RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Jeremiya 32
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

Zviri mubhuku Jeremiya

      • Jeremiya anotenga munda (1-15)

      • Munyengetero waJeremiya (16-25)

      • Mhinduro yaJehovha (26-44)

Jeremiya 32:1

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “raNebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 25:1

Jeremiya 32:2

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “mumuzinda wamambo.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ne 3:25; Jer 33:1; 38:28

Jeremiya 32:3

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 37:18, 21
  • +Jer 34:2, 3; 37:8, 17

Jeremiya 32:4

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:6, 7; Jer 38:17, 18; 39:5; Eze 12:13

Jeremiya 32:5

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 21:4; Eze 17:15

Jeremiya 32:7

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 21:8, 18; Jer 1:1
  • +Re 25:23, 24

Jeremiya 32:9

Mashoko Emuzasi

  • *

    Shekeri rimwe chete rainge rakaenzana nemagiramu 11,4. Ona Mashoko Ekuwedzera B14.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 23:16

Jeremiya 32:10

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chisimbiso.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:44
  • +Rut 4:9

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/15/2006, pp. 18-19

    8/1/1997, pp. 30-31

Jeremiya 32:11

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/2007, p. 11

    8/1/1997, pp. 30-31

Jeremiya 32:12

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 36:4, 26
  • +Jer 51:59
  • +Jer 33:1

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/1997, pp. 30-31

Jeremiya 32:13

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    8/1/1997, p. 31

Jeremiya 32:15

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Amo 9:14; Zek 3:10

Jeremiya 32:17

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 40:26; Zva 4:11

Jeremiya 32:18

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “muchipfuva chevanakomana.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 34:6, 7; Nu 14:18

Jeremiya 32:19

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 28:29
  • +Zvi 15:3; VaH 4:13
  • +Mup 12:14; Jer 17:10; VaR 2:6

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Jeremiya, p. 119

Jeremiya 32:20

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 7:3, 5; 9:15, 16; Dhe 4:34; 2Sa 7:23; Isa 63:12

Jeremiya 32:21

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eks 6:1, 6; 15:16; Dhe 26:8

Jeremiya 32:22

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Ge 13:14, 15; 26:3
  • +Eks 3:8

Jeremiya 32:23

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:15; Jos 23:16

Jeremiya 32:24

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “nechirwere.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 28:52; 2Mad 25:1; Jer 33:4; Eze 4:1, 2
  • +Re 26:31, 33
  • +Jer 14:12; 15:2

Jeremiya 32:27

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “wenyama yese.”

Jeremiya 32:28

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “Nebhukadrezari.” Ichi ndechimwewo chiperengo chacho.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:4; Jer 20:5

Jeremiya 32:29

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 25:9, 10; 2Mak 36:17, 19; Mari 4:11
  • +Jer 7:18; 19:13; 44:25

Jeremiya 32:30

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 9:7; 2Mad 17:9

Jeremiya 32:31

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:7; 2Mad 21:1, 4
  • +2Mad 23:27; 24:3, 4

Jeremiya 32:32

Magwaro Ari Kumucheto

  • +1Mad 11:9, 10; 2Mad 23:26; 1Mak 10:13
  • +Eze 22:6
  • +Mik 3:5, 11

Jeremiya 32:33

Mashoko Emuzasi

  • *

    ChiHeb., “ndaimukira mangwanani ndichivadzidzisa.”

  • *

    Kana kuti “kurangwa.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mak 29:6; Jer 2:27
  • +Jer 25:3; 35:15

Jeremiya 32:34

Magwaro Ari Kumucheto

  • +2Mad 21:1, 4; Jer 23:11; Eze 8:5, 6

Jeremiya 32:35

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Gehena.”

  • *

    Kana kuti “mupfungwa dzangu.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jos 15:8, 12
  • +2Mak 28:1, 3; 33:1, 6; Jer 7:31
  • +Re 18:21; Dhe 18:10, 12

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    4/1/1992, p. 4

Jeremiya 32:37

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Dhe 30:3; Jer 29:14; Eze 37:21
  • +Jer 23:3, 6; 33:16; Eze 34:25

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/1995, pp. 13-14

Jeremiya 32:38

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:33; Mik 4:5

Jeremiya 32:39

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 11:19
  • +Dhe 5:29

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/1995, pp. 13-15

Jeremiya 32:40

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 55:3; 61:8
  • +Eze 39:29
  • +Eze 36:26

Indekisi

  • Bhuku Rinobatsira Pakutsvakurudza

    Nharireyomurindi,

    3/15/1995, pp. 13-15

Jeremiya 32:41

Mashoko Emuzasi

  • *

    Ona Tsanangudzo Yemashoko.

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Isa 65:19; Zef 3:17
  • +Isa 58:11; Jer 24:6; Amo 9:15

Jeremiya 32:42

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 31:28; Zek 8:14, 15

Jeremiya 32:43

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Eze 37:14

Jeremiya 32:44

Mashoko Emuzasi

  • *

    Kana kuti “chisimbiso.”

Magwaro Ari Kumucheto

  • +Jer 32:10, 25
  • +Jer 31:23
  • +Jer 17:26; 33:13
  • +Pis 126:1

Dzimwe Shanduro

Baya pane nhamba yevhesi kuti uone mamwe mavhesi anotaura zvakafanana.

Mamwe mavhesi

Jer. 32:1Jer 25:1
Jer. 32:2Ne 3:25; Jer 33:1; 38:28
Jer. 32:3Jer 37:18, 21
Jer. 32:3Jer 34:2, 3; 37:8, 17
Jer. 32:42Mad 25:6, 7; Jer 38:17, 18; 39:5; Eze 12:13
Jer. 32:5Jer 21:4; Eze 17:15
Jer. 32:7Jos 21:8, 18; Jer 1:1
Jer. 32:7Re 25:23, 24
Jer. 32:9Ge 23:16
Jer. 32:10Jer 32:44
Jer. 32:10Rut 4:9
Jer. 32:12Jer 36:4, 26
Jer. 32:12Jer 51:59
Jer. 32:12Jer 33:1
Jer. 32:15Amo 9:14; Zek 3:10
Jer. 32:17Isa 40:26; Zva 4:11
Jer. 32:18Eks 34:6, 7; Nu 14:18
Jer. 32:19Isa 28:29
Jer. 32:19Zvi 15:3; VaH 4:13
Jer. 32:19Mup 12:14; Jer 17:10; VaR 2:6
Jer. 32:20Eks 7:3, 5; 9:15, 16; Dhe 4:34; 2Sa 7:23; Isa 63:12
Jer. 32:21Eks 6:1, 6; 15:16; Dhe 26:8
Jer. 32:22Ge 13:14, 15; 26:3
Jer. 32:22Eks 3:8
Jer. 32:23Dhe 28:15; Jos 23:16
Jer. 32:24Dhe 28:52; 2Mad 25:1; Jer 33:4; Eze 4:1, 2
Jer. 32:24Re 26:31, 33
Jer. 32:24Jer 14:12; 15:2
Jer. 32:282Mad 25:4; Jer 20:5
Jer. 32:292Mad 25:9, 10; 2Mak 36:17, 19; Mari 4:11
Jer. 32:29Jer 7:18; 19:13; 44:25
Jer. 32:30Dhe 9:7; 2Mad 17:9
Jer. 32:311Mad 11:7; 2Mad 21:1, 4
Jer. 32:312Mad 23:27; 24:3, 4
Jer. 32:321Mad 11:9, 10; 2Mad 23:26; 1Mak 10:13
Jer. 32:32Eze 22:6
Jer. 32:32Mik 3:5, 11
Jer. 32:332Mak 29:6; Jer 2:27
Jer. 32:33Jer 25:3; 35:15
Jer. 32:342Mad 21:1, 4; Jer 23:11; Eze 8:5, 6
Jer. 32:35Jos 15:8, 12
Jer. 32:352Mak 28:1, 3; 33:1, 6; Jer 7:31
Jer. 32:35Re 18:21; Dhe 18:10, 12
Jer. 32:37Dhe 30:3; Jer 29:14; Eze 37:21
Jer. 32:37Jer 23:3, 6; 33:16; Eze 34:25
Jer. 32:38Jer 31:33; Mik 4:5
Jer. 32:39Eze 11:19
Jer. 32:39Dhe 5:29
Jer. 32:40Isa 55:3; 61:8
Jer. 32:40Eze 39:29
Jer. 32:40Eze 36:26
Jer. 32:41Isa 65:19; Zef 3:17
Jer. 32:41Isa 58:11; Jer 24:6; Amo 9:15
Jer. 32:42Jer 31:28; Zek 8:14, 15
Jer. 32:43Eze 37:14
Jer. 32:44Jer 32:10, 25
Jer. 32:44Jer 31:23
Jer. 32:44Jer 17:26; 33:13
Jer. 32:44Pis 126:1
  • Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
  • Verenga muShanduro yeNyika Itsva
  • 1
  • 2
  • 3
  • 4
  • 5
  • 6
  • 7
  • 8
  • 9
  • 10
  • 11
  • 12
  • 13
  • 14
  • 15
  • 16
  • 17
  • 18
  • 19
  • 20
  • 21
  • 22
  • 23
  • 24
  • 25
  • 26
  • 27
  • 28
  • 29
  • 30
  • 31
  • 32
  • 33
  • 34
  • 35
  • 36
  • 37
  • 38
  • 39
  • 40
  • 41
  • 42
  • 43
  • 44
Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
Jeremiya 32:1-44

Jeremiya

32 Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Jehovha mugore rechi10 raMambo Zedhekiya weJudha, kureva gore rechi18 raNebhukadhinezari.*+ 2 Panguva iyoyo mauto amambo weBhabhironi ainge akakomba Jerusarema, uye muprofita Jeremiya akanga akavharirwa muChivanze cheVarindi,+ muimba yamambo* weJudha. 3 Nekuti Mambo Zedhekiya weJudha akanga amuvharira,+ achiti, “Uri kuprofitirei zvakadaro? Uri kuti, ‘Zvanzi naJehovha: “Ndichaisa guta rino muruoko rwamambo weBhabhironi, uye iye acharitora,+ 4 uye Mambo Zedhekiya weJudha haazopukunyuki pavaKadheya, nekuti chokwadi achaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi, uye achataura naye vakatarisana, vachionana chiso nechiso.”’+ 5 ‘Iye achaendesa Zedhekiya kuBhabhironi, uye acharamba ari ikoko kusvikira ndafunga nezvake,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. ‘Kunyange zvazvo muchiramba muchirwa nevaKadheya, hamuzobudiriri.’”+

6 Jeremiya akati: “Shoko raJehovha rauya kwandiri, richiti, 7 ‘Hanameri mwanakomana waSharumu hama yababa vako, achauya kwauri, oti: “Tenga munda wangu uri kuAnatoti,+ nekuti ndiwe uri pekutanga pavanhu vane kodzero yekuudzikinura.”’”+

8 Hanameri mwanakomana wehama yababa vangu akauya kwandiri muChivanze cheVarindi, sezvakanga zvataurwa naJehovha, akati kwandiri: “Ndinokumbirawo kuti utenge munda wangu uri kuAnatoti, munyika yaBhenjamini, nekuti ndiwe une kodzero yekuutora uye kuudzikinura. Utenge uve wako.” Ndakabva ndaziva kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha.

9 Saka ndakatenga munda wacho wekuAnatoti kuna Hanameri mwanakomana wehama yababa vangu. Ndakamuyerera mari yacho,+ mashekeri* 7 nemasirivha 10. 10 Ndakabva ndazvinyora mugwaro rechibvumirano,+ ndikarinama ndokuriisa chidhindo,* ndikashevedza zvapupu,+ ndikayera mari yacho pachikero. 11 Ndakatora gwaro rechibvumirano chekutenga, riya rakanga rakanamwa pachitevedzerwa murayiro uye mutemo, neriya rakanga rasiyiwa risina kunamwa, 12 uye ndakapa gwaro racho rechibvumirano chekutenga kuna Bharuki+ mwanakomana waNeriya+ mwanakomana waMaseya, paina Hanameri mwanakomana wehama yababa vangu, nezvapupu zvakasaina mugwaro racho rechibvumirano chekutenga, nevaJudha vese vainge vagere muChivanze cheVarindi.+

13 Ndakabva ndarayira Bharuki ivo varipo, ndichiti: 14 “Zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Tora magwaro aya, gwaro iri rechibvumirano chekutenga rakanamwa, nerimwe gwaro rechibvumirano rasiyiwa risina kunamwa, uaise mumudziyo wevhu, kuti achengetwe kwenguva refu.’ 15 Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, Mwari waIsraeri, ‘Dzimba neminda yembesa neminda yemizambiringa zvichatengwazve munyika ino.’”+

16 Pashure pekunge ndapa Bharuki mwanakomana waNeriya gwaro rechibvumirano chekutenga, ndakabva ndanyengetera kuna Jehovha ndichiti: 17 “Haiwa Changamire Ishe Jehovha! Makasika denga nenyika muchishandisa simba renyu guru+ uye ruoko rwenyu rwakatambanudzwa. Hapana chinhu chakakuomerai, 18 imi munoratidza rudo rusingachinji kuzviuru, asi muchitsiva kukanganisa kwemadzibaba pavanakomana* vavo vanovatevera,+ imi Mwari wechokwadi, iye mukuru uye ane simba, ane zita rekuti Jehovha wemauto. 19 Mune zvinangwa zvikuru uye munoratidza simba pamabasa enyu,+ imi mune maziso anoona nzira dzese dzevanhu,+ kuti mupe mumwe nemumwe zvinoenderana nenzira dzake uye zvinoenderana nezvaanoita.+ 20 Makaita zviratidzo nezvishamiso munyika yeIjipiti zvichiri kuzivikanwa nanhasi, zvikaita kuti zita renyu rive nemukurumbira muIsraeri uye pakati pevanhu,+ sezvazviri nhasi. 21 Uye makabudisa vanhu venyu vaIsraeri munyika yeIjipiti nezviratidzo, nezvishamiso, neruoko rune simba, neruoko rwakatambanudzwa uye nemabasa anotyisa zvikuru.+

22 “Nekufamba kwenguva, makavapa nyika ino yamakapika kuti muchapa madzitateguru avo,+ nyika inoyerera uchi nemukaka.+ 23 Uye vakapinda vakaitora, asi havana kuteerera inzwi renyu kana kufamba mumutemo wenyu. Havana chavakaita pazvinhu zvese zvamakavarayira kuti vaite, saka makaita kuti dambudziko rese iri rivawire.+ 24 Onai! Vanhu vauya vakaunganidza mirwi yekukomba guta kuti varitore,+ uye guta racho richava mumaoko evaKadheya vari kurirwisa nemhaka yebakatwa,+ nenzara, nedenda;*+ zvese zvamakataura zvaitika, sezvamuri kuona. 25 Asi imi haiwa Changamire Ishe Jehovha, mandiudza kuti, ‘Tenga munda nemari uye shevedza zvapupu,’ kunyange zvazvo zvitori pachena kuti guta racho richaiswa muruoko rwevaKadheya.”

26 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Jeremiya richiti: 27 “Ndini Jehovha, Mwari wevanhu vese.* Pane chinhu chakandiomera here? 28 Saka zvanzi naJehovha, ‘Ndiri kuisa guta rino kuvaKadheya uye muruoko rwaMambo Nebhukadhinezari* weBhabhironi, uye acharitora.+ 29 VaKadheya avo vari kurwisa guta rino vachapinda vopisa guta rino nemoto uye vachariroromesa+ pamwe chete nedzimba dzaipirwa zvibayiro nevanhu kuna Bhaari pamatenga adzo vachidururira mipiro yezvinwiwa kune vamwe vanamwari, vachindigumbura.’+

30 “‘Nekuti vanhu veIsraeri neJudha vanga vachingoita zvakaipa pamberi pangu kubvira vachiri vadiki;+ vaIsraeri vanoramba vachingondigumbura nebasa remaoko avo,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. 31 ‘Nekuti kubva pazuva ravakavaka guta rino kusvikira nhasi, ranga richingonditsamwisa uye richindigumbura,+ zvekuti rinofanira kubviswa pamberi pangu,+ 32 nemhaka yezvakaipa zvese zvakaitwa nevaIsraeri nevaJudha vachindigumbura, ivo nemadzimambo avo,+ nemachinda avo,+ vapristi vavo nevaprofita vavo,+ nevarume veJudha nevagari vemuJerusarema. 33 Vakaramba vachindipira makotsi vasinganditarisi.+ Kunyange zvazvo ndakaedza ndaedzazve kuvadzidzisa,* hapana kana mumwe chete wavo aiteerera kuti abvume kurayirwa.*+ 34 Uye vakaisa zvidhori zvavo zvinosemesa muimba ine zita rangu, vachiisvibisa.+ 35 Uyewo vakavaka nzvimbo dzakakwirira dzaBhaari muBani reMwanakomana waHinomu,*+ kuti vaite kuti vanakomana vavo nevanasikana vavo vapfuure nemumoto vachiitira Moreki,+ zvinhu zvandakanga ndisina kuvarayira+ uye zvisina kumbobvira zvauya mumwoyo mangu* kuti ndivaudze kuti vaite zvinhu zvinosemesa kudaro, vachiita kuti Judha atadze.’

36 “Saka zvanzi naJehovha Mwari waIsraeri pamusoro peguta rino ramuri kuti richaiswa muruoko rwamambo weBhabhironi kuburikidza nebakatwa, nenzara, nedenda, 37 ‘Ndichavaunganidza kubva kunyika dzese dzandakavaparadzira kwadziri ndakatsamwa, ndakagumbuka, uye ndakashatirwa kwazvo,+ uye ndichavadzosa kunzvimbo ino ndoita kuti vagare vasina chekutya.+ 38 Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo.+ 39 Ndichavapa mwoyo mumwe chete+ nenzira imwe chete kuti vagare vachinditya, zvovafambira zvakanaka ivo nevana vavo vanovatevera.+ 40 Uye ndichaita sungano navo inogara nekusingaperi,+ zvekuti handizoregi kuvaitira zvakanaka;+ uye ndichaita kuti vanditye mumwoyo mavo kuti varege kutsauka vachibva kwandiri.+ 41 Ndichapembera nemufaro pamusoro pavo kuti ndivaitire zvakanaka,+ ndichavadyara zvakasimba munyika ino+ nemwoyo wangu wese, nemweya* wangu wese.’”

42 “Nekuti zvanzi naJehovha, ‘Sekuunza kwandaita dambudziko guru rese iri pavanhu ava, saizvozvo ndichavaunzirawo zvakanaka zvese zvandiri kuvavimbisa.+ 43 Minda ichatengwazve munyika ino,+ kunyange zvazvo muchiti: “Idongo risina munhu kana mhuka uye yaiswa mumaoko evaKadheya.”’

44 “‘Minda ichatengwa nemari, magwaro echibvumirano chekutenga achanyorwa onamwa achiiswa chidhindo,* uye zvapupu zvichashevedzwa munyika yaBhenjamini,+ nemunzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, nemumaguta eJudha,+ nemumaguta enzvimbo ine makomo, nemumaguta enyika yakadzikira,+ nemumaguta ari kumaodzanyemba, nekuti ndichadzosa nhapwa dzavo,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.”

Mabhuku eChiShona (1973-2025)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2025 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe