Rwiyo rwekuonga.
100 Shevedzerai kuna Jehovha muchipembera, imi nyika yese.+
2 Shumirai Jehovha muchifara.+
Uyai pamberi pake muchishevedzera nemufaro.
3 Zivai kuti Jehovha ndiMwari.+
Ndiye akatisika, uye tiri vake.+
Tiri vanhu vake nemakwai emafuro ake.+
4 Pindai pamagedhi ake muchionga,+
Pindai muzvivanze zvake muchirumbidza.+
Muongei; rumbidzai zita rake.+
5 Nekuti Jehovha akanaka;+
Rudo rwake rusingachinji runogara nekusingaperi,
Uye kutendeka kwake kunogara kwezvizvarwa zvese.+