Mapisarema
Kumutungamiriri; mutinhimira unonzi, “Ruva reChiyeuchidzo.” Miktamu.* Rwiyo rwaDhavhidhi. Rwekudzidzisa. Paakarwa neAramu-naharaimu neAramu-Zobha, uye pakadzoka Joabhi ndokuuraya vaEdhomu 12 000 muBani reMunyu.+
60 Haiwa Mwari, makatiramba; makaparadzira uto redu raitidzivirira.+
Makanga makatitsamwira; asi iye zvino chitigamuchiraizve!
2 Makaita kuti nyika idengenyeke; makaitsemura.
Gadzirisai mayakatsemuka, nekuti iri kuwa.
3 Makaita kuti vanhu venyu vatambudzike.
Makaita kuti tinwe waini inoita kuti tidzedzereke.+
6 Mwari ataura muutsvene hwake* achiti:
“Ndichapembera nemufaro, ndichapa vanhu vangu Shekemu kuti ive nhaka yavo;+
Ndichavayerera Bani reSukoti.+
7 Giriyedhi ndeyangu, Manase ndeyangu,+
Uye Efremu ingowani* yemusoro wangu;
Judha mudonzvo wangu wemutungamiriri.+
8 Moabhi mudziyo wangu wekugezera.+
Ndichakanda shangu yangu pamusoro peEdhomu.+
Ndichapemberera ndakunda Firistiya.”+
9 Ndiani achandiendesa kuguta rakakombwa?*
Ndiani achanditungamirira kusvikira kuEdhomu?+