Mapisarema
Maskiri.* Rwiyo rwaDhavhidhi paaiva mubako.+ Munyengetero.
142 Ndinodana kuna Jehovha nenzwi rangu kuti ndibatsirwe;+
Ndinochema nenzwi rangu kuna Jehovha kuti ndinzwirwe nyasha.
2 Ndinodururira zvinondinetsa pamberi pake;
Ndinotaura nhamo dzangu pamberi pake+
3 Panopera simba rangu mukati mangu.
Munobva matarisa mugwagwa wangu.+
Munzira yandinofamba nayo,
Vanovanza chiteyeso kuti vandibate.
5 Ndinodana kwamuri, haiwa Jehovha, kuti mundibatsire.
6 Teererai kuchemera kwangu kubatsirwa,
Nekuti ndaderedzwa zvikuru.
Ndinunurei pavatambudzi vangu,+
Nekuti vakasimba kundipfuura.
Vakarurama ngavandiunganire
Nekuti munondiitira zvakanaka.