari chete,+ uye iri ndiro gedhi rekudenga.”+ 18 Saka Jakobho akafumomuka, akatora dombo raakanga akatsamira, akarimisa semucherechedzo, akadira mafuta pamusoro paro.+ 19 Akabva atumidza nzvimbo iyoyo kuti Bheteri,* asi guta racho raimbonzi Ruzi.+

20 Jakobho akabva aita mhiko, achiti: “Kana Mwari akaramba aineni, akandichengetedza parwendo rwangu, uye akandipa zvekudya nezvekupfeka, 21 ndodzoka zvakanaka* kuimba yababa vangu, Jehovha achange aratidza kuti ndiMwari wangu. 22 Uye dombo iri randamisa kuti rive mucherechedzo richava imba yaMwari,+ uye ndichatoona kuti ndakupai chegumi chezvese zvamunondipa.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe