Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwemushumiri waJehovha, Dhavhidhi, achitaura mashoko acho kuna Jehovha pazuva raakanunurwa naJehovha mumaoko evavengi vake vese nemuruoko rwaSauro. Akati:+
18 Ndinokudai kwazvo, haiwa Jehovha, simba rangu.+
2 Jehovha ndiye ibwe rangu nenhare* yangu uye ndiye anondinunura.+
Mwari wangu ndiye dombo rangu,+ wandinopotera kwaari,
Nhoo yangu nenyanga* yangu yeruponeso,* nzvimbo yangu yekupotera.*+
6 Ndakashevedzera kuna Jehovha pandaitambudzika,
Ndakaramba ndichichemera Mwari wangu kuti andibatsire.
7 Nyika yakabva yatanga kuzunguzika uye kudengenyeka;+
Nheyo dzemakomo dzakazununguka,
Uye dzakazunguzikira mberi neshure nekuti iye akanga atsamwiswa.+
8 Utsi hwakakwira huchibva mumhino dzake,
Uye moto unoparadza wakabuda mumuromo make;+
Mazimbe emoto akatsvuka aibva paari.
10 Akatasva kerubhi ndokuuya achibhururuka.+
Akadzika ari pamapapiro emweya.*+
12 Pachiedza chaive pamberi pake
Paibva chimvuramabwe nemazimbe emoto zvichiuya nemumakore.
13 Jehovha akabva atanga kutinhira ari kudenga;+
Wekumusorosoro akaita kuti inzwi rake rinzwike+
Pamwe nechimvuramabwe nemazimbe emoto.
Nheyo dzenyika dzakaiswa pachena nekutuka kwenyu, Jehovha,
Nemhepo ine simba yakabuda mumhino dzenyu.+
21 Nekuti ndakachengeta nzira dzaJehovha,
Uye handina kuita zvakaipa ndichisiya Mwari wangu.
22 Mitongo yake yese iri pamberi pangu;
Handizoshori mirau yake.
24 Jehovha ngaandipe mubayiro unoenderana nekururama kwangu,+
Maererano nekuchena kwemaoko angu pamberi pake.+
25 Makavimbika kumunhu akavimbika;+
Kumunhu asina mhosva munoratidza kuti hamuna mhosva;+
26 Kune vakachena munoratidza kuti makachena,+
Asi kune vasina kururama munoratidza kuti makachenjera.+
28 Nekuti ndimi munobatidza rambi rangu, haiwa Jehovha,
Mwari wangu anondivhenekera pandinenge ndiri murima.+
29 Ndichibatsirwa nemi, ndinogona kumhanya ndichinorwisa boka revapambi;+
Nesimba raMwari ndinogona kukwira rusvingo.+
Iye inhoo kune vese vanopotera kwaari.+
31 Nekuti ndiani mumwe Mwari kunze kwaJehovha?+
Nderipi rimwe dombo kunze kwaMwari wedu?+
34 Anodzidzisa maoko angu hondo;
Maoko angu anogona kukombamisa uta hwemhangura.
35 Munondipa nhoo yenyu yeruponeso,+
Ruoko rwenyu rwerudyi runonditsigira,
Uye kuzvininipisa kwenyu kunoita kuti ndive mukuru.+
37 Ndichadzingirira vavengi vangu ndovabata;
Handizodzoki kusvikira vatsvairwa vese.
41 Vanochemera kubatsirwa, asi hapana anovaponesa;
Vanotochema kuna Jehovha, asi haavapinduri.
42 Ndichavakuya-kuya votsetseka seguruva riri kusimudzwa nemhepo;
Ndichavarasa sematope emumigwagwa.
43 Muchandinunura pakutsvagirwa mhosva nevanhu.+
Muchandigadza kuti ndive mutungamiriri wemarudzi.+
Vanhu vandakanga ndisingazivi vachandishandira.+
44 Vachanditeerera vangoita zvekunzwa nezvangu;
Vanhu vekune dzimwe nyika vachauya kwandiri vachidedera.+
46 Jehovha mupenyu! Dombo+ rangu ngarirumbidzwe!
Mwari weruponeso rwangu ngaakudzwe.+
48 Anondinunura pavavengi vangu vakatsamwa;
Munondisimudza mondiisa pamusoro pevaya vanondirwisa;+
Munondinunura pamunhu anoita zvemhirizhonga.