Mapisarema
99 Jehovha ava Mambo.+ Marudzi ngaadedere.
Anogara pachigaro cheumambo pamusoro* pemakerubhi.+ Nyika ngaizununguke.
4 Ndimambo ane simba anoda kutonga zvakarurama.+
Makasimbisa zvinhu zvakarurama.
Makaita kuti kutonga zvakarurama uye kururama+ kuve pakati paJakobho.
6 Mozisi naAroni ndivo vaiva vamwe vevapristi vake,+
Uye Samueri aiva mumwe wevaya vaidana zita rake.+
Vaidana kuna Jehovha,
Uye aivapindura.+
7 Aitaura navo ari mushongwe yegore.+
Vakachengeta zviyeuchidzo zvake nemurau waakavapa.+