Rwiyo rwaDhavhidhi, paakanga ari murenje reJudha.+
63 Haiwa Mwari, muri Mwari wangu, ndinoramba ndichikutsvagai.+
Ndine nyota yekuva nemi.+
Ndapera simba nekukusuwai
Munyika yakaoma uye yakaita gwenga, isina mvura.+
2 Saka ndakatarisa kwamuri ndiri munzvimbo tsvene;
Ndakaona simba renyu nekubwinya kwenyu.+
3 Nekuti rudo rwenyu rusingachinji runopfuura upenyu,+
Miromo yangu ichakurumbidzai.+
4 Saka ndichakurumbidzai kweupenyu hwangu hwese;
Ndichasimudza maoko angu muzita renyu.
5 Ndinogutswa nemugove wakanakisisa,
Saka miromo yangu ichakurumbidzai nemufaro.+
6 Ndinokuyeukai ndiri pamubhedha wangu;
Ndinofungisisa nezvenyu nguva yekurinda kweusiku.+
7 Nekuti muri mubatsiri wangu,+
Uye ndinopembera nemufaro ndiri mumumvuri wemapapiro enyu.+
8 Ndinoramba ndakanamatira pamuri;
Ruoko rwenyu rwerudyi runoramba rwakandibatisisa.+
9 Asi vaya vari kutsvaga kuparadza upenyu hwangu
Vachadzika pasi pasi penyika.
10 Vachaiswa kusimba rebakatwa;
Vachava zvekudya zvehunguhwe.
11 Asi mambo achafara muna Mwari.
Munhu wese anopika naye achafarisisa,
Nekuti miromo yevanoreva nhema ichanyararidzwa.