Mapisarema
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Musaparadza.” Rwiyo rwaDhavhidhi. Miktamu.* Pakatumwa varume naSauro kuti vanogaririra Dhavhidhi pamba pake vachida kumuuraya.+
Varume vakasimba vanondirwisa
Ini ndisina kupanduka kana kuita chivi,+ haiwa Jehovha.
4 Kunyange ndisina chandakatadza, vanomhanya vogadzirira kundirwisa.
Simukai pandinoshevedzera muone.
5 Nekuti imi Jehovha Mwari wemauto, ndimi Mwari waIsraeri.+
Mukai muongorore marudzi ese.
Musanzwira tsitsi vatengesi vese vakaipa.+ (Sera)
7 Onai zvinobuda mumiromo yavo;
Miromo yavo yakaita semapakatwa,+
Nekuti vanoti: “Ndiani ari kuteerera?”+
10 Mwari anondiratidza rudo rusingachinji achauya kuzondibatsira;+
Mwari achaita kuti nditarise vavengi vangu ndavakunda.+
11 Musavauraya, kuti vanhu vangu varege kukanganwa.
Nesimba renyu itai kuti vadzungaire;
Vawisirei pasi, haiwa Jehovha, nhoo yedu.+
12 Nemhaka yechivi chemuromo wavo, shoko remiromo yavo,
Ngavabatwe nekuzvikudza kwavo,+
Nemhaka yekutuka uye kunyengera kwavanoita vachitaura.
Vapedzisei, kuti varege kuvapozve;
Itai kuti vazive kuti Mwari ari kutonga pakati paJakobho kusvikira kumigumo yenyika.+ (Sera)