RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 1 Madzimambo 2
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra1 Madzimambo

      • Dhavhidhi anorayira Soromoni (1-9)

      • Dhavhidhi anofa; Soromoni anogara pachigaro (10-12)

      • Kupanduka kwaAdhonija kunomuurayisa (13-25)

      • Abhiyatari anodzingwa; Joabhi anourayiwa (26-35)

      • Shimei anourayiwa (36-46)

1 Madzimambo 2:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Ndava kuenda nenzira yenyika yese.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 31:6; Jos 1:6; 1Mak 28:20
  • +1Mad 3:7

1 Madzimambo 2:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “uchaita nekuchenjera.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 17:18-20; Mup 12:13

1 Madzimambo 2:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 6:5; 2Mad 20:3; 23:3; 2Mak 17:3; Mt 22:37
  • +2Sa 7:12, 16; 1Mad 8:25; 1Mak 17:11; Pis 132:11, 12

1 Madzimambo 2:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 3:27, 30
  • +2Sa 17:25; 20:10; 1Mak 2:17
  • +Nu 35:33; 2Sa 3:28

1 Madzimambo 2:6

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 3:29; 1Mad 2:31-34

1 Madzimambo 2:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 19:31
  • +2Sa 17:27-29
  • +2Sa 15:14

1 Madzimambo 2:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 16:5-7
  • +2Sa 17:24
  • +2Sa 19:23

1 Madzimambo 2:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muSheori.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.

  • *

    ChiHeb., “unofanira kupinza bvudzi rake jena muGuva neropa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 22:28
  • +1Mad 2:44, 46

1 Madzimambo 2:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 5:7; 1Mak 11:7; 29:26, 27; Mab 2:29

1 Madzimambo 2:11

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 12:23
  • +2Sa 5:4, 5

1 Madzimambo 2:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 7:8, 12; 1Mak 29:23; 2Mak 1:1; Pis 89:36, 37; 132:12

1 Madzimambo 2:15

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “vakanga vaisa zviso zvavo pandiri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 1:5, 25
  • +1Mak 22:9

1 Madzimambo 2:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 1:1, 3

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    7/1/2005, p. 29

1 Madzimambo 2:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 16:21
  • +1Mak 3:1, 2, 5
  • +2Sa 8:16
  • +1Mad 1:7

1 Madzimambo 2:23

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nemweya wake.”

1 Madzimambo 2:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “dzinza remadzimambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 22:9, 10
  • +2Sa 7:11; 1Mak 17:10
  • +1Mad 1:51, 52

1 Madzimambo 2:25

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 8:18; 1Mad 1:8; 1Mak 27:5

1 Madzimambo 2:26

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 22:20; 1Mad 1:7
  • +Jos 21:8, 18; Jer 1:1
  • +1Sa 23:6; 2Sa 15:24; 1Mak 15:11, 12
  • +1Sa 22:22, 23

1 Madzimambo 2:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 18:1
  • +1Sa 2:31; 3:12

1 Madzimambo 2:28

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 1:7
  • +2Sa 18:14
  • +1Mak 21:29

1 Madzimambo 2:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 9:6; Eks 21:14; Nu 35:33; Dhe 19:13; 1Mad 2:5

1 Madzimambo 2:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 3:26, 27
  • +2Sa 2:8
  • +2Sa 20:10
  • +2Sa 17:25

1 Madzimambo 2:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nezvizvarwa zvake.”

  • *

    Kana kuti “nekuzvizvarwa zvake.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 3:29

1 Madzimambo 2:35

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mak 11:24; 27:5
  • +1Sa 2:35; 1Mak 6:50, 53; 12:28; 16:37, 39; 24:3

1 Madzimambo 2:36

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 2:8

1 Madzimambo 2:37

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “Ropa rako richava pamusoro wako.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 15:23; 2Mad 23:6; Joh 18:1

1 Madzimambo 2:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Sa 21:10; 27:2

1 Madzimambo 2:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 2:38

1 Madzimambo 2:44

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 16:5, 13
  • +Pis 7:16; Zvi 5:22

1 Madzimambo 2:45

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 21:6; 72:17

1 Madzimambo 2:46

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 2:8, 9
  • +2Mak 1:1; Zvi 16:12

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

1 Madz. 2:2Dhe 31:6; Jos 1:6; 1Mak 28:20
1 Madz. 2:21Mad 3:7
1 Madz. 2:3Dhe 17:18-20; Mup 12:13
1 Madz. 2:4Dhe 6:5; 2Mad 20:3; 23:3; 2Mak 17:3; Mt 22:37
1 Madz. 2:42Sa 7:12, 16; 1Mad 8:25; 1Mak 17:11; Pis 132:11, 12
1 Madz. 2:52Sa 3:27, 30
1 Madz. 2:52Sa 17:25; 20:10; 1Mak 2:17
1 Madz. 2:5Nu 35:33; 2Sa 3:28
1 Madz. 2:62Sa 3:29; 1Mad 2:31-34
1 Madz. 2:72Sa 19:31
1 Madz. 2:72Sa 17:27-29
1 Madz. 2:72Sa 15:14
1 Madz. 2:82Sa 16:5-7
1 Madz. 2:82Sa 17:24
1 Madz. 2:82Sa 19:23
1 Madz. 2:9Eks 22:28
1 Madz. 2:91Mad 2:44, 46
1 Madz. 2:102Sa 5:7; 1Mak 11:7; 29:26, 27; Mab 2:29
1 Madz. 2:111Mak 12:23
1 Madz. 2:112Sa 5:4, 5
1 Madz. 2:122Sa 7:8, 12; 1Mak 29:23; 2Mak 1:1; Pis 89:36, 37; 132:12
1 Madz. 2:151Mad 1:5, 25
1 Madz. 2:151Mak 22:9
1 Madz. 2:171Mad 1:1, 3
1 Madz. 2:222Sa 16:21
1 Madz. 2:221Mak 3:1, 2, 5
1 Madz. 2:222Sa 8:16
1 Madz. 2:221Mad 1:7
1 Madz. 2:241Mak 22:9, 10
1 Madz. 2:242Sa 7:11; 1Mak 17:10
1 Madz. 2:241Mad 1:51, 52
1 Madz. 2:252Sa 8:18; 1Mad 1:8; 1Mak 27:5
1 Madz. 2:261Sa 22:20; 1Mad 1:7
1 Madz. 2:26Jos 21:8, 18; Jer 1:1
1 Madz. 2:261Sa 23:6; 2Sa 15:24; 1Mak 15:11, 12
1 Madz. 2:261Sa 22:22, 23
1 Madz. 2:27Jos 18:1
1 Madz. 2:271Sa 2:31; 3:12
1 Madz. 2:281Mad 1:7
1 Madz. 2:282Sa 18:14
1 Madz. 2:281Mak 21:29
1 Madz. 2:31Ge 9:6; Eks 21:14; Nu 35:33; Dhe 19:13; 1Mad 2:5
1 Madz. 2:322Sa 3:26, 27
1 Madz. 2:322Sa 2:8
1 Madz. 2:322Sa 20:10
1 Madz. 2:322Sa 17:25
1 Madz. 2:332Sa 3:29
1 Madz. 2:351Mak 11:24; 27:5
1 Madz. 2:351Sa 2:35; 1Mak 6:50, 53; 12:28; 16:37, 39; 24:3
1 Madz. 2:361Mad 2:8
1 Madz. 2:372Sa 15:23; 2Mad 23:6; Joh 18:1
1 Madz. 2:391Sa 21:10; 27:2
1 Madz. 2:421Mad 2:38
1 Madz. 2:442Sa 16:5, 13
1 Madz. 2:44Pis 7:16; Zvi 5:22
1 Madz. 2:45Pis 21:6; 72:17
1 Madz. 2:461Mad 2:8, 9
1 Madz. 2:462Mak 1:1; Zvi 16:12
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
  • 45
  • 46
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
1 Madzimambo 2:1-46

Bhuku Rekutanga reMadzimambo

2 Nguva yekufa kwaDhavhidhi payakanga yaswedera, akarayira mwanakomana wake Soromoni achiti: 2 “Ndava pedyo nekufa.* Saka simba,+ uratidze kuti uri murume.+ 3 Unofanira kuchengeta zvaunonzi uitire Jehovha Mwari wako kuburikidza nekufamba munzira dzake nekuchengeta mirau yake, mirayiro yake, zvaakatonga, nezviyeuchidzo zvake sekunyorwa kwazvakaitwa muMutemo waMozisi;+ kana ukadaro uchabudirira* pane zvese zvaunoita uye kwese kwaunoenda. 4 Uye Jehovha achaita zvaakavimbisa pamusoro pangu achiti: ‘Kana vanakomana vako vakachenjerera nzira yavo nekufamba pamberi pangu vakatendeka nemwoyo yavo yese, nemweya* yavo yese,+ hapazomboshayikwi murume wedzinza rako anogara pachigaro cheumambo chaIsraeri.’+

5 “Iwe unonyatsozivawo zvandakaitirwa naJoabhi mwanakomana waZeruya, zvaakaitira vakuru vaviri vemauto aIsraeri, Abhineri+ mwanakomana waNeri naAmasa+ mwanakomana waJeteri. Akavauraya, akadeura ropa+ iyo isiri nguva yehondo, uye akaisa ropa rehondo pabhandi raiva muchiuno chake nepashangu dzaiva mutsoka dzake. 6 Ita maererano neuchenjeri hwako uye usarega bvudzi rake jena richipinda muGuva*+ murugare.

7 “Asi uratidze rudo rusingachinji kuvanakomana vaBhazirai+ muGiriyedhi, uye vanofanira kuva pakati pevaya vanodya patafura yako, nekuti vakamira neni+ pandakatiza mukoma wako Absaromu.+

8 “Panawo Shimei mwanakomana waGera muBhenjamini wekuBhahurimu. Ndiye akandituka zvinorwadza+ pazuva randakanga ndichienda kuMahanaimu;+ asi paakadzika kuzosangana neni kuJodhani, ndakamupikira naJehovha, ndichiti: ‘Handizokuurayi nebakatwa.’+ 9 Iwe usamurega asina kurangwa,+ nekuti uri murume akachenjera uye unoziva zvaunofanira kumuitira; haufaniri kumurega achipinda muGuva* nekungozvifira ega nekukwegura.”*+

10 Dhavhidhi akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, uye akavigwa muGuta raDhavhidhi.+ 11 Dhavhidhi akatonga Israeri kwemakore 40. MuHebroni+ akatonga kwemakore 7, uye muJerusarema akatonga kwemakore 33.+

12 Soromoni akabva agara pachigaro cheumambo chababa vake Dhavhidhi, uye zvishoma nezvishoma umambo hwake hwakasimbiswa.+

13 Nekufamba kwenguva, Adhonija mwanakomana waHagiti akauya kuna Bhati-shebha, amai vaSoromoni. Vakamubvunza kuti: “Kwakanaka here?” Akapindura kuti: “Kwakanaka.” 14 Akabva ati: “Ndine zvandiri kuda kukuudzai.” Saka vakati: “Taura hako.” 15 Iye akati: “Imi munonyatsoziva kuti umambo hwaifanira kuva hwangu, uye vaIsraeri vese vaitarisira* kuti ndive mambo;+ zvisinei umambo hahuna kuzova hwangu asi hwakaenda kumunin’ina wangu, nekuti Jehovha ndiye akaita kuti huve hwake.+ 16 Asi ndinongova nechikumbiro chimwe chete kwamuri. Musandirambira.” Saka vakati kwaari: “Taura hako.” 17 Iye akabva ati: “Ndapota, kumbirai Mambo Soromoni kuti andipe Abhishagi+ muShunemi kuti ave mudzimai wangu; nekuti haazokurambirii.” 18 Bhati-shebha akabva ati: “Zvakanaka! Ndichanotaura zvawakumbira kuna mambo.”

19 Saka Bhati-shebha akapinda maiva naMambo Soromoni kuti anotaura naye nyaya yaAdhonija. Mambo akasimuka kuti achingure amai vake, akakotama pamberi pavo. Akabva agara pachigaro chake cheumambo akaita kuti amai vamambo vaisirwe chigaro cheumambo, kuti vagare kurudyi rwake. 20 Vakabva vati: “Ndine chikumbiro chidiki kwauri. Usandirambira.” Saka mambo akati kwavari: “Kumbirai henyu, amai vangu; nekuti handizokurambirii.” 21 Ivo vakati: “Adhonija mukoma wako ngaapiwe Abhishagi muShunemi kuti ave mudzimai wake.” 22 Mambo Soromoni akapindura amai vake achiti: “Nei muri kukumbira kuti Adhonija apiwe Abhishagi muShunemi? Chibvai mamukumbirirawo neumambo hwacho+ nekuti mukoma wangu,+ uye ari kutsigirwa nemupristi Abhiyatari naJoabhi+ mwanakomana waZeruya.”+

23 Mambo Soromoni akabva apika naJehovha achiti: “Mwari ngaandirange zvinorwadza kwazvo kana zvakumbirwa naAdhonija zvikasaita kuti arasikirwe neupenyu hwake.* 24 NaJehovha mupenyu uyo akandigadza+ pachigaro cheumambo chababa vangu Dhavhidhi, akasimbisa utongi hwangu uye akandivakira imba*+ sezvaakavimbisa, nhasi Adhonija anofanira kuurayiwa.”+ 25 Mambo Soromoni akabva angotuma Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha, uyo akabva aenda kunorwisa Adhonija akamuuraya.

26 Kumupristi Abhiyatari,+ mambo akati: “Enda kunharaunda yako kuAnatoti!+ Wanga uchifanira kufa, asi nhasi handisi kukuuraya nekuti wakatakura Areka yaChangamire Ishe Jehovha pamberi pababa vangu Dhavhidhi,+ uye nekuti waiva nababa vangu pakutambudzika kwavo kwese.”+ 27 Saka Soromoni akadzinga Abhiyatari pakushumira semupristi waJehovha, kuti azadzise shoko raJehovha raakataura muShiro+ pamusoro peimba yaEri.+

28 Shoko racho parakasvika kuna Joabhi, uyo akanga atsigira Adhonija+ asi asina kutsigira Absaromu,+ Joabhi akatizira kutende raJehovha,+ akabata nyanga dzeatari. 29 Mambo Soromoni akabva audzwa kuti: “Joabhi atizira kutende raJehovha, uye ari pedyo neatari.” Saka Soromoni akatuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, achiti: “Enda unomuuraya!” 30 Saka Bhenaya akaenda kutende raJehovha akati kwaari: “Zvanzi namambo, ‘Buda imomo!’” Asi iye akati: “Hazviiti! Ndichafira muno.” Bhenaya akadzoka neshoko kuna mambo achiti: “Izvi ndizvo zvataurwa naJoabhi, uye izvi ndizvo zvaandipindura.” 31 Mambo akabva ati kwaari: “Ita sezvaataura; muuraye umuvige, kuti ubvise pandiri nepaimba yababa vangu ropa rakadeurwa naJoabhi pasina chikonzero.+ 32 Jehovha achamutsiva mhosva yake yekudeura ropa, nekuti baba vangu Dhavhidhi vasingazivi, akarwisa varume vaviri vakarurama uye vakanaka kumupfuura akavauraya nebakatwa, vanoti: Abhineri+ mwanakomana waNeri, mukuru weuto raIsraeri,+ naAmasa+ mwanakomana waJeteri, mukuru weuto raJudha.+ 33 Mhosva yekufa kwavo ichauya pana Joabhi nepavana vake* nekusingaperi;+ asi kuna Dhavhidhi nekuvana vake* nekuimba yake nekuchigaro chake cheumambo ngakuve nerugare runobva kuna Jehovha nekusingaperi.” 34 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akabva aenda akarwisa Joabhi akamuuraya, uye akavigwa pamba pake murenje. 35 Mambo akabva agadza Bhenaya+ mwanakomana waJehoyadha kuti atungamirire uto panzvimbo paJoabhi, uye mambo akagadza mupristi Zadhoki+ panzvimbo yaAbhiyatari.

36 Mambo akabva ashevedza Shimei,+ akati kwaari: “Vaka imba muJerusarema, ugare imomo; usabuda uchienda kune imwe nzvimbo. 37 Pazuva raunobuda woyambuka Bani reKidroni,+ ziva kuti uchafa. Inenge iri mhosva yako.”* 38 Shimei akapindura mambo achiti: “Zvamataura zvakanaka. Muranda wenyu achaita sezvataurwa nashe wangu mambo.” Saka Shimei akaramba ari muJerusarema kwemazuva akawanda.

39 Asi pakapera makore matatu, varanda vaviri vaShimei vakatiza vakaenda kuna Akishi+ mwanakomana waMaaka mambo weGati. Shimei paakaudzwa kuti: “Varanda vako vari kuGati,” 40 Shimei akabva aisa chigaro padhongi rake, akaenda kunoona Akishi kuGati achitsvaga varanda vake. Shimei paakadzoka kubva kuGati nevaranda vake, 41 Soromoni akaudzwa kuti: “Shimei abuda muJerusarema akaenda kuGati uye adzoka.” 42 Mambo akabva ashevedza Shimei akati kwaari: “Handina here kuita kuti upike naJehovha ndikakuyambira kuti: ‘Pazuva raunobuda muno uchienda kune imwe nzvimbo, ziva kuti uchafa’? Uye hauna here kuti kwandiri, ‘Zvamuri kutaura zvakanaka; ndichateerera’?+ 43 Saka nei usina kuchengeta mhiko yaJehovha uye murayiro wandakakupa?” 44 Mambo akabva ati kuna Shimei: “Mumwoyo mako unoziva zvakaipa zvese zvawakaitira baba vangu Dhavhidhi;+ Jehovha achadzorera zvakaipa izvozvo pamusoro wako.+ 45 Asi Mambo Soromoni achakomborerwa,+ uye chigaro chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha nekusingaperi.” 46 Mambo akabva arayira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, uyo akabva abuda akamurwisa, akamuuraya.+

Saka umambo hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni.+

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe