RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Genesisi 7
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raGenesisi

      • Kupinda muareka (1-10)

      • Mafashamo enyika yese (11-24)

Genesisi 7:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 6:9; VaH 10:38; 11:7; 1Pe 3:12; 2Pe 2:5, 9

Genesisi 7:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “pamhuka dzese dzakachena, hono nomwe nehadzi dzacho nomwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:20

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 31

    1/1/2004, p. 29

Genesisi 7:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Dzimwe shanduro dzinoti, “pazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga, zvikono zvinomwe nezvikadzi zvacho zvinomwe.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 7:23; 8:19

Genesisi 7:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:5
  • +Ge 7:11, 12
  • +Ge 6:7, 17

Genesisi 7:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:13

Genesisi 7:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ru 17:27; VaH 11:7

Genesisi 7:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 6:19, 20

Genesisi 7:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/2013, pp. 14-15

    Tevedzera, pp. 22-23

Genesisi 7:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 1:7; 8:2

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Shanduro yeNyika Itsva, p. 1933

    Nharireyomurindi,

    1/1/2004, pp. 29-30

    Shoko raMwari, p. 110

Genesisi 7:12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2013, p. 12

Genesisi 7:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:18; 1Mak 1:4
  • +Ge 6:18; 1Pe 3:20; 2Pe 2:5

Genesisi 7:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “zvine mhepo yekufema yeupenyu.”

Genesisi 7:17

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/2013, pp. 13-14

Genesisi 7:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Pe 3:5, 6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Kupukunyuka, pp. 47-48

Genesisi 7:20

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kubhiti rakanga rakaenzana nemasendimita 44,5. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    “Rugwaro Rwose,” p. 15

Genesisi 7:21

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “nyama yese.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 6:7, 17
  • +Ru 17:27

Genesisi 7:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 2:7; 7:15; Mup 3:19; Isa 42:5

Genesisi 7:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 6:7; 2Pe 3:5, 6
  • +Mt 24:37-39; 1Pe 3:20; 2Pe 2:5, 9

Genesisi 7:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 8:3

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Gen. 7:1Ge 6:9; VaH 10:38; 11:7; 1Pe 3:12; 2Pe 2:5, 9
Gen. 7:2Ge 8:20
Gen. 7:3Ge 7:23; 8:19
Gen. 7:4Ge 2:5
Gen. 7:4Ge 7:11, 12
Gen. 7:4Ge 6:7, 17
Gen. 7:6Ge 8:13
Gen. 7:7Ru 17:27; VaH 11:7
Gen. 7:8Ge 6:19, 20
Gen. 7:11Ge 1:7; 8:2
Gen. 7:13Ge 9:18; 1Mak 1:4
Gen. 7:13Ge 6:18; 1Pe 3:20; 2Pe 2:5
Gen. 7:192Pe 3:5, 6
Gen. 7:21Ge 6:7, 17
Gen. 7:21Ru 17:27
Gen. 7:22Ge 2:7; 7:15; Mup 3:19; Isa 42:5
Gen. 7:23Ge 6:7; 2Pe 3:5, 6
Gen. 7:23Mt 24:37-39; 1Pe 3:20; 2Pe 2:5, 9
Gen. 7:24Ge 8:3
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Genesisi 7:1-24

Genesisi

7 Pashure paizvozvo Jehovha akati kuna Noa: “Pinda muareka, iwe nemhuri yako yese, nekuti ndiwe wandaona kuti wakarurama pakati pechizvarwa ichi.+ 2 Pamhuka dzese dzakachena, unofanira kupinda nenomwe,*+ hono nehadzi; uye pamhuka dzese dzisina kuchena, mbiri chete, hono nehadzi yayo; 3 uyewo pazvisikwa zvinobhururuka zvekudenga unofanira kupinda nezvinomwe, zvikono nezvikadzi,* kuti uchengetedze rudzi rwazvo ruri rupenyu panyika yese.+ 4 Nekuti kwangosara mazuva manomwe chete kuti ndinayise mvura+ panyika kwemazuva 40 neusiku 40,+ uye ndichaparadza panyika zvinhu zvese zvipenyu zvandakasika.”+ 5 Noa akabva aita zvese zvaakanga arayirwa naJehovha.

6 Noa akanga ava nemakore 600 pakauya mafashamo panyika.+ 7 Saka Noa, nevanakomana vake, nemudzimai wake, nemadzimai evanakomana vake, vakapinda muareka mafashamo asati auya.+ 8 Pamhuka dzese dzakachena, nepamhuka dzese dzisina kuchena, nepazvisikwa zvinobhururuka, nepazvese zvinofamba panyika,+ 9 pakapinda zviviri zviviri muareka maiva naNoa, chikono nechikadzi, sezvakanga zvarayirwa Noa naMwari. 10 Uye pashure pemazuva manomwe mafashamo akabva atanga panyika.

11 Mugore rakasvitsa Noa makore 600, mumwedzi wechipiri, pazuva rechi17 remwedzi iwoyo, zvitubu zvese zvikuru zvemvura yakadzika zvakavhurika uye magedhi emvura ekudenga akavhurwa.+ 12 Uye mvura yakatsvotsvoma panyika kwemazuva 40 neusiku 40. 13 Pazuva iroro chairo, Noa akapinda muareka nevanakomana vake, Shemu, Hamu, naJafeti,+ nemudzimai wake, nemadzimai matatu evanakomana vake.+ 14 Vakapinda nemhuka dzese dzemusango maererano nemarudzi adzo, nezvipfuwo zvese maererano nemarudzi azvo, nezvinokambaira zvese zvepanyika maererano nemarudzi azvo, nezvisikwa zvese zvinobhururuka maererano nemarudzi azvo, shiri dzese, zvisikwa zvese zvine mapapiro. 15 Zvisikwa zvemarudzi ese zvine upenyu* zvakaramba zvichipinda muareka maiva naNoa, zviri zviviri zviviri. 16 Saka zvisikwa zvemarudzi ese zvakapinda, chikono nechikadzi, sezvaakanga arayirwa naMwari. Pashure paizvozvo Jehovha akavhara suo.

17 Mvura yemafashamo yakaramba ichinaya panyika kwemazuva 40, uye yakaramba ichiwedzera, ikatanga kutakura areka, ikaisimudza pamusorosoro penyika. 18 Mvura yakawanda kwazvo uye yakaramba ichiwedzera zvikuru panyika, asi areka yaingoyangarara pamusoro pemvura. 19 Mvura yakawanda kwazvo panyika zvekuti makomo ese marefu ari pasi pedenga akafukidzwa.+ 20 Mvura yakafukidza makomo zvekuapfuura nemakubhiti* 15.

21 Saka zvisikwa zvese* zvipenyu zvaifamba panyika zvakafa,+ zvisikwa zvinobhururuka, zvipfuwo, mhuka dzemusango, tupukanana tunofamba twakawanda, uye vanhu vese.+ 22 Zvese zvaiva panyika yakaoma zvaiva nemweya wekufema weupenyu mumhino dzazvo, zvakafa.+ 23 Saka akaparadza zvipenyu zvese zvaiva panyika, kusanganisira vanhu, mhuka, mhuka dzinokambaira, uye zvisikwa zvinobhururuka zvekudenga. Zvese zvakaparadzwa panyika;+ Noa chete nevaaiva navo muareka ndivo vakapona.+ 24 Uye mvura yakaramba yakafukidza nyika kwemazuva 150.+

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe