Mapisarema
Pisarema revanakomana vaKora.+ Rwiyo.
87 Guta rake rakavakirwa mumakomo matsvene.+
3 Zvinhu zvinoshamisa kwazvo zviri kutaurwa pamusoro pako, haiwa iwe guta raMwari wechokwadi.+ (Sera)
4 Ndichaverenga Rahabhi+ neBhabhironi pakati pevaya vanondiziva;
Pane Firistiya uye pane Tire, pamwe chete neKushi.
Zvichanzi: “Uyu ndiye akaberekerwa ikoko.”
5 Uye zvichanzi nezveZiyoni:
“Mumwe nemumwe akaberekerwa mariri.”
Uye Wekumusorosoro acharisimbisa kwazvo.
6 Paanenge achinyora marudzi, Jehovha achazivisa kuti:
“Uyu ndiye akaberekerwa ikoko.” (Sera)
7 Vaimbi+ pamwe chete nevaya vanenge vachitamba vachitenderera+ vachati: