10 Zvirevo zvaSoromoni.+
Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,+
Asi mwanakomana benzi anoshungurudza amai vake.
2 Pfuma inowanikwa nenzira dzakaipa haizobatsiri,
Asi kururama ndiko kunonunura parufu.+
3 Jehovha haazoiti kuti munhu akarurama anzwe nzara,+
Asi achanyima vakaipa zvavanopanga.
4 Kugarira maoko kunokonzera urombo,+
Asi maoko anoshanda nesimba anounza upfumi.+
5 Mwanakomana ane njere anounganidza zvirimwa muzhizha,
Asi mwanakomana anoita zvinonyadzisa anenge akafa nehope munguva yekukohwa.+
6 Makomborero ari pamusoro wemunhu akarurama,+
Asi muromo wemunhu akaipa unovanza kuda kwaanoita mhirizhonga.
7 Kuyeukwa kwemunhu akarurama kunounza chikomborero,+
Asi zita remunhu akaipa richaora.+
8 Munhu ane mwoyo wakachenjera achabvuma kudzidziswa,+
Asi munhu anotaura zveupenzi achatsikwa-tsikwa.+
9 Munhu anofamba akaperera achafamba akachengeteka,+
Asi munhu ane nzira dzisina kururama achazivikanwa kuti ndizvo zvaari.+
10 Munhu anochonya neziso rake achinyengera anorwadzisa,+
Uye munhu anotaura zveupenzi achatsikwa-tsikwa.+
11 Muromo wemunhu akarurama itsime reupenyu,+
Asi muromo wemunhu akaipa unovanza kuda kwaanoita mhirizhonga.+
12 Ruvengo ndirwo runomutsa kukakavadzana,
Asi rudo runofukidza kudarika kwese.+
13 Uchenjeri hunowanikwa pamiromo yemunhu anonzwisisa,+
Asi shamhu ndeyemusana wemunhu asina pfungwa.+
14 Vaya vakachenjera vanochengeta ruzivo,+
Asi muromo webenzi unotsvaga kuparadzwa.+
15 Pfuma yemupfumi yakaita seguta rake rakakomberedzwa nemasvingo.
Varombo vanoparadzwa neurombo hwavo.+
16 Basa remunhu akarurama rinotungamirira kuupenyu;
Asi zvibereko zvemunhu akaipa zvinotungamirira kuchivi.+
17 Munhu anoteerera achirayirwa inzira inoenda kuupenyu,
Asi uya anoramba kutsiurwa anoita kuti vamwe varasike.
18 Munhu anovanza ruvengo rwake anotaura nhema,+
Uye munhu ari kuparadzira makuhwa ibenzi.
19 Kana mashoko akawanda, kukanganisa hakushayikwi,+
Asi munhu wese anobata muromo wake akangwara.+
20 Rurimi rwemunhu akarurama rwakaita sesirivha yakanakisisa,+
Asi mwoyo wemunhu akaipa hauna ukoshi.
21 Muromo wemunhu akarurama unozorodza vakawanda,+
Asi mapenzi anofa nekushayiwa njere.+
22 Kukomborera kwaJehovha ndiko kunoita kuti munhu apfume,+
Uye haaiti kuti kuuye nemarwadzo.
23 Kuita zvinhu zvinonyadzisa kwakafanana nemutambo kubenzi,
Asi uchenjeri ndehwemunhu ane ungwaru.+
24 Zvinotyiwa nemunhu akaipa zvichauya paari;
Asi vakarurama vachagutswa zvido zvavo.+
25 Dutu parinopfuura, munhu akaipa achange asisipo,+
Asi munhu akarurama akaita sefaundesheni inogara nekusingaperi.+
26 Sezvinoita vhiniga pamazino uye utsi mumaziso,
Ndizvo zvinoita simbe kumunhu anenge aituma.
27 Kutya Jehovha kunorebesa upenyu,+
Asi makore evakaipa achatapudzwa.+
28 Zvinotarisirwa nevakarurama zvinoita kuti vafare,+
Asi tariro yevakaipa ichaparara.+
29 Nzira yaJehovha inhare kumunhu asina chaanopomerwa,+
Asi inoreva kuparadzwa kuvanhu vanoita zvakaipa.+
30 Munhu akarurama haazombowisirwi pasi,+
Asi vakaipa havazorambi vachigara panyika.+
31 Muromo wemunhu akarurama unobudisa uchenjeri,
Asi rurimi rwakatsauka ruchadimburwa.
32 Muromo wemunhu akarurama unoziva zvinofadza,
Asi miromo yevakaipa yakatsauka.