RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Pisarema 65
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raMapisarema

      • Kuchengeta nyika kunoitwa naMwari

        • “Munzwi wemunyengetero” (2)

        • “Anofara munhu wamunosarudza” (4)

        • Zvinhu zvakawanda zvinoratidza kunaka kwaMwari (11)

Pisarema 65:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 76:2
  • +Pis 116:18; Mup 5:4

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    5/15/2009, p. 3

Pisarema 65:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 145:18; Mab 10:31; 1Jo 5:14

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/15/2010, p. 5

Pisarema 65:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 40:12; VaR 7:23, 24; VaG 5:17
  • +Pis 51:2; Isa 1:18; 1Jo 1:7

Pisarema 65:4

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nzvimbo yenyu tsvene.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 15:1-5; 27:4; 84:1-4, 10
  • +Pis 36:7, 8
  • +1Sa 3:3; 1Mak 16:1

Pisarema 65:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 10:21; Zva 15:3
  • +Pis 22:27

Pisarema 65:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 93:1

Pisarema 65:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 89:9; 107:29
  • +Isa 17:12, 13; 57:20

Pisarema 65:8

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 66:3

Pisarema 65:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muchiita kuti ifashukire.”

  • *

    Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 11:11, 12; Mab 14:17
  • +Pis 104:14, 15

Pisarema 65:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 147:7, 8

Pisarema 65:11

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “anoyerera nemafuta.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 27:28; Dhe 33:16; Mar 3:10

Pisarema 65:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 35:1
  • +Isa 55:12

Pisarema 65:13

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 30:23
  • +Mab 14:17

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Pis. 65:1Pis 76:2
Pis. 65:1Pis 116:18; Mup 5:4
Pis. 65:2Pis 145:18; Mab 10:31; 1Jo 5:14
Pis. 65:3Pis 40:12; VaR 7:23, 24; VaG 5:17
Pis. 65:3Pis 51:2; Isa 1:18; 1Jo 1:7
Pis. 65:4Pis 15:1-5; 27:4; 84:1-4, 10
Pis. 65:4Pis 36:7, 8
Pis. 65:41Sa 3:3; 1Mak 16:1
Pis. 65:5Dhe 10:21; Zva 15:3
Pis. 65:5Pis 22:27
Pis. 65:6Pis 93:1
Pis. 65:7Pis 89:9; 107:29
Pis. 65:7Isa 17:12, 13; 57:20
Pis. 65:8Pis 66:3
Pis. 65:9Dhe 11:11, 12; Mab 14:17
Pis. 65:9Pis 104:14, 15
Pis. 65:10Pis 147:7, 8
Pis. 65:11Ge 27:28; Dhe 33:16; Mar 3:10
Pis. 65:12Isa 35:1
Pis. 65:12Isa 55:12
Pis. 65:13Isa 30:23
Pis. 65:13Mab 14:17
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Pisarema 65:1-13

Mapisarema

Kumutungamiriri. Pisarema raDhavhidhi. Rwiyo.

65 Kurumbidzwa kwakakumirirai muZiyoni, haiwa Mwari;+

Ticharipa mhiko dzedu kwamuri.+

 2 Haiwa imi Munzwi wemunyengetero, vanhu vemarudzi ese vachauya kwamuri.+

 3 Zvitadzo zvangu zvandipedza simba,+

Asi imi munofukidza kudarika kwedu.+

 4 Anofara munhu wamunosarudza uye wamunoswededza pedyo

Kuti agare muzvivanze zvenyu.+

Tichagutswa nekunaka kweimba yenyu,+

Temberi yenyu tsvene.*+

 5 Muchatipindura nemabasa enyu anoshamisa+ ekururama,

Haiwa Mwari weruponeso rwedu;

Vanhu vese vepanyika vanovimba nemi+

Nevaya vari kure mhiri kwemakungwa.

 6 Makasimbisa makomo nesimba renyu;

Makapfeka simba guru.+

 7 Munodzikamisa hasha dzegungwa,+

Kurovera kunoita masaisai aro uye nyonganyonga yemarudzi.+

 8 Vanogara kure kure vachashamiswa nezviratidzo zvenyu;+

Muchaita kuti vaya vanogara kumabvazuva nekumavirira vapembere nemufaro.

 9 Munochengeta nyika,

Muchiita kuti ibereke zvakawanda* uye kuti ipfume.+

Rukova runobva kuna Mwari ruzere nemvura;

Munoita kuti vawane zviyo,*+

Nekuti ndiwo magadziriro amakaita nyika.

10 Munozadza miforo yayo nemvura, moenzanisa ivhu rayo rakarimwa;

Munoipfavisa nemvura inopfunha; munokomborera zvinokura pairi.+

11 Munopedzisa gore nekuripfekedza korona yekunaka kwenyu;

Makwara enyu anofashukira nezvinhu zvakawanda.*+

12 Mafuro emusango anoramba achidonha mvura,+

Uye zvikomo zvakapfekedzwa mufaro.+

13 Mafuro akazara nezvipfuwo,

Uye mapani akafukidzwa nezviyo.+

Zvinopemberera zvichifara, chokwadi, zvinoimba.+

Mabhuku eChiShona (1973-2022)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2022 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe