Mapisarema
71 Haiwa Jehovha, ndakapotera kwamuri.
Ngandirege kumbonyadziswa.+
2 Ndiponesei mukururama kwenyu mundinunure.
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri* mundiponese.+
3 Ivai nhare yangu yematombo
Mandinogara ndichipinda.
Rayirai kuti ndiponeswe,
Nekuti muri ibwe rangu nenhare yangu.+
4 Mwari wangu, ndinunureiwo paruoko rwemunhu akaipa,+
Paruoko rwemudzvinyiriri asingatongi zvakarurama.
5 Nekuti muri tariro yangu, haiwa Changamire Ishe Jehovha;
Ndagara ndichivimba nemi kubvira ndichiri mudiki.+
Ndinoramba ndichikurumbidzai.
7 Ndaita sechishamiso kuvanhu vazhinji,
Asi imi muri nzvimbo yangu yekupotera yakasimba.
10 Vavengi vangu vanotaura zvakaipa nezvangu,
Uye vaya vari kutsvaga kupfuudza upenyu hwangu* vanorangana+
11 Vachiti: “Mwari akamusiya.
Mudzingirirei mumubate, nekuti hapana achamuponesa.”+
12 Haiwa Mwari, musaramba muri kure neni.
Haiwa Mwari wangu, kurumidzai kuzondibatsira.+
Vaya vari kutsvaga kundipinza mudambudziko
Ngavafukidzwe nekuzvidzwa uye kunyadziswa.+
14 Asi kana ndiri ini ndicharamba ndakamirira;
Ndichawedzera kukurumbidzai.
15 Muromo wangu ucharondedzera kururama kwenyu,+
Uchaswera uchirondedzera mabasa enyu ekuponesa,
Kunyange zvazvo akawanda chaizvo zvekuti handikwanisi kuaverenga.+
16 Ndichauya ndozotaura nezvemabasa enyu esimba,
Haiwa Changamire Ishe Jehovha;
Ndichataura nezvekururama kwenyu, kwenyu imi mega.
17 Haiwa Mwari, makandidzidzisa kubvira ndichiri mudiki,+
Uye nanhasi ndichiri kuzivisa mabasa enyu anoshamisa.+
18 Kunyange ndakwegura uye ndachena musoro, haiwa Mwari, musandisiya.+
19 Kururama kwenyu haiwa Mwari kunosvika kumusoro;+
Makaita zvinhu zvikuru;
Haiwa Mwari, ndiani akaita semi?+
21 Wedzeraiwo ukuru hwangu
Uye ndikomberedzei mundinyaradze.
Ndichaimba ndichikurumbidzai nerudimbwa,*
Haiwa imi Mutsvene waIsraeri.