RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 35
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Jakobho anobvisa vanamwari vekune dzimwe nyika (1-4)

      • Jakobho anodzokera kuBheteri (5-15)

      • Kuberekwa kwaBhenjamini; kufa kwaRakeri (16-20)

      • Vanakomana 12 vaIsraeri (21-26)

      • Kufa kwaIsaka (27-29)

Genesisi 35:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:19; 31:13
  • +Ge 27:42-44

Genesisi 35:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:19; Dhe 5:7; Jos 23:7; 1VaK 10:14

Genesisi 35:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:13, 15; 31:42

Genesisi 35:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “akazviviga.”

Genesisi 35:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:19

Genesisi 35:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Mwari weBheteri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:20-22

Genesisi 35:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kureva kuti “Muoku Wekuchema.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 24:59

Genesisi 35:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:26; 27:36
  • +Ge 32:28

Genesisi 35:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “achabva muchiuno chako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 17:1; Eks 6:3; Zva 15:3
  • +Ge 48:3, 4
  • +Ge 17:5, 6; Joh 12:13

Genesisi 35:12

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “mbeu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 15:18; Dhe 34:4

Genesisi 35:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:18

Genesisi 35:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 28:19

Genesisi 35:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 30:22-24

Genesisi 35:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mweya wake pawakanga wava kubuda.”

  • *

    Kureva kuti “Mwanakomana Wekuchema Kwangu.”

  • *

    Kureva kuti “Mwanakomana Weruoko Rwerudyi.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 46:21; 49:27; Dhe 33:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    2/1/2009, p. 14

    7/15/2007, pp. 4-5

    4/1/1999, p. 16

    Chinoitika Patinofa, pp. 22-23

Genesisi 35:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 48:7; Mik 5:2; Mt 2:6

Genesisi 35:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    Chivakwa chinoshandiswa kuona zviri kure.

Genesisi 35:22

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:3, 4; 1Mak 5:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 16

Genesisi 35:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:3

Genesisi 35:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 31:17, 18
  • +Ge 15:13; VaH 11:9

Genesisi 35:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 25:20, 26

Genesisi 35:29

Mashoko Emuzasi

  • *

    Iri idimikira raishandiswa kureva rufu.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 49:30, 31

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 35:1Ge 28:19; 31:13
Gen. 35:1Ge 27:42-44
Gen. 35:2Ge 31:19; Dhe 5:7; Jos 23:7; 1VaK 10:14
Gen. 35:3Ge 28:13, 15; 31:42
Gen. 35:6Ge 28:19
Gen. 35:7Ge 28:20-22
Gen. 35:8Ge 24:59
Gen. 35:10Ge 25:26; 27:36
Gen. 35:10Ge 32:28
Gen. 35:11Ge 17:1; Eks 6:3; Zva 15:3
Gen. 35:11Ge 48:3, 4
Gen. 35:11Ge 17:5, 6; Joh 12:13
Gen. 35:12Ge 15:18; Dhe 34:4
Gen. 35:14Ge 28:18
Gen. 35:15Ge 28:19
Gen. 35:17Ge 30:22-24
Gen. 35:18Ge 46:21; 49:27; Dhe 33:12
Gen. 35:19Ge 48:7; Mik 5:2; Mt 2:6
Gen. 35:22Ge 49:3, 4; 1Mak 5:1
Gen. 35:23Ge 49:3
Gen. 35:27Ge 31:17, 18
Gen. 35:27Ge 15:13; VaH 11:9
Gen. 35:28Ge 25:20, 26
Gen. 35:29Ge 49:30, 31
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 35:1-29

Genesisi

35 Pashure paizvozvo Mwari akati kuna Jakobho: “Simuka uende kuBheteri+ ugare ikoko, ugadzirire Mwari wechokwadi atari ikoko, iye akazviratidza kwauri pawakanga uchitiza Isau mukoma wako.”+

2 Jakobho akabva ati kumhuri yake nekuvanhu vese vaaiva navo: “Rasai vanamwari vekune dzimwe nyika vari pakati penyu,+ muzvichenese uye muchinje zvipfeko zvenyu, 3 uye ngatisimukei tiende kuBheteri. Ikoko ndichanogadzirira Mwari wechokwadi atari, uyo akandipindura pazuva rekutambudzika kwangu uye anga aineni kwese kwandanga ndichienda.”+ 4 Saka vakapa Jakobho vanamwari vese vekune dzimwe nyika vavaiva navo nemhete dzaiva panzeve dzavo, uye Jakobho akazvicherera* pasi pemuti mukuru wakanga uri pedyo neShekemu.

5 Pavakapinda munzira, Mwari akaita kuti vanhu vemaguta akanga akavapoteredza vabatwe nekutya, saka havana kudzingirira vanakomana vaJakobho. 6 Jakobho akazosvika kuRuzi,+ kureva Bheteri, munyika yeKenani, iye nevanhu vese vaakanga ainavo. 7 Akavaka atari ipapo, akatumidza nzvimbo yacho kuti Eri-bheteri,* nekuti Mwari wechokwadi akanga azviratidza kwaari ipapo paaitiza mukoma wake.+ 8 Dhibhora,+ mureri waRibheka akazofa akavigwa pedyo neBheteri pasi pemuoku. Saka akatumidza muti wacho kuti Aroni-bhakuti.*

9 Mwari akazviratidzazve kuna Jakobho achibva kuPadhani-aramu, akamukomborera. 10 Mwari akati kwaari: “Unonzi Jakobho.+ Hauchanzizve Jakobho, asi uchanzi Israeri.” Uye akatanga kumushevedza kuti Israeri.+ 11 Mwari akatizve kwaari: “Ndini Mwari Wemasimbaose.+ Bereka uwande. Uchava baba vemarudzi akawanda,+ uye madzimambo achabva kwauri.*+ 12 Ndichakupa nyika yandakapa Abrahamu naIsaka, uye ndichapa vana* vako vachauya mumashure mako nyika yacho.”+ 13 Mwari akabva akwira achibva panzvimbo yaakanga ataura naye.

14 Saka Jakobho akamisa mucherechedzo wedombo panzvimbo iya yaakanga ataura naye, akadurura mupiro wezvinwiwa pauri uye akadurura mafuta pauri.+ 15 Jakobho akaramba achishevedza nzvimbo iyo Mwari akanga ataura naye kuti Bheteri.+

16 Vakazotama paBheteri. Pasara chinhambwe chakati rebei kuti vasvike kuEfrati, Rakeri akatanga kusununguka, uye marwadzo ekusununguka kwacho akanga akanyanya. 17 Asi paairwadziwa kudaro achisununguka mwana, nyamukuta akati kwaari: “Usatya, nekuti uchava nemumwe mwanakomana.”+ 18 Upenyu hwake pahwakanga hwava kuparara* (nekuti akanga ava kufa), akamutumidza kuti Bheni-oni,* asi baba vake vakamutumidza kuti Bhenjamini.*+ 19 Saka Rakeri akafa, akavigwa panzira inoenda kuEfrati, kureva Bhetrehema.+ 20 Jakobho akamisa dombo paguva rake; nanhasi iri ndiro dombo reguva raRakeri.

21 Israeri akazotama ipapo, akadzika tende rake ati pfuurei zvishoma nharire* yeEdheri. 22 Israeri paakanga achigara munyika iyoyo, mumwe musi Rubheni akanorara naBhiriha, murongo* wababa vake, uye Israeri akazvinzwa.+

Jakobho aiva nevanakomana 12. 23 Vanakomana vaakabereka naReya vaiva Rubheni dangwe rake,+ kwouya Simiyoni, Revhi, Judha, Isakari, naZebhuroni. 24 Vanakomana vaakabereka naRakeri vaiva Josefa naBhenjamini. 25 Uye vanakomana vaakabereka naBhiriha, muranda waRakeri, vaiva Dhani naNaftari. 26 Uye vanakomana vaakabereka naZiripa, muranda waReya, vaiva Gadhi naAsheri. Ava ndivo vanakomana vaJakobho vakaberekerwa muPadhani-aramu.

27 Jakobho akazosvika kuna baba vake Isaka kuMamre,+ iri kuKiriyati-abha, kureva Hebroni, kwakambogarwa naAbrahamu kukazogarwawo naIsaka vari vatorwa.+ 28 Isaka akararama makore 180.+ 29 Isaka akazofema kekupedzisira akafa, akaiswa kwakaiswa vanhu vekwake,* akwegura uye agutsikana neupenyu; uye vanakomana vake Isau naJakobho vakamuviga.+

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe