Rwiyo.
98 Imbirai Jehovha rwiyo rutsva,+
Nekuti akaita zvinhu zvinoshamisa.+
Ruoko rwake rwerudyi, ruoko rwake rutsvene, rwakaita kuti pave neruponeso.*+
2 Jehovha akaita kuti ruponeso rwake ruzivikanwe;+
Akaratidza kururama kwake pamberi pemarudzi.+
3 Akayeuka rudo rwake rusingachinji uye kutendeka kwake kuimba yaIsraeri.+
Nyika yese yakaona ruponeso rwakaitwa naMwari wedu.*+
4 Shevedzerai muchirumbidza Jehovha, imi nyika yese.
Farai uye pemberai nemufaro, muimbe muchimurumbidza.*+
5 Imbai muchirumbidza Jehovha* nerudimbwa,
Nerudimbwa nerwiyo runonakidza.
6 Nemabhosvo nekurira kwehwamanda,+
Shevedzerai muchifara muri pamberi paMambo, Jehovha.
7 Gungwa ngaritinhire, pamwe chete nezvese zvizere mariri,
Uye nyika nevaya vagere mairi ngazvitinhire.
8 Nzizi ngadziombere;
Makomo ngaashevedzere pamwe chete achifara+
9 Pamberi paJehovha, nekuti ari kuuya* kuzotonga nyika.
Iye achatonga nyika nekururama+
Uye achatonga marudzi zvakarurama.+