Mapisarema
Rwiyo Rwekukwidza.
132 Haiwa Jehovha, yeukai Dhavhidhi
Nekutambura kwake kwese;+
2 Kupika kwaakaita kuna Jehovha,
Mhiko yaakaita kune Ane Simba waJakobho achiti:+
3 “Handizopindi mutende rangu, mumba mangu.+
Handizorari panzvimbo yandinorara, pamubhedha wangu;
4 Handizobvumiri maziso angu kubatwa nehope,
Kana kubvumira maziso angu kutsimwaira,
5 Kusvikira ndawanira Jehovha nzvimbo,
9 Vapristi venyu ngavapfeke kururama,
Uye vanhu venyu vakavimbika ngavapembere nemufaro.
11 Jehovha akapika kuna Dhavhidhi;
Haazoregi kuita zvaakataura paakati:
“Mumwe wevana vako,
Ndichamuisa pachigaro chako cheumambo.+
12 Kana vanakomana vako vakachengeta sungano yangu
Nezviyeuchidzo zvangu zvandinovadzidzisa,+
Vanakomana vavowo
Vachagara pachigaro chako cheumambo nekusingaperi.”+
17 Ndichaita kuti simba* raDhavhidhi riwedzere imomo.
Ndakagadzirira muzodziwa wangu rambi.+