RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • 2 Makoronike 14
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku ra2 Makoronike

      • Kufa kwaAbhija (1)

      • Asa, mambo weJudha (2-8)

      • Asa anokunda vaItiopiya 1 000 000 (9-15)

2 Makoronike 14:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Sa 5:9

2 Makoronike 14:3

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 7:5
  • +Eks 23:24
  • +1Mad 14:22, 23; 2Mad 18:1, 4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    6/15/2009, p. 12

2 Makoronike 14:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 34:1, 4

2 Makoronike 14:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 11:5
  • +2Mak 15:15; Zvi 16:7

2 Makoronike 14:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “masuo ane madhoo maviri.”

  • *

    Zariro ibango kana kuti simbi yaishandiswa sechihuri.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 32:2, 5
  • +Pis 127:1

2 Makoronike 14:8

Mashoko Emuzasi

  • *

    Nhoo iyi yaiwanzotakurwa nevanopfura neuta.

  • *

    ChiHeb., “vachikombamisa uta.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 11:1, 12; 13:3

2 Makoronike 14:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 16:8
  • +Jos 15:20, 44; 2Mak 11:5, 8

2 Makoronike 14:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “tinotsamira pamuri.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 14:10; 1Mak 5:20; 2Mak 32:20
  • +Vat 7:7; 1Sa 14:6
  • +2Mak 13:12; 32:7, 8
  • +1Sa 17:45; Pis 20:5; Zvi 18:10
  • +Jos 7:9; Pis 9:19

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2012, map. 8-9

2 Makoronike 14:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:7

2 Makoronike 14:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 20:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

2 Mak. 14:12Sa 5:9
2 Mak. 14:3Dhe 7:5
2 Mak. 14:3Eks 23:24
2 Mak. 14:31Mad 14:22, 23; 2Mad 18:1, 4
2 Mak. 14:52Mak 34:1, 4
2 Mak. 14:62Mak 11:5
2 Mak. 14:62Mak 15:15; Zvi 16:7
2 Mak. 14:72Mak 32:2, 5
2 Mak. 14:7Pis 127:1
2 Mak. 14:82Mak 11:1, 12; 13:3
2 Mak. 14:92Mak 16:8
2 Mak. 14:9Jos 15:20, 44; 2Mak 11:5, 8
2 Mak. 14:11Eks 14:10; 1Mak 5:20; 2Mak 32:20
2 Mak. 14:11Vat 7:7; 1Sa 14:6
2 Mak. 14:112Mak 13:12; 32:7, 8
2 Mak. 14:111Sa 17:45; Pis 20:5; Zvi 18:10
2 Mak. 14:11Jos 7:9; Pis 9:19
2 Mak. 14:12Dhe 28:7
2 Mak. 14:13Ge 20:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
2 Makoronike 14:1-15

Bhuku Rechipiri reMakoronike

14 Abhija akabva aradzikwa pamwe chete nemadzitateguru ake, vakamuviga muGuta raDhavhidhi,+ uye mwanakomana wake Asa akava mambo panzvimbo yake. Mumazuva ake nyika yakava nerunyararo kwemakore gumi.

2 Asa akaita zvakanaka uye zvakarurama pamberi paJehovha Mwari wake. 3 Akabvisa atari+ dzavanamwari vekune dzimwe nyika nenzvimbo dzakakwirira, akaputsa shongwe dzinoyera,+ uye akatema mapango anoyera.*+ 4 Akaudzawo vaJudha kuti vatsvage Jehovha Mwari wemadzitateguru avo uye kuti vachengete Mutemo nemurayiro. 5 Saka akabvisa nzvimbo dzakakwirira nezvigadziko zvekupisira rusenzi+ mumaguta ese eJudha, uye paaitonga hapana chainetsa muumambo hwacho. 6 Akavaka maguta akakomberedzwa nemasvingo muJudha,+ sezvo munyika makanga musina chainetsa uye pasina akamurwisa mumakore aya, nekuti Jehovha akamupa zororo.+ 7 Akati kuvaJudha: “Ngativakei maguta aya tiakomberedze nemasvingo neshongwe,+ magedhi* nemazariro.* Nyika ichiri mumaoko medu, nekuti takatsvaga Jehovha Mwari wedu. Takamutsvaga, uye akatipa zororo kumativi ese.” Saka vakavaka vakabudirira.+

8 Asa aiva neuto revarume 300 000 vekwaJudha vaiva nenhoo huru nemapfumo. KwaBhenjamini kwakabva varwi vaiva nesimba 280 000 vaiva nenhoo diki* neuta.*+

9 Gare gare Zera muItiopiya akauya kuzovarwisa aine uto revarume 1 000 000 nengoro 300.+ Paakasvika kuMarisha,+ 10 Asa akabuda kuti anorwa naye, uye vakaronga mauto avo muBani reZefata kuMarisha. 11 Asa akabva ashevedzera kuna Jehovha Mwari wake,+ akati: “Haiwa Jehovha, hazvina basa kwamuri kuti vamuri kubatsira vakawanda here kana kuti havana simba.+ Haiwa Jehovha Mwari wedu, tibatsirei, nekuti tinovimba nemi,*+ uye tauya kuzorwa neboka revanhu ava muzita renyu.+ Haiwa Jehovha, ndimi Mwari wedu. Musarega munhu achikukundai.”+

12 Saka Jehovha akakunda vaItiopiya pamberi paAsa nevaJudha, uye vaItiopiya vakatiza.+ 13 Asa nevanhu vaaiva navo vakavatevera kusvika kuGerari,+ uye vaItiopiya vakaramba vachiurayiwa kusvikira pasisina kana mumwe chete wavo akasara ari mupenyu, nekuti vakaparadzwa naJehovha neuto rake. Pashure paizvozvo vakatakura zvinhu zvizhinji kwazvo zvavakanga vapamba. 14 Vakaparadzawo maguta ese akanga akapoteredza Gerari, nekuti akanga ava kutya Jehovha zvikuru; uye vakapamba maguta acho ese, nekuti maari maiva nezvakawanda zvekupamba. 15 Vakarwisawo vafudzi vaiva mumatende, uye vakatora zvipfuwo zvakawanda nengamera, vachibva vadzokera kuJerusarema.

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2022 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe