RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 31
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Jakobho anotizira kuKenani achiita zvekuverevedza (1-18)

      • Rabhani anobata Jakobho (19-35)

      • Sungano yaJakobho naRabhani (36-55)

Genesisi 31:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:33

Genesisi 31:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:27

Genesisi 31:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:15; 32:9; 35:27

Genesisi 31:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:27
  • +Ge 48:15

Genesisi 31:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:29, 30

Genesisi 31:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:32

Genesisi 31:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:39

Genesisi 31:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 29:25; 31:39

Genesisi 31:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 12:8, 9; 35:15
  • +Ge 28:18, 22
  • +Ge 35:14; 37:1

Genesisi 31:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:41; Ho 12:12

Genesisi 31:16

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:1
  • +Ge 31:3

Genesisi 31:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 33:13

Genesisi 31:18

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:42, 43
  • +Ge 35:27

Genesisi 31:19

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanamwari vemumba vababa; terafimu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 35:2; Jos 24:2
  • +Ge 31:14

Genesisi 31:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva, Yufratesi.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:18
  • +Nu 32:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva (2019), p. 1954

Genesisi 31:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ngwarira kuti usataure naJakobho kubvira pane zvakanaka kusvikira pane zvakaipa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:20; Ho 12:12
  • +Ge 20:3
  • +Pis 105:15

Genesisi 31:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vanakomana.”

Genesisi 31:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ngwarira kuti usataure naJakobho kubvira pane zvakanaka kusvikira pane zvakaipa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:24

Genesisi 31:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:19; 35:2

Genesisi 31:33

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:18, 25

Genesisi 31:34

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “vanamwari vacho vemumba vababa; terafimu.”

Genesisi 31:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Re 15:19
  • +Ge 31:19

Genesisi 31:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:27

Genesisi 31:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 17:34

Genesisi 31:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 47:9

Genesisi 31:41

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:7

Genesisi 31:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:13; 31:29
  • +Ge 31:53
  • +Ge 31:24

Genesisi 31:45

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:18

Genesisi 31:47

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shoko rechiAramaiki rinoreva kuti “Murwi Unopupurira.”

  • *

    Shoko rechiHebheru rinoreva kuti “Murwi Unopupurira.”

Genesisi 31:48

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:22, 23

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    4/2020, p. 4

Genesisi 31:49

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “‘Mizpa,’ zita rechiHebheru rinoreva kuti ‘Nharire; Nzvimbo Inoshandiswa Kuona Zviri Kure.’”

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa,

    4/2020, p. 4

Genesisi 31:52

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:44, 45

Genesisi 31:53

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “akapika nekutya kwababa vake Isaka.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:1, 7
  • +Ge 31:42

Genesisi 31:55

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vanakomana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:28
  • +Ge 24:59, 60
  • +Ge 27:43; 28:2

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 31:1Ge 30:33
Gen. 31:2Ge 30:27
Gen. 31:3Ge 28:15; 32:9; 35:27
Gen. 31:5Ge 30:27
Gen. 31:5Ge 48:15
Gen. 31:6Ge 30:29, 30
Gen. 31:8Ge 30:32
Gen. 31:10Ge 30:39
Gen. 31:12Ge 29:25; 31:39
Gen. 31:13Ge 12:8, 9; 35:15
Gen. 31:13Ge 28:18, 22
Gen. 31:13Ge 35:14; 37:1
Gen. 31:15Ge 31:41; Ho 12:12
Gen. 31:16Ge 31:1
Gen. 31:16Ge 31:3
Gen. 31:17Ge 33:13
Gen. 31:18Ge 30:42, 43
Gen. 31:18Ge 35:27
Gen. 31:19Ge 35:2; Jos 24:2
Gen. 31:19Ge 31:14
Gen. 31:21Ge 15:18
Gen. 31:21Nu 32:1
Gen. 31:24Ge 25:20; Ho 12:12
Gen. 31:24Ge 20:3
Gen. 31:24Pis 105:15
Gen. 31:29Ge 31:24
Gen. 31:30Ge 31:19; 35:2
Gen. 31:33Ge 46:18, 25
Gen. 31:35Re 15:19
Gen. 31:35Ge 31:19
Gen. 31:38Ge 30:27
Gen. 31:391Sa 17:34
Gen. 31:40Ge 47:9
Gen. 31:41Ge 31:7
Gen. 31:42Ge 28:13; 31:29
Gen. 31:42Ge 31:53
Gen. 31:42Ge 31:24
Gen. 31:45Ge 28:18
Gen. 31:48Ge 31:22, 23
Gen. 31:52Ge 31:44, 45
Gen. 31:53Ge 17:1, 7
Gen. 31:53Ge 31:42
Gen. 31:55Ge 31:28
Gen. 31:55Ge 24:59, 60
Gen. 31:55Ge 27:43; 28:2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
  • 47
  • 48
  • 49
  • 50
  • 51
  • 52
  • 53
  • 54
  • 55
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 31:1-55

Genesisi

31 Nekufamba kwenguva, akanzwa vanakomana vaRabhani vachiti: “Jakobho atora zvese zvaiva zvababa vedu, uye upfumi hwese hwaaunganidza uhwu hwakabva pazvinhu zvababa vedu.”+ 2 Jakobho paaitarisa chiso chaRabhani, aiona kuti akanga asisamufariri sezvaaimboita.+ 3 Jehovha akazoti kuna Jakobho: “Dzokera kunyika yemadzibaba ako nekuhama dzako,+ uye ndicharamba ndiinewe.” 4 Jakobho akabva atumira shoko kuna Rakeri naReya kuti vauye kusango kwaaifudza zvipfuwo zvake, 5 akati kwavari:

“Ndiri kuona kuti baba venyu havachandifariri sezvavaiita,+ asi Mwari wababa vangu aneni.+ 6 Imi munonyatsoziva kuti ndakashandira baba venyu nesimba rangu rese.+ 7 Baba venyu vakaedza kundibiridzira uye vakachinja mubhadharo wangu kagumi; asi Mwari haana kubvumira kuti vandikuvadze. 8 Pavaiti, ‘Zvine makamba-makamba ndizvo zvichava mubhadharo wako,’ zvipfuwo zvese zvaibva zvabereka zvine makamba-makamba; asi kana vakati, ‘Zvine mitsetse ndizvo zvichava mubhadharo wako,’ zvipfuwo zvese zvaibva zvabereka zvine mitsetse.+ 9 Saka Mwari akaramba achitora zvipfuwo zvababa venyu achindipa. 10 Mumwe musi zvipfuwo pazvainzwa kuda mukono ndakaratidzwa kuhope, ndikaona kuti nhongo dzaikwira zvipfuwo dzakanga dziine mitsetse, tumavara tudiki, uye makamba-makamba.+ 11 Ngirozi yaMwari wechokwadi yakabva yati kwandiri kuhope, ‘Jakobho!’ ndikabva ndati, ‘Ndiri pano.’ 12 Iyo ikati, ‘Tarisa uone kuti nhongo dzese dziri kukwira zvipfuwo dzine mitsetse, tumavara tudiki, uye makamba-makamba, nekuti ndaona zvese zvauri kuitirwa naRabhani.+ 13 Ndini Mwari wechokwadi wekuBheteri,+ kwawakazodza dombo kuti rive mucherechedzo uye kwawakaita mhiko kwandiri.+ Chisimuka, ubude munyika ino, udzokere kunyika yawakaberekerwa.’”+

14 Rakeri naReya vakamupindura kuti: “Tichiine mugove wenhaka mumba mababa vedu here? 15 Havasi vava kutiona sevatorwa here, sezvo vakatitengesa uye vachidya mari yavakawana pavakatitengesa?+ 16 Pfuma yese yakatorerwa baba vedu naMwari, ndeyedu nevana vedu.+ Saka kana zvakadaro ita zvese zvawaudzwa naMwari.”+

17 Jakobho akabva asimuka akakwidza vana vake nemadzimai ake pangamera,+ 18 akatanga kutinha zvipfuwo zvake zvese nekutora zvinhu zvake zvese zvaakanga aunganidza,+ zvipfuwo zvaaiva nazvo zvaakanga aunganidza muPadhani-aramu, kuti aende kuna Isaka baba vake kunyika yeKenani.+

19 Rabhani akanga aenda kunoveura makwai ake, Rakeri akabva aba zvidhori+ zvababa* vake.+ 20 Uyewo Jakobho akanyengedza Rabhani muAramu, pakuti akatiza asina kumuudza nezvekuenda kwake. 21 Akatiza nezvese zvaaiva nazvo, akayambuka Rwizi.*+ Akabva ananga kunyika ine makomo yeGiriyedhi.+ 22 Pazuva rechitatu, Rabhani akaudzwa kuti Jakobho akanga atiza. 23 Saka akatora hama dzake, vakamutevera kwechinhambwe cherwendo rwemazuva manomwe, vakamubata ava munyika ine makomo yeGiriyedhi. 24 Mwari akabva auya kuna Rabhani muAramu+ kuhope usiku+ akati kwaari: “Ngwarira matauriro auchaita naJakobho.”*+

25 Saka Rabhani akasvika kuna Jakobho uyo akanga adzika tende rake mugomo uye Rabhani akanga adzika musasa nehama dzake munyika ine makomo yeGiriyedhi. 26 Rabhani akabva ati kuna Jakobho: “Ndicho chii chawaita ichi? Waitirei zvekundinzvenga uchitora vanasikana vangu sekunge vanhu vawatapa nebakatwa? 27 Waitirei zvekuverevedza uchindinzvenga usingandiudzi? Dai wakandiudza ndingadai ndakaonekana newe tichifara tichiimba, tichiridza tambureni nerudimbwa. 28 Asi hauna kundipa mukana wekutsvoda vazukuru* vangu nevanasikana vangu. Waita zvisina musoro. 29 Ndine simba rekukukuvadza, asi Mwari wababa vako akataura neni usiku hwapfuura, achiti, ‘Ngwarira matauriro auchaita naJakobho.’*+ 30 Zvino kana waenda nekuti wanga wasuwa imba yababa vako, wazobirei vanamwari vangu?”+

31 Jakobho akapindura Rabhani kuti: “Ndakatiza nekuti ndaitya, saka ndakafunga kuti, ‘Vangandibvutira vanasikana vavo.’ 32 Wamunowana aina vanamwari venyu, ngaaurayiwe. Nyatsotsvagai pazvinhu zvangu hama dzedu dzichiona, kana mawana zvinhu zvenyu mutore.” Asi Jakobho haana kuziva kuti Rakeri ndiye akanga aba zvidhori zvacho. 33 Saka Rabhani akapinda mutende raJakobho nemutende raReya nemutende revarandasikana vaviri,+ asi haana chaakawana. Akabva abuda mutende raReya akapinda mune raRakeri. 34 Rakeri akanga atora zvidhori zvacho,* akazviisa muchigaro chechikadzi chepangamera chakaita setswanda, akaramba akazvigarira. Saka Rabhani akatsvaga mutende rese, asi haana kuzviwana. 35 Rakeri akabva ati kuna baba vake: “Musanditsamwira zvenyu ishe wangu, nekuti handikwanisi kusimuka pamberi penyu, nekuti zvinogaroitika kuvakadzi zviri pandiri.”+ Saka Rabhani akaenderera mberi achinyatsotsvaga, asi haana kuwana zvidhori zvacho.+

36 Jakobho akabva atsamwa, akatanga kushora zvakanga zvaitwa naRabhani. Akati kuna Rabhani: “Mhosva yangu ndeyei uye ndakatadzei zvamanditevera muchimhanya kudai? 37 Zvino zvamatsvaga muzvinhu zvangu zvese, mawanei chekumba kwenyu? Chiisei apa pamberi pehama dzangu nedzenyu, vatonge pakati pedu tiri vaviri. 38 Mumakore ese 20 aya andanga ndiinemi, makwai enyu nembudzi dzenyu hazvina kumbosvodza,+ uye handina kumbodya makondohwe emakwai enyu. 39 Handina kumbokuunzirai chipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvemusango.+ Kana chaurayiwa ndini ndairipa. Maindiripisa pasinei nekuti chipfuwo chacho chakabiwa masikati kana kuti usiku. 40 Ndaipiswa nezuva masikati, ndichitonhorwa nechando usiku, uye ndaishaya hope.+ 41 Ndakaita makore 20 ndiri mumba menyu. Ndakakushandirai makore 14 kuti mundipe vanasikana venyu vaviri, uye makore 6 kuti muzondipa zvipfuwo zvenyu, asi mairamba muchichinja mubhadharo wangu kagumi.+ 42 Dai Mwari wababa vangu,+ Mwari waAbrahamu uye Mwari anotyiwa naIsaka,+ akanga asiri kurutivi rwangu, mungadai mandiendesa ndiri maoko. Mwari akaona kutambudzika kwangu nekufondoka kwandaiita, ndokusaka akakuyambirai usiku hwapfuura.”+

43 Rabhani akabva apindura Jakobho kuti: “Vanasikana vacho vanasikana vangu, vana vacho vana vangu, zvipfuwo zvacho zvipfuwo zvangu, uye zvinhu zvese zvawakatarisa ndezvangu nevanasikana vangu. Chii chandingaita kwavari nhasi kana kuti kuvana vavo vavakabereka? 44 Iye zvino chiuya tiite sungano, ini newe, ive chapupu pakati pangu newe.” 45 Saka Jakobho akatora dombo akarimisa kuti rive mucherechedzo.+ 46 Jakobho akabva ati kuhama dzake: “Nhongai matombo!” Vakatora matombo vakaaita murwi. Pashure paizvozvo vakadyira pamurwi wacho wematombo. 47 Rabhani akautumidza kuti Jegari-sahadhuta,* asi Jakobho akautumidza kuti Garidhi.*

48 Rabhani akabva ati: “Murwi uyu wematombo chapupu pakati pangu newe nhasi.” Ndokusaka wakatumidzwa kuti Garidhi,+ 49 uye Nharire,* nekuti akati: “Jehovha ngaarambe akatarisa pakati pangu newe patinenge tisingaonani. 50 Kana ukabata vanasikana vangu zvisina kunaka uye kana ukatanga kutora mamwe madzimai kuwedzera pavanasikana vangu, kunyange pasina munhu anenge achitiona, yeuka kuti Mwari ndiye achava chapupu pakati pangu newe.” 51 Rabhani akaenderera mberi achiti kuna Jakobho: “Murwi uyu wematombo nedombo iri remucherechedzo ndazvimisa pakati pangu newe. 52 Murwi uyu wematombo chapupu, uye dombo iri remucherechedzo rinopupurira+ kuti handizodariki murwi uyu wematombo kuti ndizokuitira zvakaipa uye kuti iwe hauzodariki murwi uyu wematombo kuti uzondiitira zvakaipa. 53 Mwari waAbrahamu+ uye Mwari waNahori, Mwari wababa vavo, ngaatonge pakati pedu.” Uye Jakobho akapika naMwari anotyiwa nababa vake Isaka.*+

54 Pashure paizvozvo Jakobho akapa chibayiro mugomo racho akati hama dzake dziuye kuzodya chingwa. Saka vakadya, vakarara mugomo racho. 55 Zvisinei, Rabhani akafumomuka akatsvoda vazukuru* vake+ nevanasikana vake, akavakomborera.+ Rabhani akabva asimuka akadzokera kumusha kwake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe