Mapisarema
Akapfeka kukudzwa kunoshamisa;
Jehovha akapfeka simba;
Anoripfeka sebhandi.
3 Nzizi dzakaita mafungu, haiwa Jehovha,
Nzizi dzakaita mafungu dzikadzvova;
Nzizi dzinoramba dzichiita mafungu, dzichitinhira.
4 Mukuru kupfuura mvura zhinji iri kutinhira,
Ane simba kupfuura mafungu egungwa,+
Jehovha anokudzwa kumusoro.+
5 Zviyeuchidzo zvenyu zvakavimbika kwazvo.+
Utsvene hunoshongedza* imba yenyu+ nguva dzese, haiwa Jehovha.