RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Eksodho 10
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri Mubhuku raEksodho

      • Dambudziko 8: mhashu (1-20)

      • Dambudziko 9: rima (21-29)

Eksodho 10:1

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 4:21; 9:34
  • +Eks 9:15, 16; Pis 78:12; VaR 9:17

Eksodho 10:2

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 13:3, 8; Dhe 4:9; 6:20-22; Pis 44:1

Eksodho 10:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 9:17

Eksodho 10:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 9:31, 32

Eksodho 10:6

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 9:24

Eksodho 10:7

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ari musungo kwatiri.”

Eksodho 10:9

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 10:25, 26
  • +Eks 3:18; 5:1

Eksodho 10:10

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 12:31, 32

Eksodho 10:14

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 78:46
  • +Eks 10:5; Pis 105:34, 35

Eksodho 10:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    Anofanira kunge ari Mozisi ari kurehwa.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 8:30, 31

Eksodho 10:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 7:3; 11:10; VaR 9:17, 18

Eksodho 10:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Pis 105:28

Eksodho 10:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 8:21, 22; 9:3, 6, 26; 11:7; 12:13

Eksodho 10:24

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 8:28; 9:28

Eksodho 10:25

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “muchatibvumira kuenda nezvekunobayira.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 3:18; 5:3

Eksodho 10:27

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 4:21; 14:4

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Eks. 10:1Eks 4:21; 9:34
Eks. 10:1Eks 9:15, 16; Pis 78:12; VaR 9:17
Eks. 10:2Eks 13:3, 8; Dhe 4:9; 6:20-22; Pis 44:1
Eks. 10:3Eks 9:17
Eks. 10:5Eks 9:31, 32
Eks. 10:6Eks 9:24
Eks. 10:9Eks 10:25, 26
Eks. 10:9Eks 3:18; 5:1
Eks. 10:10Eks 12:31, 32
Eks. 10:14Pis 78:46
Eks. 10:14Eks 10:5; Pis 105:34, 35
Eks. 10:18Eks 8:30, 31
Eks. 10:20Eks 7:3; 11:10; VaR 9:17, 18
Eks. 10:22Pis 105:28
Eks. 10:23Eks 8:21, 22; 9:3, 6, 26; 11:7; 12:13
Eks. 10:24Eks 8:28; 9:28
Eks. 10:25Eks 3:18; 5:3
Eks. 10:27Eks 4:21; 14:4
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Eksodho 10:1-29

Eksodho

10 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Pinda muna Farao, nekuti ndarega mwoyo wake nemwoyo yevashandi vake ichioma,+ kuti ndiite zviratidzo zvangu izvi pamberi pake chaipo,+ 2 uye kuti uzozivisa vanakomana vako nevazukuru vako marwadzisiro andaita Ijipiti uye zviratidzo zvandaita pakati pavo;+ uye imi muchaziva kuti ndini Jehovha.”

3 Saka Mozisi naAroni vakapinda maiva naFarao vakati kwaari: “Zvanzi naJehovha Mwari wevaHebheru, ‘Kusvikira riini uchiramba kuzviisa pasi pangu?+ Rega vanhu vangu vaende kuti vanondishumira. 4 Nekuti kana ukaramba uchitadzisa vanhu vangu kuenda, mangwana ndichaunza mhashu munyika mako. 5 Dzichafukidza nyika zvekuti ivhu richange risingaoneki. Dzichadya zvakapotswa nechimvuramabwe zvamakasara nazvo, uye dzichadya miti yenyu yese yemusango.+ 6 Dzichazara mudzimba dzenyu, mudzimba dzevashandi venyu vese, nemudzimba dzese dzeIjipiti zvekuti madzibaba enyu nemadzisekuru enyu haana kumbobvira aona zvakadai kubvira paakatanga kugara munyika ino kusvikira nhasi.’”+ Akabva atendeuka, akabuda maiva naFarao.

7 Vashandi vaFarao vakabva vati kwaari: “Murume uyu acharamba achititambudza* kusvikira riini? Regai vanhu ava vaende vanoshumira Jehovha Mwari wavo. Nanhasi hamusati mabvuma kuti Ijipiti yaparara?” 8 Saka Mozisi naAroni vakadzoswa kuna Farao, iye akati kwavari: “Chiendai munoshumira Jehovha Mwari wenyu. Asi ndivanaani vacho vari kuenda?” 9 Mozisi akabva ati: “Tichaenda nevadiki vedu, vakwegura vedu, vanakomana vedu, vanasikana vedu, makwai edu, nemombe dzedu,+ nekuti tichaitira Jehovha mutambo.”+ 10 Akati kwavari: “Kana ndikakuregai imi nevana venyu muchienda, zvechokwadi ndingati Jehovha anemi!+ Zviri pachena kuti muri kuda kuita zvakaipa. 11 Hazviiti! Varume chete ndivo vachaenda kunoshumira Jehovha, nekuti ndizvo zvamakakumbira.” Vakabva vadzingwa pamberi paFarao.

12 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Tambanudzira ruoko rwako panyika yeIjipiti kuti mhashu dziuye panyika yeIjipiti, dzidye zvinomera zvese zvenyika ino, zvese zvakasiyiwa nechimvuramabwe.” 13 Mozisi akabva atambanudzira tsvimbo yake panyika yeIjipiti, Jehovha akaita kuti mhepo yekumabvazuva ivhuvhute panyika yacho zuva iroro rese neusiku hwese. Pakwakayedza, mhepo yekumabvazuva yakaunza mhashu. 14 Uye mhashu dzakauya panyika yese yeIjipiti, dzikamhara muIjipiti yese.+ Dzakanga dzakawanda zvikuru;+ kwakanga kusati kwamboita mhashu dzakawanda kudaro, uye hakuzombovi nedzimwe dzakawanda kudaro. 15 Dzakafukidza nyika yese, nyika ikaita rima nadzo; dzakaparadza zvinomera zvese zvenyika yacho nemichero yese yemiti yakanga yasiyiwa nechimvuramabwe; hapana chakasvibirira chakasiyiwa pamiti kana kuti pazvinomera zvemusango munyika yese yeIjipiti.

16 Saka Farao akakurumidza kushevedza Mozisi naAroni akati: “Ndatadzira Jehovha Mwari wenyu uye ndakutadzirai. 17 Saka ndinokumbirawo kuti mundiregerere chivi changu iye zvino chete, moteterera Jehovha Mwari wenyu kuti angondibvisirawo dambudziko iri rakaipisisa.” 18 Saka akabva* pamberi paFarao, akateterera Jehovha.+ 19 Jehovha akabva aita kuti mhepo iya ichinje, ikava mhepo ine simba yekumavirira, uye yakatakura mhashu dzacho ikadziendesa muGungwa Dzvuku. Hapana kana mhashu imwe chete yakasara muIjipiti yese. 20 Asi Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma,+ uye Farao haana kurega vaIsraeri vachienda.

21 Jehovha akabva ati kuna Mozisi: “Simudza ruoko rwako kudenga kuti panyika yeIjipiti pave nerima, rima gobvu zvekuti rinoita serichabatika.” 22 Mozisi akabva angosimudza ruoko rwake kudenga, uye pakava nerima gobvu munyika yese yeIjipiti kwemazuva matatu.+ 23 Vakanga vasingaonani, uye hakuna kana mumwe wavo akasimuka paakanga ari kwemazuva matatu; asi vaIsraeri vese vaiva nechiedza kwavaigara.+ 24 Farao akabva ashevedza Mozisi akati: “Chiendai munoshumira Jehovha.+ Makwai enyu nemombe dzenyu ndizvo chete zvichasara. Kunyange vana venyu munogona kuenda navo.” 25 Asi Mozisi akati: “Imi muchatipawo zvekunobayira* nemipiro inopiswa, uye tichanozvipa kuna Jehovha Mwari wedu.+ 26 Tichaendawo nezvipfuwo zvedu. Hapana kana chipfuwo chichabvumirwa kusara, nekuti tichashandisa zvimwe zvacho pakunamata Jehovha Mwari wedu, uye tichatozoziva zvatichapa Jehovha pakumunamata kana tasvika ikoko.” 27 Saka Jehovha akarega mwoyo waFarao uchioma, uye iye haana kuvarega kuti vaende.+ 28 Farao akati kwaari: “Ibva pano! Usaedza kudzoka pamberi pangu zvakare, nekuti kana ukangodzoka chete, uri kufa.” 29 Mozisi akabva ati: “Sekutaura kwamaita, handisi kuzoedza kudzokazve pamberi penyu.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe